Kutenda kwezvokwadi nedzidziso dzeislam-by imaam A.Amoni

Kutenda kwezvokwadi nedzidziso dzeislam-by imaam A.Amoni Wakambonzwawo here nezveislam ? Gwara 1 rinomutsa Vakafa.vanova Vafi pamweya asi muviri uchirarama.

27/11/2022

Gwara rekunamata rinodawo kudzidzwa kudarika madzidzirwo anoitwa kutyaira ndege Kana kudzidzirwa kunoitwa kurapa nachiremba nekuti kunamata kunobata hupenyu hwepanyika nehupenyu hwose huchatevera mushure merufu.

Zvinopisa tsitsi Kuti vazhinji vevanhu vanenge vakakundikana kuzvikoro ndivo vanozoda kuwanikwa vave Kuda kutungamirira vatendi uyewo ruzhinji runoda kutsigira nekuti Havadi kudzidza shoko .
Mwari vakatumira vatumwa Kuti vaparidze nekudzidzisa shoko muvanhu nekuti kunamata nekunzwisisa shoko kunouya nedzidziso nekutambira dzidziso nehuchenjeri uye nekutenda pamweya nemumoyo zvechokwadi.

19/11/2022

Hama yangu mazuva atinorarama panyika mashoma shoma.hupenyu hwako nehwangu mazuva matatu chete ... nezuro akatodarika haachadzoke zvachose ... mangwana Uyo hatizivewo nezvake unogona kumusvika Kana kusatomusvika zvachose ... Nanhasi izvezvi ikozvino ndiro Zuva raunaro unokwanisa kushanduka nekushandura maitiro ako ukava munhu mutsvene anoita mabasa akanaka mabasa anodiwa naivo Allah ukaregererwa zvitadzo zvako ukava mutendi wechokwadi...all you need to do is to repent... Tambira gwara islam rechokwadi nhasi.

14/09/2022

Chinhu chose chatinotia ngachiitwe chine chinangwa chokufadza Allah ndokuti chinhu chakanaka chive chinotambirwa nekukwanisa kuwanisa makomborero akawana akanaka.

Chose chinhu chinoitirwa mbiri Kana kufadza zvimwe zvisikwa sevanhu Kuti vamure munhu arikuita zvakanaka izvozvo hapana chaanowana pamakomborero nekuti Mwari havatambire zvinhu zvinoitirwa kuonererwa .

Pauri kuita chakanaka Uri kuchitora ani Kana Kuti kutsvaga kufadza ani ?

01/09/2022

Segodo rechando riri kunyungudika Pasi pezuva, hupenyu hwako hurikunyungudika kutapudzika pose panobudira zuva nepose panonyurira zuva.wakagadzirireyiyi hupenyu hwemuguva ? Ko hupenyu hunotevera mushure apo vafi Vose vachamutsiwa kuti vapihwe mugohwo unoenderana nekutenda uye mabasa avo avaiita pano panyika.gehena zvechokwadi chokwadi ririko uye paradhiso zvechokwadi chokwadi ririko.

31/08/2022

Islam inodzidzisa munhu kubva asati asikwa Kana kuzvarwa yodzidzisa munhu azvarwa , mararamiro anofanirwa kuita uye hupenyu hwemuguva nehupenyu hunotevera mushure unova kumutswa zvekare kwevanhu Vose apo mumwe nemumwe Anenge omira nemabasa Ake achipihwa mugowe unoenderana nemararamiro aakaita uye nekutenda kwake.

10/08/2022

Muislam nedzidziso dzayo dzinokuudza Kuti Allah (Mwari mumwe chete) hongu asi Havasi Vose vanhu vanonatama Mwari mumwe chete kwete.ukanzwa munhu achiti Chero kwese Kuna Mwari chiziva Kuti munhu iyeye havasati Ave kuziva Allah (Mwari mumwe chete chete) pamweya muzvokwadi nepanyama yake muzvokwadi .
Vazhinji vangazive Kuti Allah ndivo Vega vari mumwe chete asi vazhinji havazotendi Kuti ndivo Vega vanofanirwa kunamatwa nekutyiwa zvinoenderana nechinzvimbo Chavo Vega.

Kune zvitadzo zvitatu zvisingaregererwe zvachose naivo Allah munhu Kana majinns akafa adakaro Ari pakutenda kwadaro.
1)kufr- kusatenda Kuti Allah variko uye vakatumira vatumwa nemaporofita echokwadi wekupedzisira wacho Ari Muhammad (swallallahu Alaihi wasalaam) Kuti Vose vakauya nedonzvo rekudzidzisa isu vanhu Shoko Ravo Allah uye nekuti tivazive.
Munhu anoramba zvachose kutenda mukuvepo kwavo Allah akafa munhu iyeye haazoregererwe.

2.shirk- kubatanidza Allah nezvimwe zvinhu zvisiri Ivo Allah pakuvanamata kuisa mumiriri Kana gwevedzi pakati Pavo Kana kutenda Kuti panguva ino pavanoziva zvakavanzika vane masimba ekushandura zvakavanzika. Vanhu vanofa vachibatanidza Allah nezvisikwa zvavo vanhu ivavo havaregererwe.

3 vanhu vebidi'ah - Ava ndivo vanhu vanoshonyorora mitemo inoyera nemagwaro anoyera vachiita zvido zvemoyo yavo.vachiti ndizvozvo zvakabva Kuna Ivo Allah.boka revanhu nemajinns (rudzi rwasatan Kana Kuti dzinza rake) iroro Boka rakawanikwa panguva dzose uye nanhasi riri kuwanikwa ndiri Boka rakarasisa ruzhinji uye riri kurasisa ruzhinji nekushandura nekuwedzera nekubvisa chokwadi mugwara reislam kubva nguva yaAdam (rugare ngaruve kwavari) munhu wekutanga muporofita waAllah swallallahu Alaihi wasalaam wekutanga.

09/08/2022

Allah vane nyasha dzose nengoni dzose vakatumira mabhuku anoyera Kana Kuti matsvene panguva dzose kuvanhu vose.mabhuku matsvene Aya ndiwo aive bumbiro remunhu wose maiva nemirairo nemitemo yemararamiro evanhu uye zvekare zvikonzero zvekuti sei kutenda kwaive kwakakoshera munhu.

Mabhuku anoyera Aya Kana Kuti matsvene Aya aidzidzisa munhu kuziva Allah nenzira dzose dzekuvakudza, kuvarumbidza nekuvanamata pasina kuvabatanidza nezvimwewo zvinhu zvisiri Ivo Allah pakuzviita.

Nyangwe zvazvo vatumwa (rugare ngaruve kwavari) vaiuya nemabhuku anoyera Aya nekumaparidza nekumadzidzisa paiwanikwa zvikwata zviviri chevanotenda chishoma nechevasingatendi vakawanda.mushure nenguva yakati wandeyi pazowanikwa zvikwata zvaizochinjinura Shoko richisara rave nhema nekuti vanenge vorinyora vachitedzera zvido zvemoyo yavo...nokudaro Allah nenyasha dzavo vaibva vatumira mumwe Kana vamwe vatumwa nemabhuku anoyera kuzodzosa vanhu kugwara rakajeka.

More to follow in next post

05/08/2022

Noble Qur'aan ; Qur'aan rinoyera ibhuku dzvene rakatora makore makumi maviri nematatu(23 years) kudzika kwaro kubva padenga repedyo nesu rekutanga richiunziwa nengirozi inonzi jibraeel(Gabriel) {rugare ngaruve kwavari}. mashoko ose emuQur'aan rinoyera akabva kwavari Ivo Allah pachavo; mazwi avo . mutumwa waAllah Muhammad (swallallahu Alaihi wasalaam) aisagona kunyora Kana kuverenga zvose izvi Allah vakazviita nechinangwa chokuratidza hukuru hwavo uye nekuvhara musiwo weavo vangazode kumhura mutumwa waAllah Muhammad (swallallahu Alaihi wasalaam) Kuti aive ariiye akarinyora Kana kutora kubva kune mamwe mabhuku anoyera ,akauya Kumberi kweQur'aan rinoyera risati rauya.
Qur'aan rinoyera ndirori bhuku rega rasara rechokwadi uye ndiro bumbiro remutemo unoyera wemunhu wese zvisinei neruvara rweganda Kana rudzi . Qur'aan rinoyera ndiro rega bhuku Risina kushandurwa zviri Mariri ndiro rega Shoko rechokwadi Ravo Mwari panguva Ino Risina manyepo Kana mashoko evanhu.

03/08/2022

Islam gwara roga rechokwadi nechaedza chomunhu wese zvisinei norudzi Kana ruvara rweganda nemajinns (zvisikwa zverudzi rwasatan Kana Kuti dzinza).

Allah vakatumira vatumwa nemaporofita ose( rugare ngaruve kwavari) kuzodzidzisa vanhu gwara reislam.
Mutumwa waAllah uye ari muporofita waAllah akapihwa bhuku rinoyera iro raive nemitemo yose yezvinotenderwa kuitwa Kuti munhu Ave anobudirira pamweya nepanyama,Pasi rino nehupenyu hunotevera ; uye raive nezvose zvinorambidzwa izvo zvinokonzeresa kurasika kwemunhu pamweya nepanyama Pasi rino nehupenyu hunotevera.

Muporofita waAllah aive munhu aitevera bhuku rakapihwa mutumwa waAllah akauya pamberi pake uye aive auya kuzosimbisa mitemo yose yakauya nemutumwa yaive yakanganwiwa Kana Kuti yaive yave kutsaudzirwa asi iye pachake aisauya nebhuku idzva.
Mutumwa waAllah wose aive muporofita waAllah asi muporofita waAllah wese aisave mutumwa waAllah ndipo pane kamutsauko kadiki diki chete isusu sevatendi tinovaremekedza Vose zvakafanana Pasina kuvashora Kana kuvamhura kwete zvanoitwa kakunyeperwa kwavanoita nemamwe mapoka evanhu donzvo riri rokurasisa vanhu gwara rechokwadi.rugare ngaruve kwavari Vose kubva panaAdam muporofita waAllah wekutanga kusvikira Pana Muhammad (swallallahu Alaihi wasalaam) mutumwa waAllah wekupedzisira arizve muporofita waAllah wekupedzisira mushure make hamuna mutumwa Kana muporofita waAllah wechokwadi achauya wese anozviti muporofita munhu iyeye mukuru wevanyepi zvisineyi nembiri yaanayo ; Nyangwe Satan anembiri chose asi hazvimuchenesi pamabasa aanobata uye nehuyipi hwake.

31/07/2022

Allah izwi Kana Kuti ishoko rwechirudzi Kana Kuti rurimi rwechiarabhu (Arabic) runoreva Mwari mumwe chete, musiki asina mapoka mavari asina hutatu muhumwechete Kana Kuti asina humwechete muhutatu kwete.haana mwana uye haana mukadzi,haana mavambo vakagara variko uye Havana magumo vachagara varipo.ndivo vasika zvinhu zvose Pasi rino nekumatenga zvatinoziva nezvatisingazive zvese.

Allah ndivo Vega vanekodzero yekupfugamirwa vachinamatwa uye ndivo Vega vanekodzero yekurumbidzwa zvepamusoro soro zvinoenderana nechinzvimbo chavo nekukudzwa kwepamusoro soro pasina muturikiri Kana gwevedzi pakati Pavo nemunhu Ari kuvanamata uye pasina kuvabatanidza nechimwe chinhu pahukuru hwavo Kana pachinzvimbo Chavo.

Donzvo guru rakasikirwa munhu nechisikwa chinonzi majinns (rudzi rwasatan Kana Kuti dzinza rake) Kuti tive tinopembedza hukuru hwavo Allah , kuvanamata ,kuvarumbidza nekuvakudza zvinoenderana nechinzvimbo chavo nemasimba avo Tiri Pasi yemurayiro wavo nenzira yavakasarudza Ivo pachavo pasina kuvabatanidza nechimwe chinhu sezvo zvinhu zvose kwavari varanda vavo, uye Havana chakafanana navo.

Vanhu vazhinji vanotenda Kuti mitauro kana zvirudzi zvakasiyana siyana zvine machevedzero avanoita Allah,isusu wemamuslims vatevedzeri vegwara ravakasarudza Ivo Allah pachavo tinoshandisa Zita ravo rekuti Allah zvisineyi nekuti tinobvepi uye marudzi edu akasiyana nekuti kutenda kwedu Kumwe chete uye mutumwa waAllah wechokwadi wekupedzisira Ari muporofita waAllah wechokwadi wekupedzisira (swallallahu Alaihi wasalaam) aivewo muarabhu vakashandisa Zita irori .
Ndazopa tsanangudzo idzo nekuti pane rumwe ruzhinji rwemunyika medu rwandakasangana naro munzira nemunzvimbo dzakasiyana siyana dzine kufunga kunototyisa kureva uye nekusatoziva Kuti Allah izita remusiki asi chirudzi Kana Kuti mutauro ndiwo wasiyana .

26/07/2022

Mutumwa waAllah wechokwadi wekupedzisira uye Ari muporofita waAllah wechokwadi wekupedzisira Muhammad (swallallahu Alaihi wasalaam- rugare,makomborero nenyasha dzavo Allah ngazvive kwavari) vakati: mwana wese anozvarwa ari pagwara rechokwadi (fitra ) uye Ari Muslim asi kuti vabereki vake ndivo vanomushandura kuve mukristo Kana kuve mujuda Kana kuve munamati wemoto Kana zvimupunzo" (hadeeth yechokwadi)

Kuve mumuslim zvinongoreva kuve munhu anotenda zvakazara muchokwadi uye achitevera mutemo zvakazara nenzira inoda musiki.

Chinhu chose chakashata mwana mudiki chaiye anoziva Kuti Ichi chakashata nekuti munhu akasikwa Ari panzira Kana Kuti pagwara rwakatasuka (fitra) .Kana Moyo ukaramba uchidiridzirwa zvakanaka unoramba uchiita zvakanaka,uye ukadiridzirwa zvisizvo unodzimara wasindimara wakusaona chakaipa nechakaipa zvose izvi kureva Kuti munhu anokwanisa kushanduka gwara nekuda kwezvakamutenderedza zvinova vabereki.
Hazvisi zvose vabereki zvavanodzidzisa Vana vavo zviri mugwara rechokwadi asi Kuti isungiro yemunhu wose abva zera Kuti Ave anotsvaka chokwadi nekuti Uyo aneshungu yekuchitsvaka chokwadi Allah vanomuvhenekera chayedza owana gwara rakanaka rakajeka rinova islam.

26/07/2022

Islam izwi zvakare rinoreva runyararo rwakagadzikana rwakazara mukaona zviitikwa zvinopesana nerunyararo urwu mobva matoziva Kuti hapachina Islam ipapo.muchidimbu runyararo urwu runoiswa mumapoka matatu mukuzadzisa Shoko iri Kana Kuti gwara reislam.mapoka Acho ndeanoti:-
1.islam(runyararo) pakati pemunhu naAllah ; musiki wake .
Izvi muchidumbu zviri kungoreva Hukama hwechisikwa nemusiki .donzvo guru rakasikirwa munhu nemajinns ndere Kuti tirumbidze nekukudza nekuvapembedza nekuti tinamate nenzira yakatarwa pasina kubatanidza Allah nezvimwe zvinhu Kana kuisa muturikiri pakati pedu naAllah uye nekutevedzera mutemo zvakazara.kana vanhu nemajinns vakatedzera zvinodiwa naivo Allah zvoreva Kuti pachave nerunyararo pakati Pavo naAllah asi vakatyora nekusarudza kuita zvimwewo zvinhu nenzira yekutevedzera zvido zvavo pachave nemugove wemarwadzo ende ipapo panenge pasisina Islam nekuti hapana runyararo.
2.islam (runyararo) pakati pemunhu nemuviri wake.zvinoreva Kuti munhu arikuita zvose zvinodiwa kuchengetedza mweya ,pfungwa nemoyo nemuviri wake.somuenzaniso unonzwa vakomana vechidiki vachiti mushonga wekugezesa mazino hausi wega unochengetedza mazino zvichireva Kuti usangotaure zvinokonzerasa kutsamwa kwemumwe munhu nekuti unorohwa ukabva mazino Kana
usingachengetedzi mashoko.
Nokudaro muchidumbu chikamu chino kuita zvose zvinounza hutano nebudiro yemuviri Pasi rino nehupenyu hunotevera zvekare.

3 islam( runyararo) pakati pemunhu nezvakamukomberedza.izvi zvinongoreva kugarisana kwemunhu nezvose zvakamukomberedza murunyararo.zvinhu izvi zvingave mhuka,Kana matombo,miti ,uswa uye vamwe vanhu vatogara navo.muchidimbu tinofanirwa kuve tinowadzana nezvose zvisikwa nenzira yakatarwa ; haatifanirwe kupisa Masango pasina Kana donzvo razvo nekuti tikadaro hapachina runyararo (islam) ipapo tikaita zvisina mwero zvinopedzisira zvokanganisawo nesu magariro edu panyika Pano .

Zvakawanda muzvikamu zvichatevera

Address

Islamic Mosque
Zvimba

Telephone

+263738290911

Website

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when Kutenda kwezvokwadi nedzidziso dzeislam-by imaam A.Amoni posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Share