06/11/2019
*Dressing :Mapfekero haana basa,Chikuru moyo wako! Ndizvo here?*
*This is not a matter of debate imharidzo.*
Kana yakubata chingotendeuka kwete kugumbuka.
Chaita ndiparidze ndaona kukakavadzana kakavapo about dressing.
Provebs 7 vs 10;Zvino tarira mukadzi akasangana naye akange akafuka sechifeve,nokunyengedzera pamoyo,
*Ko icho chifeve chinombopfeka seiko uye chii chinombonzi chifeve?*
Chifeve munhukadzi anotengesa muviri ,zvoreva kuti iye anotengesa anoshambadza zvaanotengesa *(advertising)*
Saka chero pakupfeka anopfeka zvinoshambadza zvaanazvo.
TOMBOTANGIRA IPAPO
Ko why uchiti dzimwe nguwo dzako pakasvika pastor unomhanya kubvisa?ko sei uchiti dzimwe dzacho hadziite ku church?
Ko shoko harina kuti miviri yedu itembere ya Jehovha?
Adam na Eve vatadzira Mwari vakaona kushama kwavo,vakatsvaga mashizha vakasimira,but Mwari pavakauya vakavaitira nguwo dzematehwe vakavafukidza nadzo(Genesis 3vs 21)
Mashizha kana akapfekwa dzimwe nyama dzemunhu dzinoonekera but dehwe rinovhara muviri wese.
Idzo dzako hembe dzinosiya ganda remukati richionekwa haasi iwo mashizha akabviswa na Jehovha akaisa dehwe here?
Chero ukanamata zvinengeyi,ukaparidza zviri powerful,ukatsanya zvakaita sei asi wakapfeka sechifeve,shoko rati moyo wake une kunyengedzera.
Kana isu tabvumirana kuti kupfeka hakuna basa,iro bible roti *akapfeka sechifeve* Zvoreva kuti zvifeve zvine Mapfekero azvo.
Mazuva ano vanhu vave kutoita competition yekupfeka zvakashama nezvifeve zvacho.
Hazvina basa nekuti vamwene,murume,vatezvara kana church yenyu yazvibvuma,mumeso amwari munenge muri vanyengeri.
Ndadaro chikonzero ndoona muchipedza nguva discussing mumba nyaya yemapfekero refer to the bible.Kune mapfekero ezvifeve.Handina kunangana nemunhu,bible ndoradaro.
Jehovha kana akapfekedza Adam na Eve zvaivhara muviri wese,ongorora yawakapfeka.Vamwe vachisona coz yadambuka yave kutaridza zviri mukati,vamwe ndopavari kutenga zvakadamburwa kare. Ndatuka here mhuri yeZimbabwe?
Kana taparadzana zviri