20/06/2014
Hannah haana kugumira pakunamata chete ukaverenga 1 Samuel 1:19 inoti ?Elkanah knew Hannah his wife; and the LORD remembered her. (Elkanah akarara naHannah mudzimai wake). Hannah aida mwana but haana kugumira pakunamata chete, but akaziva kuti pane zvinofanirwa kuitwa kuti paiite mwana.
Hongu mwana chipo chinobva kuna Mwari but pane dzimwe action dzinofanirwa kuzoitwa pakati peBaba naMai kuti vagamuchire chipo ichocho. Ndiri kuti i after prayer, there is action inofanira kuitwa than kungogumira pakunamata chete.
After wapedza kunamata, faith yako must push you kuti uite zviri in-line with your request.
waitsanya uchiti unoda mota, ko how far license, wakatora here? Unoda kuti MWARI vakupe mota iwe usina chitambi, unoswera waita tsaona & GOD doesn?t want that to happen.
wainamatira stand, but how far, wakamboenda here kuKanzuru or to any other institution inoita zvemaStand kunonzwa kuti zvakamira sei.
wainamatira musikana wekuroora, but how far, une wawakanyenga here? Unoda kungomuka kuhope uchiona mukadzi avapo nechekare kuti uri Adam here akapihwa Eve.
wainamatira mukomana, ko how far, makugezawo here amainini, munoda kuti mukomana akunyengei nehutsvina ihwohwo, uyu. Munhu wechisikana anodokerwa nezuva asina kugeza?
wainamitira kuti ugone kuparidza, ko how far Bible racho murikuverenga here? Unoda kuzoparidza nezvei iwe usingaverenge Bible racho.
Hongu wakanamata for whatever you wanted but are you taking the right action on the ground.
do your part, and GOD will do his part.
do your best and GOD will do the rest.
Proverbs 21:31 inoti The horse is prepared against the day of battle: but safety is of the LORD, zvichireva kuti you have to prepare your horse for the battle & GOD will give you the victory. Unoda kuti MWARI vakugadzirire horse, vokupa futi victory, aiwa hazviite hama