ZCCkumuka kuvakafa

ZCCkumuka kuvakafa The page invites all ZCCkumuka kuvakafa congregants and others interested to share religious verses and updates of the church.

*SYNAGOGUE SCHOOL MESSAGE AS AT SUNDAY 26 JULY 2026: Prophet Legate Chawapiwa**KUBATA KOMUDZIVISI**Ndinouya kwauri pfiga...
26/07/2026

*SYNAGOGUE SCHOOL MESSAGE AS AT SUNDAY 26 JULY 2026: Prophet Legate Chawapiwa*

*KUBATA KOMUDZIVISI*

*Ndinouya kwauri pfigamwedzi yomwedzi weZion neropafadzo yawo kumwana weZion wese. Unzwe uzive kubata ungaita kukunda kubata komudzivisi kukutadzisa kana kukupesanisa nezvinokusanganisa neropafadzo paZion*

Kubata komudzivisi kunouya nesimba uye njere kukuvhiringidza kana kushandura pfungwa dzako. Kuti ubve pane chakanaka uchienda pane chisiricho. Kusiya pfungwa yakanaka yauya kwauri kana yawakatora pakudzidza, kuti uchiita zvinopikisa.

Inzwa kuti *mudzivisi* Wobva waziva kuti chinodzivisa chinotofanira kuva nesimba riri pamusoro pechiripo. *Kumisa kuyerera kwemvura murwizi kuidzivisa kuyerera kunoda mudhuri watinoti dam wall wakasimba zvokumisa simba remvura inoyerera* Saka patarise uone kuipa komudzivisi kana anangana nokukurwisa. Anotouya ari pamusoro pako. Zvokuti ukasangwarira unowisirwa pasi kana kushandurwa pfungwa dzako dzakanaka nezvaMwari weZion.

Zvakawanda zvati zvaitwa nomudzivisi kukutadzisa zvawakafanira kuwana. Iye anokudzivisa zvawakafanira kuita zvinokusanganisa nezvawakafanira kuwana. Unopiwa kumwe kuona kunoita uve nemaonero kana pfungwa dzinopikisa, uchiona sewangwadzwa kana wakangwara uye kuona seuri kurasikirwa kana kushandiswa kana kubirwa. Zvichaita usaita sokurairwa kana kunyeverwa kwako naMwari weZion.

Mudzivisi anoziva zvakanaka zvaunoita kana zvaunozviitiira uye zvakanaka zvaunozosangana nazvo. Saka anotoita strategy to counter attack. Zvoreva izvo kuti anoita counter attack anotorongeka kuti zvive pamusoro pezvako.

Ziva izvozvo ugoziva kukumbira simba rokusashandurwa pfungwa yakanaka. Usawisirwa pasi nomudzivisi. Kureva kuti pfungwa dzako ngadzirambire pakuziva dzidziso Kubva kuna Mwari weZion sezvairi. Kana pfungwa yomudzivisi youya chisava chinhu chiri chikuriri kwauri.

Rongeka nokuti hapana anouya kuzokushandura kana kukuvhiringidza asingazivi paumire. Anotova ne information yese. Anoziva mubatiro wako uye mabatirwo azvo.

*SUNDAY SERVICE MESSAGE AS AT SUNDAY 12 JULY 2026. MWEDZI WEMINANA YAKAPAMHIDZWA: Prophet Legate Chawapiwa**2.KINGS 6 VE...
16/07/2026

*SUNDAY SERVICE MESSAGE AS AT SUNDAY 12 JULY 2026. MWEDZI WEMINANA YAKAPAMHIDZWA: Prophet Legate Chawapiwa*

*2.KINGS 6 VERSES 8-10*

*USAZVINETSA NOKUITA KOMUVENGI MWARI WEZION VANOKURWIRA*

Chimwe chinhu chinokutadzisa kusangana nezvakafanira zvaMWARI weZion kubata kwesimba romuvengi. Simba romuvenngi rinesimba pamusoro pako asi kwete raMwari weZion. Saka chakakunakira kuchengetedzwa naMwari weZion nesimba rake rinozviratidza nenzira dzisina angadziziva kana angadzifungidzira.

Kuziva zvinoda Mwari weZion nokuzviita ndizvo zvakafanira uye zvakakunakira. Wongwarira kuzviita sezvazviri usingazendami panjere dzako.

Kuteerera nokuita sokunzwa waita ndiko kunozarura ropafadzo. Kunozarura manenji zvinoita usadziviswa nokubata kwemweya yakaipa.

Chinodiwa kuti uve connected kuna Mwari weZion. Kuva connected kunokuita unzwe zvvaMwari weZion nokuzvigamuchira zvichakupa zvake zvese.

Kuva connected zvinoda ufambe nokubata mirairo yake. Nokuti mirairo yake ndiyo inouta usangane naye.Iye anogara achiita kuita kwake kunosangana nevari connected kwaari. Zvinoita simba rake rizviratidze kukudzivirira pakuipa kwese kunokonzerwa nomuvenngi.

Kusava connected kuna Mwari weZion zvinoreva uri connected kunzira dzomuvengi. Saka pese paanoita zvakaipa zvake pamusoro pako zvinosangana newe. Mwari weZion pavanoita zvinochengetedza vari connected kwavari hazvisangani newe zvisinei kuti unonamata. Zviisinei kuti uri musungano.

Chaiita vana vaIsrael vadzivirirwe nguva dzese kuva connected. Kungwarira kuita zvavaiudzwa kuti vaite. Pavaiwanna nyevero vaiitora sezvairi vasingazendami panjere dzavo. Vasingatsvagi kuona zvazvingazoiita kana kuti dai Mwari vazviratidza neimwe nzira isiri iyoyo. Vasingapikisi zvavaudzwa vachiti dai vangonzwirwa tsitsi. Nokuziva kuti kunenge kuchitova kuramba tsitsi dzaMwari weZion nokuti zvavanenge vatotaura izvozvo dzinotova tsitsi dzacho.

VaSiriya vakarongera vaIsrael asi Mwari akavanyevera kuburikidza munhuwamwari Elisha. Vakateerera zvikavanakira ku

13/07/2026

Big shout out to my newest top fans! Wonder Vengesai, Bridget Hlongwane

*SYNAGOGUE SCHOOL MESSAGE AS AT SUNDAY 05 JULY 2026 : Prophet Legate Chawapiwa**KUNAMATA VAMWE VAMWARI**Zivo chinhu chin...
05/07/2026

*SYNAGOGUE SCHOOL MESSAGE AS AT SUNDAY 05 JULY 2026 : Prophet Legate Chawapiwa*

*KUNAMATA VAMWE VAMWARI*

*Zivo chinhu chinokundisa vazhinji pakuva nayo nokuita sokureva kwayo. Chinhu chinokuvadzisa zvakanyanya kuishaiwa zvakare kuiramba*

Kushumira kana kunamata vamwe vamwari chinhu chinonzwisiswa zvisakazara navanhu, Kuziva chinonzi kunamata uye kuti chaunoti mwari chii Kusvika navo Mwari voti vamwe vamwari iko kuchinzi kuna mwari umwe. Zvinobudisa kusanzwisisa kwavanhu uye kusatendeuka kwavo kuuya pachinhu chakafanira. Zvinozoonekwa nezvibereko pakudana kana kubata kwavanhu kuti zvaitwa nenzira ipi namwari wacho. Zvakare zvichisarĂ  zvisinganzwiswisiki muvanhu. Nhasi zvinonzi Mwari weZion kuti kune kumwe kushumira vamwe vamwari. Zvakadaro vana veZion havasi kunzwisisa kumira naMwari weZion kuti zvivarerukire, naye aratidze rudo rwake kwavari sevana veZion.

Regai ndibate zuva ranhasi kushumira kana kunamata vamwe vamwari kunoitwa navana veZion. Ndichashandisa inzwi rokuti kushambadza kana kuzvishambadza, zvinzwisisike kwauri. Naizvozvo unzwe kuti kuzvishambadza ikoko kutoreva kuti kuda kunzwikwa. Kune vanokunzwa vanozova namatanho avanotora. Kukubatsira kana kukutsvinyira kana kuita zvipi senzira yokudavira pakushambadza waita. Wanga asingazivi kana change chisingazivi chiwane zvokuita nezvachava kuziva pakushambadza kwako.

Kana touya pakunamata kwakajeka sokuziva kunoita vanhu kuti kuenda kumakereke kana kuva nesangano raunoenda. Uko unoita zvaunoita kuti mwari vakunzwe vatore matanho. Kuzvishambadza kuna Mwari ikoko.

Zvakajeka kuvanhu pakusava nevamwe vamwari kuita zvezvipigwa nezvifananidzo. Pazvifananidzo ipapo pasingajeki zvakaperera kuvazhinji. Vamwe vanosvika pakuti kune vanhu vanonamata vanhu pakubata kwavo vari vatungamiri mumasangano.

Kune kunamata vamwe vamwari kusina kungwarira kunoitwa navana veZion vasingaoni kuva kwazvo saizvozvo. Kuzvishambadza mu social media mushure mokuita chakanaka kana kuwirwa nezvakaipa. Kupindura kunoita vanzwa kan

13/06/2026

Hondo yakarwiwa naMmwari weZion mugomo Bhalulwengwe nehhusiku uhwu yakaita vana veZion vaburuke ramangwana vava vatano. Kkurwirwa naMwari weZion kwakaonekwa nezuva iri.

kudziwai Mmwari weZion. Ndiwo mupata waBhalulwengwe gore ra2015 hondo huru yakarwiwa kunakira vanhu.

Mwari weZion vakamira nesu vakatipinza murugare. Kureva pane chakadzingwa kuti tiwane rugare. Takadzikunurwa kubva muhut...
11/06/2026

Mwari weZion vakamira nesu vakatipinza murugare. Kureva pane chakadzingwa kuti tiwane rugare. Takadzikunurwa kubva muhutapwa kusunungurwa. Rugare kureva zvese tava mazviri nokunaka. Huvepo hwehupenyu hutsva nebudiriro pazvese muhupenyu. Zvakanaka tiri mazviri uye hatichazvitsvagi sapakutanga tiri muhusungwa. Ukasazwisisa unotsvaga kusunungurwa iwe wakasunungurwa kusvika wazvisunga.

Saka mashoko ataca kutarisira ndeehondo nguva dzese. Mwari weZion vachitirwira kubva kune chakabvutirwa rugare rwedu, apo chinorwisa nguva dzese kutibvutira irwo. Saka unorambirei kunzwa shoko rehondo. Unoda kunzwa ezvakanaka zvipi zvinodarika rugare. Kusabatika kwezvakanaka zvaunoreva kutsvedza chete kwehove asi dzirimo mudziva rauri iro wakapinzwa. Tsika dzakafanira patafura yashe.

Saka inzwa mashoko ehondo inorwisa usingatyi asi kuziva mabatiro kushaisa chinorwisa mukanwa. Dziva harina ngwena iri nazvo hondo kurwisa dzisapinda. Mweya wesvina ukatukwa mumunhu unoenda kureva wasara murugare. Asi unodzoka nazvo ukazopinda mabvutiro awunoita rugare akaipisisa. Kuparara kwako kwakaipisisa kudarika pokutanga. Tiri pahondo. Inzwa mashoko ehondo uwafarire zvikubatsire kugadzira nzira yaMwari weZion pakukurwira iwe uri murugare. Zvakanaka zviwanzwe. Uchengetedze mirairo yake yesungano newe achikupinza murugare.

Amen.

Ruwadzano seminar in Zvishavane at Bilashaba Primary from 30 to 31 May 26.Sanganai  mese. uyai mese. Newe huya.
26/05/2026

Ruwadzano seminar in Zvishavane at Bilashaba Primary from 30 to 31 May 26.Sanganai mese. uyai mese. Newe huya.

Sunday 36 April 2026 mangwanani mugomo reZion.Vazhinji vakakwira namatambudziko akasiyana siya vakaburuka zvarongeka. Va...
02/05/2026

Sunday 36 April 2026 mangwanani mugomo reZion.

Vazhinji vakakwira namatambudziko akasiyana siya vakaburuka zvarongeka. Vakakwira vachidzimbikana senguva dzese vakadzika chimiro chachinja. Vungano rehupenyu.

Wakaitirwa zvakanaka chenjera zvinoita Mwaeya wetsvina kana Wadzingwa mumunhu.

24/04/2026

Big shout out to my newest top fans! Bridget Hlongwane

Address

Pumula North

Telephone

+263772655506

Website

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when ZCCkumuka kuvakafa posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Shortcuts

Share