Kutenda KweVatumwa Apostolic Church lnt

Kutenda KweVatumwa Apostolic Church lnt Inspired by Isiah55:1-6
ruponeso pasine muripo

14/01/2015

Hallelujah here we r in 2015 tiri kuti ngatisiyanei nekunyepa, nhema dzakaipa hadzidiwe naMwari. Izvozvi kune umwe asisagone kutaura mutsara wese asina kuisa manyepo pauri izvozvo zvinoratidza kt wave nhinhi pamberi paMwari saka nhasi uno tiri kt tendeukai ibvai panhema idzo nekt hadziwake chinhu .....Hallelujah !!!!

04/12/2014

Vana waMwari makasimba here ...zvino gore rapera wangani waunoziwa wakasiya ino nyika, kufunga kwako tingati kufa kupusa here, ko izvo zvirwere zvatekeshera kudai ....asi iwe nanhasi uripo nekuda kwenyasha dzatenzi saka tingamuitireiko nerudo rwake hukuru kudaro.....jus coment yo opinion

24/11/2014

Romans7:15 nekt zvandinoita hazvisi izvo zvandinoda uye kt zvandisingadi ndizvo zvandinoita..... Mangwanani ano namata kt Mwari wakubatsire ugone kuita zvaunoda usiyane nehunhu hwekuita zvausingadi panongoda simba raJesu chete to mek d difference Mwari wakuitire zvakanaka... Amen

13/11/2014

Chakabvondoka this saturday patsonzo central district kubva Chavhanga, Sagambe, Mandeya, Gatsi, Hauna, Sahumani, Kwambana, Nyamandwe, N/Resrve, Vumbunu, Matengambiri, Rivers, Chikanga, D/mvura, Gombakomba,Mapofu, Gangayi, Nehwangura, Dora, Marondera urban, Marondera Mitchells, Sadza, Murambinda, Chivhu, kusvika Hre Tynwald tese takaungana patsonzo ipapo so bring a friend o 2 kana zvodai zvotapira izvi....til sunday!!!

06/11/2014

Tenzi tinokutenda nezuva ranhasi ramatipa tichikumbira muswere nesu pazvese zvatichabata nekuita nekt mbiri nekubwinya zvinobva kwamuri nekusingaperi amen!!!!

04/11/2014
04/11/2014

Magic nd miracle!!! Tichikura mamagicians used to visit our sxools to perform eir magic for a fee nd l stl recall umwe madam achitorerwa pant yake ....dat was magic bt today d magicians hv flooded d christianity fraternity nd r making ple to blv eir magic as miracles ...oh God! Nd as f dats nt enough ey r doing t for a fee under d guise dat 'u reap wat u saw' ...dai Mwari watibatsira tagona kuona mutsauko wembudzi nebere, nyamba shona yedu inotaura kt kwadzinororwa matumbu ndokwadzino mhanyira bible shoko raMwari rotsinhirawo richiti vanhu wangu waparara nekushaya zivo....!"mangwanani ano Tenzi svinudzai meso angu ndigone kuona mutsauko pakati perima nechiedza ndiwe nemufambiro wakaringana mukristu wezvokwadi Amen!!!

03/11/2014

Ngatitende Mwari watiwanira nyasha kt tiwe tiri wapenyu muzuva ranhasi. Tingadai tine zvinetso zveupenyu zvakasiyana siyana asi chikuru pazvose ngatitende kt we hd bn granted another chance to fix our problems ko dai wanga wafa who was going to fix your problems for you saka tenda Mwari nechipo cheupenyu chawapihwa uchiziwa izvo kt zvese zvenyika ino hazvina maturo....

01/11/2014

Hallelujah rugare kune wose wanotenda kt Jesu ndiye muponesi muwambi nekutenda kwedu Mwari watiitire nyasha nhasi tiripo paChidzinzwa apo kwaMwoyoweshumba tichiitinha Hosanna nekt mbiri yake yakafanira nekurumbidzwa Mwari wati komborere patinopinda neapotinobuda Amen

29/10/2014

Mwari tibatsirei kukunyeperai tanyanya...!!! Ipo paye patino namata tichiti muti regerere zvivi zvedu "sekuregerera" kwatinoita awo wanotitadzira tinenge tichi kunyeperai. Ishe tinoda kubhadharwa zvataka kweretwa asi zvataka kwereta hatidi kudzosera...! Ah tinowenga chero asina kutitadzira, kusvotwa kuona umwe munhu achirarama. Ndati baba nhasi ndabvuma tino kunyeparai zvamuri kuona uye zvamakabata saka mangwanani ano shandurai hunhu rwedu tive waiti newararami weshoko renyu mambo Jesu tidzidze kuitira wamwe zvatinoda kuti watiitirewo muzita remwanakomana wenyu Jesu Kristu Amen.....

27/10/2014

Hahada kunamata hatirege.... Nhy iwe satan unofunga kt ndinoraramira basa manje warasika kunamata handirege.... Chero hama dzindiseme kusara ndiri ndega kunamata handirege.... Nyika indiseke ichiti hero rombe kunamata handirege.... Zveupenyu zviome sei kunamata handirege nekt mune simba muropa raJesu mune kuponeswa muropa raJesu mune hutano muropa raJesu mune mufaro muropa raJesu naizvozvo kana uchirinzwa shoko rake pfugama unamate uwanirwe mweya nesimba rekukunda muzuva ranhasi uchiziwa iko kt hatirwe neropa nenyama chete asi nemweya yakaipa inofamba nemuchadenga..... Hallelujah !!!

25/10/2014

Nhasi rega nditi batei nyaya yesabba oath (sabbath) Sabba zvinoreva chitsidzirano kana chitenderano uye oath zvinoreva mhiko.... Saka kt sabbath zvinoreva kt mhiko yechitenderano naMwari wako asi muzuva ranhasi vatendi vazhinji hd twisted this day zvisinei kt rino wanikwa pamitemo ine gumi mainly to suit our earthly needs asi pano Mwari aka taura pachena kt ano chengetedza sungano yangu naye (sabbath) acha ropafadzwa. Chinoshamisa unoona mutendi achigona kuchengetedza chisi kwanzi nekt mumunda mako munozopinda hudyi kana kt unozo sungwa nemapurisa asabhuku ...nhy imi Mwari haazi mukuru here kune wabati wenyika ino watinodai kutya zvine simba..... Dai Mwari watigonesa tachengetedza mhiko yatakatora tichiti naizvozvo tave kunzi vana waMwari ...tisa kanganwa kunyengetera apo tino muka tichitenda Mwari neruchengeto rwaatipa Amen!!!!!

Address

Mutasa
Mutare
BOX100SADZACHIVHU

Website

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when Kutenda KweVatumwa Apostolic Church lnt posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Share