M.A.P.I.P.I

M.A.P.I.P.I This institution stands for the establishment of God`s kingdom on earth Messiah's Apostolic Prophetical Inspired People`s Institution

M.A.P.I.P.I

19/11/2013

M.A.P.I.P.I Nhai weduwe ndoripedzavo sei
dambudziko randinaro? Dai
nyamututa akambenge
avaniswawo mukana vekuravira
mupunga haasaizo vomesa gotsi
kurambira kundove. Kwandisati ndanyanyo enda feyafeya
nemupunga kuvanhu veruzhinji
zvako. Kuri kuhurumende ye
Zimbabwe ndaedza hofisi ne
hofisi havana hanya nemashoko
angu. Sei ndichimhanyira kuhurumende pane kune
veruzhinji? Hurumende ndidzo
dziri kushandiswa nasatan
kudarika ani naani zvake pasi
pano. Ani naani anobata
muhurumende dzepasi nhasi awira mudziva rasatan. Satan
adzika midzi yake muhurumende
dzevanhu kudarika papi zvapo
pangave nemuzinda vake. Kana
kugehena satan hawanike
kudarika muhurumende. Mwari kana vaine chekuita nekurarama
kwe vanhu panyika vanotuma
munhu One kuvakuru vatongi
venyika. Moses akatumwa kuna
Farao mutongi. Ini handisi
muvengi vekuda kuparadza hurumende kwete. Ndiri
mutumwa vekubatsira
dzihurumende kukunda satan
pamwe nekudzidzisa matongero
a Mwari. Dai vanhu vaiziva
manakire akaita matongero a Mwari andinoziva, chokwadi
hapana ane musoro une pfungwa
ayizo bvuma kusarudza munhu
anewo musoro une pfungwa
chete dzisina Mwari kuti
atungamire nyika. Muri kushora mupunga vangu nekuda kwe
ndove yamajaira. Gore
ramucharavira mupunga vamwe
vachachema kuti Mwari sei
kutirega tichidya ndove makore
ese aya? Vanhu vatambura nekushaya Zivo. Ndinayo. Amen.

19/11/2013

M.A.P.I.P.I Matambudziko ari pasi nhasi
angaratidza kusiyana pameso
evazhinji asi chokwadi ese
anoberekwa pamwe chete
nechinhu chinonzi Kusaiziva kuti
nyika inogarwa nekutongwa sei chete chete. Governance system
ndihwo huroyi hwatamhudza
nyika yanhasi. Ndosaka kutonga
kwa Mwari kuriko chete
nyaradzo ne donhodzo repasi
rino. Mungaitonga mega mega sei musina mubatira pamwe neuyo
anokunayisirai mvura. Hapana
hurumende inonayisa mvura.
Hurumende ngadzibate pamwe
na Mwari pasi rigarike. Hutongi
ndivo muchetura mukuru vatitambudza. Saka tave kuda
kwa Mwari. God's Kingdom is the
only answer to our fate. Amen.

18/11/2013

M.A.P.I.P.I Chinhu hachinakiswi chete
nekuitwa kwachaitwa kana chete
nechikonzero chakanaka
chachaitirwa, asiwo ne Nguva
yachaitwa. Anything done nicely
for a good reason can become very bad if not also done at the
right Time. The right timing is
the final determining factor on
the results of anything we do if
to be good. Knowing the right
Time to do the right thing for a good reason is also wisdom and
wealth. Mistiming can turn bad a
good thing. Amen.

18/11/2013

Vanhu havagoni kupedza matambudziko avakatarisana navo nekuti dambudziko guru remunhu kutadza kuziva kupedzwa kungaitwa dambudziko. Dambudziko rinopedzwa nekupedza chinorikonzeresa chete. kwete kuti karamata nedambudziko racho haukunde.

18/11/2013

M.A.P.I.P.I @ King Llodza Hapana mutendi
anoyera kubata Bible. Mutendi
wese anosungirwa kuziva Bible
kwete kuri bata chete. Zve kana
vari ziva rinenge roshanda
kwauri se duramazwi dictinary raunoshandisa chete uchitsvaga
dudziro. Nzira inoita chete kuti
uzive nezva Mwari kubatwa
neMweya mutsvene. Ini
kubudikidza ne Mweya mutsvene
ndine zvizhinji zvandinoda kudzidzisa nyika zvisiri kana kuti
zvisati zvave mu Bible. Bible
rasara kunyorwa chikamu
chetatu chekupedzisira chicha
taura zvikuru nemabasa
achaitwa na Mweya Munyaradzi. John 16 vs 1.-16. Apa
ndashandisa duramazwi kuti
zvikuyamure kuona kana ndiri
mugwara. Never use the Bible let
the Bible guide or use you for it
is the living word of God. Vazhinji varasika nekuda kushandisa Bible
vachirega kuripa mukana vekuti
rivashandise ivo vanhu. Mutendi
chaiye haashandisi Bible, Bible
ndiro rinoto shandisa mutendi.
We are led by the Bible the word of God, therefore cant use
it. Kuziva Bible zvechokwadi
kunobva chete kuna Mwari,
zvikoro zve Bible zvinoziva
chete ma chapters and verses
of the Bible and nothhng more. Knowing God through the Bible is
very different from knowing the
Bible through God hence the two
classes of worshipers. Wese imi
makazvipira kusarudza
kushandira Mwari muchawana mibairo yenyu nekuti kuda
kwenyu. Ini handina mubairo
nekuti handina kusarudza asi
kuti ndakasarudzwavo . Zviri kumusarudzi. Kune vatendi vaviri
panyika vekuzvipira neve
kutsvagwa. Vaviri awa
vangabata pamwe asi havaoni
zvakafana nemibairo yakasinawo,
kazhinji vekuzvipira vanopindurwa. Amen.

17/11/2013

Pane zvamabvunzana nekupindurana regai ndikubatsireiwo ndichiti. Pakuti chii chinonzi Bible. Bible idura reShoko dzvene raMwari. Munowanikwa nhoroondo,mhiko, mitemo ne dzidziso yese yemhuri ya Mwari.. Testamende itsva yakabatanidzwa ne Bible nekuti Jeso ndeve iyo imba tsvene ya Mwari. Hapana chikonzero chaiita kuti Jeso vashandise Bible iye ariiye munyorwi varo nemunyoresi varo. Kushandisa Bible nguva dzese zvakafanana ne mwana anonyora bvunzo aine answer book. Kufanana nemuchairi anochaira mota achitarisa mu highway code. Vanoziva vanoziva nemusoro zviri muhighway code mushure mekuidzidza kamwe vachatanga zvekuchaira. Ane Mweya mutsvene haana basa nekushaya Bible anoziva hutsvene hwa Mwari pasina Bible. Ngati tsvage answer book paita nharo kana pasina Mweya mutsvene. Uto rinoratidza kuti muuto nekupfeka kwake kunyange asina pfuti. Kupfeka kunoyamura kukoshesa nekuremekedza basa raunoita kana rauri kuita. Kana chiremba anopfeka dust coat rebasa kunyange asinga shandiri pane huruwa, kuremekedza basa. Kwedu varume havadye ne hat kana vana havadye vakatambarara., kuremekedza kudya na Musiki. Kupfugama mabvi nemagokora hausi mutemo asi ruremekedzo kuna Mwari. Kana mureza chaivo jira uchisimukirwa neku bvisirwa hat Mwari vangatadzawo sei kubvisirwa shangu pamwe neku vapfekerawo nhumbi dzinoratidza kuvaremedza Musiki ve Zvese. Unogona kunamata Mwari chero vakapfeka zvakaita sei hachisi chitadzo asi kushaiwa ruremekedzo kuna Mwari. Kana weave, wig mumusoro muchinamata kushora Mwari. Kutya kana kuti kuremekedza Mwari ndokutanga kwezivo. Amen.

17/11/2013

M.A.P.I.P.I Kuchamuka vaporofita venhema.
Sei Jeso vakadaro? Zvinoreva
here kuti ava vaporofita vatiri
kuona ndeve nhema here? Jeso
vakati vachamutsa vaporofita
venhema kutsausa vazhinji kubva pachokwadi. Vaporofita
venhema vanoonekwa nekuti
muzhanje haunga bereki mango.
Muchaona church dzisinga
tungamirwe ne Mweya mutsvene
dzave pamberi kushandiswa ne Mweya mutsvene. Vanoita ve
venhema nekuti vanga vasinga
bvumi kuti kune Mweya
mutsvene. Uyevo vachaita
mabasa matsvene aya vasina
hanya nekuremekedza Mweya mutsvene zvakaita sekupfekawo
nguvo dzekireke pamwe
nekubvisa shangu dzavo
pavanenge voita basa reMweya.
Kwavari hazviyeri kuremekedza
Mweya mutsvene nekuti chitendero chavo chagara
hachizivani ne Mweya mutsvene.
Jehovha achavashandisa vatendi
vasiri ve Mweya ava kuita
mabasa e Mweya vasiri ve
Mweya kuti muone hove pasina mvura. Vazhinji vachamhanyira
kunodya hove dzisiri kubatwa
kubva mumvura vachinyatso ziva
kuti hove yemazvirokwazvo
inobva mumvura. Izvi zvinoitirwa
kuti vazhinji varege kucheka kana kubatsira zvekuya kwe
HUMAMBO hwaMwari PANYIKA.
Kumuka kwevaporofita venhema
kuitira kuti veruzhinji varege
kuona nekukoshesa MAPIPI
inovapa shanduko yechokwadi nerugare rusingaperi kusvikira
rini na riini. Chinangwa cha Mwari
panyika hachisi chekurapa,
kuporofita,mina na kana kubvisa vanhu madhimoni kwete. Vave
kuda kutonga vega Mwari pasi
ravo ravaka sika, vachishandisa
vanhu sezviri kuita satan nhasi.
NDIMI ANHU ACHO. Huyai tiwake
Humambo hwe Denga panyika. Kana ndichipenga, kekutanga
munhoroondo yemipengo ndinoti;
NDIBATSIREIWO KUPENGA KWANGU.
Amen.

16/11/2013

God changes leaders through
men. That is when men are in
compliance with him. We need
God to change the God given.
Infact with God it is not a man
to be changed but a system. If the system is good people take
turns just to administer the
good system. National leaders
are very different from party
leaders. The best position to
fight for national leadership is to be independent than to
separate the people of a
country by forming a party. An
independent president is going
to be the best leadership sytem
yet to be produced to the world. Had our president left
party politics and remained the
independent president of an
independent Zimbabwe things
would have gone according God's
plan. The Nehanda Kaguwiz were for all Zimbabeans and not a
political party. Thats were we
went wrong with our God given
Mugabe. He should lead
Zimbabweans not a party like
Nehanda.

16/11/2013

Sei mutendi akatadza achishambadzwa zvakapetwa kagumi kudarika wake satan? Kuda chete kwake satan kuratidza nyika kuti ari kukunda Mwari nekumutorera vanhu vake Mwari. Asi chokwadi ndeche kuti kutadza kutadza mutendi kana kwete tese takasikwa na Mwari. Kana munhu atadza musaona sekunge chitendero ndochatadza. Dofo rika foira hachisi chikoro chafoira kwete. Uyevo endesai varwere kuzvipatara kwete kumajeri. Kujeri ndekwe vasungwa kwete varwere. Murume akakwana ane ma normal feelings anoda mudzimai. Nemudzimaiwo ane ma normal feelings anodawo murume. Kana zvisina kumira kudaro urwere kwete mhosva, rapisai vakadai. Kana vatendi vanongo rwarawo sezvo naivo vanhuvo sevamwe. Amen.

16/11/2013

M.A.P.I.P.I MAPIPI Messiah's Apostolic
Prophetical Inspired People's
Institution. Vara iri haritauri
church yakazvimirira yega
sedzimwe kwete. Asi kuti inotora
vazodzwa wese zvavo va Mwari. Zvisinei nekuti vane imwe church
kana musangano yavaipinda kana
yavanotungamira . Saka MAPIPI itsanangudzo kureva vazodzwa
vachatungamirir a humambo hwa Mwari panyika. Hapana
anokusarudza iwe, wega unozwa
wega izwi remufudzi wako. Ani
naani zvake anozwa kubata
pamwe nesangano iri naiye
Muzodzwa va Mwari. Zvinotora vane zodzo chete kuzwisisa
nekushandira sangano iri. Huyai
vazodzwa tishandire Mwari
kudzika humambo hwavo
panyika. Nguva yakwana. Amen.

16/11/2013

M.A.P.I.P.I Muno zviziva here kuti imi vanhu
ndimi mune simba rekuti satan
achirega kutonga pasi rino
achishandisa vanhu sezvo ari
kuita izvi? Kuna Mwari
asingazive haana mhosva zvakasiyana nezvasatan zvekuti,
ignorence is no excuse to break
the law. Hudzvinyiriri ihwohwo,
asinga zive ngaadzidziswe kwete
kuti atopara mhosva kare
asingazive. Mese maivhotera mapato ezve matongerwe enyika
muchingoti chero zvazvaita kuda
zvichanaka. Iko zvino bvunzai
kuti, nhai mukwasha ndezva
Mwari here? Kana zvisiri muti
mukombe udarike zvavo. Siyanai nazvo. Iko zvino Mwari vapindira
vamunochema mazuva ese kuti
Mwari pindirai. Sarudzo yave
yenyu vatendi kumu sarudza,
morega kuvhotera anything less
than God's kingdom. Bato rinenge raramba kuita zvaMwari siyanai
naro. Ndichaaudza ese oramba
ndaaudza Hapana vekuzo chema
naye. Next elections lets vote
for God. Pemunhu venyama ega
pasina Mwari pakwana. Hapana munhu ari kuzoenda kudenga
mupenyu kana akafa, denga
racho ndoriri kutouya pano pasi.
Udza ari pedyo newe kana wepa
nxt door kuti, denga ndoriri
kuuya kwatiri isu hatiendiko. Amen.

14/11/2013

M.A.P.I.P.I Kuti church pamwe nevaporofita
vayo varege kuve venhema.
Ngavarege kuita minamto chete
yekudzinga urombo vasina
zvavari kuita kuwaka mabasa.
Ngavarege kuti vadzinga nzara vasina kana kamunda kavano
rimira church. Nzara ne hurombo
hazvipere nekunamatirwa kana
nekutenda kwemunhu, zvinoda
kudya nekushandirwa nemawoko
kwete mweya. Jeso mwanakomana va Mwari
akaporesa zviuru nezviuru
zvevanhu asi akaona zvisina
chiyamuro kuporesa
nekuropafadza vanhu vasina
chikafu akanamatira hove ne chingwa kuti vanhu vararame.
Zvakatanga zvekurarama
kwemunhu neminamato chete
pasina sadza? Munamato vababa
unoti tipeiwo nhasi kudya kwedu.
Munamato haudyiwi. Church dzawedzera nzara munyika
nekungo waka matemberi asina
minda. Vanhu vanodya temberi
here gore renzara. Church isina
dura rezviyo yakafa. Hapana
Mwari kana pasina kudya ndosaka takasikwa mumunda ve
Edeni. Mweya unodawo kubata
kwenyama kuti kutenda
kwechokwadi kuvepo. Musa
hwanda ne mweya kuti muzita
ra Jeso nzara ngayiende, kunyepa bikirai vanhu chikafu.
Amen.

Address

Mutare

Website

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when M.A.P.I.P.I posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Share