21/07/2019
*Nhava Yeuchenjeri*
Maizviziva here kuti kusada kutaura nevamwe zvinokonzerwa nemweya wakaipa unonzi muchirungu anti-social spirit.
Maizviziva here kuti kusada kutaura nevamwe mucherechedzo wepride.
Maizviziva here kuti wamusingadi kutaura naye ndiye futi wamuchada kuti azokuona morwara?
Maizviziva here kuti wamusingadi kutaura naye ndiye wamuchada kuti azokunyaradzayi mafirwa?
Maizviziva here kuti wamusingadi kutaura naye ndiye achazokusimudzirai madonha?
Maizviziva here kuti wamusingadi kutaura naye ndiye wamuchada kuti akuunganireyi nekupemberera pamuchato wenyu kana wehama yenyu?
Maizviziva here kuti wamusingade kutaura naye pamwe anoziva kune basa ramuri kutsvaga?
Maizviziva here kuti wamusingade kutaura naye pamwe anoziva kunowanikwa zvinhu zvakachipa zvamunotengesa?
Maizviziva here kuti wamusingade kutaura naye pamwe ari kutoda zvamuri kutengesa (icustomer)?
Maizviziva here kuti takakosherana. Handisi chinhu pasina imwi uye hamunawo kukwana pasina simba raMwari rakaiswa mandiri. I need you as much as you need me. We need each other. Mukava neuchenjeri muchagona kunzwisisa dzidziso iyi. Usamirira kuda kutsvaga vanhu panguva yedambudziko.
Zvinamatire utange wabvisa demon rekungonyararira asina mhaka newe ndikokuti Jehovha vadaire minamato yako usazvinyengedze hama yangu uchiti urimutendi iwe uine chakakugara chokunyararira hama yako hauna kungwara pamberi paJehovha, have a blessed night.