Verity Global Ministries Mutare

Verity Global Ministries Mutare Revelation Knowledge

22/06/2022

*URI CHISIKWA CHITSVA*

*"Kureva kuti patakanyikwa kudai. Takafutsirwa PAMWECHETE navo. Kuti TIGORARAMA HUPENYU HUTSVA. Sezvo Muponesi VAKAMUTSWA KUVAKAFA. VACHIMUTSWA NESIMBA RABABA" (Varoma 6 ndima 4).*

IWE MUTENDI WAKAZVARWA PATSVA. Izvi ZVINOREVA kuti WAKASHANDUKA RUDZI. Wava WERUDZI RWEVAKAFA VAKAMUKA. Vakamuka kudai nokuti vakanga vakurira Satani. Hupenyu hwako hahuna kutangira paMuchinjikwa. Hwakatanga pakamuka Jesu kuvakafa. Ndinoshuva kuti unzwisise izvi. KUNE VANHU VANONZI ZVISIKWA ZVITSVA. VANHU AVA HAVANA KUITA ZVEKUBVUTWA MUMAVOKO ASATANI. VANE MASIMBA AKAWANDA KUDARIKA ASATANI. SAKA HAVATOFANIRI KUPOTA VACHISUNGUNURWA KUBVA KUNA SATAN.

PAMUCHINJIKWA NDIPO PATAKASUNGUNURWA kubva kuna Satani. Munhu WOSE AKATOSUNGUNURWA ipapo. Asi Jesu havana kungofa paMuchinjikwa. VAKAZOMUKA KUVAKAFA . NDIPO PAVAKATANGA RUMWE RUDZI RWEVANHU. Rudzi URWU NDIRWO runonzi CHISIKWA CHITSVA. VANHU VERUDZI URWU HAVANA KUITA ZVEKUSUNGUNURWA KUBVA KUNA Satani. Havana KUITA ZVEKUDZIKINURWA. VAKANGA VARI KUTOSIKWA PATSVA. VANOTOVA RUDZI RUTSVA. Vanhu ava havasi venyika ino. Saka zvinhu zvenyika ino HAZVIGONI KUVATONGA. Vanogara MUNA MUPONESI JESU. Saka VAKAKUNDA NYIKA INO. Vakakunda zvinhu ZVENYIKA INO .

Isu TAKATOKUNDA KARE . Takatorwa tikakunda. Izvi ndizvo zvinotaura Bhaibheri. Tinozviverenga muna Varoma 8 ndima 37. HAZVICHAGONI KUTI TIPARADZWE. HAZVICHAGONI kuti TIKURIRWE. Mwari vanotitora SEVATSVENE VAVO. Izvi ndizvo zvatinoverenga muna 1 Vakorinde 6 NDIMA 2, 1 Vakorinde 14 ndima 13, 2 Vakorinde 1 ndima 1, naVaefeso 1 ndima 1. Mutadzi ndiye akafa pamwe naMuponesi Jesu. NDIYE AKAVIGWA PAVAKAVIGWA . Chisikwa chitsva ndicho CHAVAKAZOMUKA VAKABATWA. Chisikwa chitsva ichi runotova RUDZI RWEVANHU. RUDZI RUTSVA RWANGA RWUSIKO. Ndirwo rudzi RWAKO IRWORWO.

MUKRISTU MUNHU ANOGAMUCHIRA kuti MWARI VAKAMUTSA JESU KUVAKAFA. Ndiye ANOPUPURA KUTI JESU NDIVO VAVA KUTONGA HUPENYU HWAKE. Mukristu munhu WERUDZI RWAMUPONESI JESU. Muponesi Jesu vacho ndevaya vakamuka kuvakafa. Mukristu haasi

08/11/2021

*DAMBUDZIKO RAKO NDIWE II*

Vana vaMwari vazhinji vanofunga kuti vachawana matutu epfuma kana mari kuti vagoshumira Mwari nezvavo zvose. Zvinova zvinoita kuti vagare vasina pfuma kana mari yacho. The bible is very clear about this;

*"No man can serve two masters: for either he will hate the one, and love the other; or else he will hold to the one, and despise the other. Ye cannot serve God and mammon"*.
(Matthew:6:24). GOD HERE REFERS TO LIBERALITY (CHIPAVHURIRE),
MAMMON IS STINCHNESS - KUWOMERA; (SATAN) KUNYIMA UCHIFUNGA KUTI UKAPA ZVINOPERA WOSARA USINA. Zvichireva kuti MAMMON NDISATAN. Vana vaMwari vazhinji vari kuSERVER (KUSHUMIRA) SATAN NEKUWOMERA KWAVO VACHIFUNGA KUTI ZVICHAWANDA VAGOTANGA KUSHUMIRA MWARI NEPFUMA NEMARI YAVO. *HAKUNA MWARI VAKADAYI*

Iye MAMMON wauri kushumira haakutenderi kuti uwane zvizhinji zvaunofunga. Shoko roti;

"And I say unto you, Make to yourselves friends of the mammon of unrighteousness; that, when ye fail, they may receive you into everlasting habitations. He that is FAITHFUL IN THAT WHICH is LEAST is FAITHFUL ALSO IN MUCH: and he THAT IS UNJUST in THE LEAST is UNJUST ALSO IN MUCH. (Luke:16:9-10). SHAMWARI DZAMAMMON KUSARURAMA. SHAMWARI DZAKUPAVHURIRA KURIRAMA. Zvichireva kana usingavimbike MUZVISHOMA haugoni KUZOVIMBIKA MUZVIZHINJIWO. Ita shamwari dzaunogadzira nezvishoma zvaunazvo kuti panguva yaunomanikidzika uwane vanomira newe. Munhu anoshumira KUWOMERA (KUNYIMA, SATAN) haawani anomira naye uye haagoni kuzoshumira CHIPAVHURIRE (KUPA, MWARI). NOKUTI HAZVIKWANISIKI KUTI UVE MUSHUMIRI WAMWARI ANONYIMA - Zvichireva kushumira Satan naMwari panguva imwe chete hazviite.
Ndoo saka zvichinzi;
"No SERVANT CAN SERVE TWO MASTERS: for either he will hate the one, and love the other; or else he will hold to the one, and despise the other. *Ye cannot SERVE GOD and MAMMON"*.
(Luke:16:13). Zvinzvere uwone kuti gore rino rapera uchishumira ani ukawaneyi neushumiri hwako. Ndiyani achamira newe nemabasa ako; vaMwari here kana vaSatan, God is

05/11/2021

*DAMBUDZIKO RAKO NDIWE I*

Matambudziko atinosangana nawo mukurarama anokonzerwa nevanhu veukama vanofambidzana nasatan. Shoko raMwari rinoti *"Vavengi vomunhu vachava avo veimba yake"(Micah 7:6, Mathew 10:36, Gal 1:4).* UYE Matambudziko iwayo ANONGORATIDZA KUTI HATISI PANA MWARI NOKUTI VARI PANA MWARI HAVABATIKI. Dambudziko chair MWEYA WAKAIPA HARIWONEKI KANA KUNZWA NENZEVE. ZVICHIREVA KUTI ZVINHU ZVOSE ZVATIRI KUWONA TICHITI MATAMBUDZIKO ZVINONGORI ZVIRATIDZO ZVOKUTI PANE MWEYA WAKAIPA WAKAPINDA PAMURI.

Zvichireva kuti hama dzine godo neruvengo nekusaregerera dzakapfekwa NEMWEYA WASATAN ndoodziri KUSHANDISWA NASATAN KUISA MWEYA IYI kuti imi mutambudzike, musabudirira. MURWARE, KUSHAYA MABASA, MUSAWANA kana KUWANIKWA. Kunyangwe zvakadaro. *HAISI NYAYA YEMHANDO yehuroyi, ZVIKWAMBO, NGOZI , MHIKO kana HUIPI hwava nahwo hunebasa; *HUKAMA HWENYU IMI naMwari ndoo HWAKAKOSHA*. Nokuti avo vane HUKAMA HWAKADZIKA DZIKA naMwari VANORWIRWA HONDO dzavo naMwari vari mavari. HAVAROYEKI, HAVABATIKI, HAVATANGIKI. Saka dambudziko RAKO GURU NDIWE. *Tarisai Daniel MUGOMBA REMWOTO (Daniel 3:17) Akati, ini Mwari WANDINOSHUMIRA ANONDIDZIKINURA MUMAWOKO ENYU imi mambo NEMOTO WENYU UNOPARADZA. Haana KUTSVA NEMOTO nokuti AICHENGETWA naShe*. Saka imi pokutangira chaipo munapo. Gadzirisai HUKAMA HWENYU naMwari, sezvizvi;

*1. Chokutanga REGERERAYI* vose vavengi vamunoziva navamusingazivi. Ivavo vari kurwisa upenyu hwenyu neimba yenyu, varegerereyi (Mark 11:25, Ephesians 4:26-30,). Mwari vanoregerera (2 Corinthians 2:10, Luke 6:37). KUREGERERA hakusi kunyengerera kuti musaroyiwa, asi kuti kugadzirisa hukama hwenyu naMwari. Uye kuti Mwari vanzwe minamato yenyu vagokusunungurayi kune vakaipa. Mwari havanzwi minamato yevasingaregereri. UYE KUSAREGERERA CHIVI PAMBERI PAMWARI. (Mark 11:25-26) Zvino kana Mwari vachiregerera, IWE NDIWE ANI unoti handiregereri. WAVE MAI Kana BABA VAMWARI HERE?

*2. Chepiri, PFEKAYI RUDO*. Idai vavengi venyu munyengeterere vanokutambudzayi. (Mathew 5:43-48, 1

Apostle's birthday in Mutare. VERITY GLOBAL MINISTRIES
27/10/2021

Apostle's birthday in Mutare. VERITY GLOBAL MINISTRIES

Address

Mutare

Website

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when Verity Global Ministries Mutare posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Share