Uzumba maramba pfungwe

Uzumba maramba pfungwe uzumba maramba pfungwe

Shout out to my newest followers! Excited to have you onboard! Ellen Lesta P Muzvarirwi, Spencer Kanyimo, Annah Kapasura...
07/05/2026

Shout out to my newest followers! Excited to have you onboard! Ellen Lesta P Muzvarirwi, Spencer Kanyimo, Annah Kapasura, Robiyaji Nyasoka, WT Mushamba, Enest Kaundikiza, Christine Chimutashu, Austin Harasi, Logiwence Maja, Tapfidza Netsai, Marshall Lanceyard Makosa, TagonaRyan Jada Magube, Ruvimbo Mereki, Emmanuel Mudheka, Rutendo Chipandire, Hardlife Tem, Itakranch Chinodakufa, Audrey Lenciae Nungoh, Evermore Maweto, Tanatswa Ganha, Nicholas Anesu, Alice Mutopo

08/11/2024

Zuva guru Zuva rechishanu

Zuva guru ratinoyeuka rwendo rwakafambwa nava mudzidzi VaMajinesta
12/07/2024

Zuva guru ratinoyeuka rwendo rwakafambwa nava mudzidzi VaMajinesta

20/04/2024

Husiku yera masikati yera Mangwanani yera

24/03/2024

Ndinotenda kune wose vadzidzi vajeso vakwanise kusvika muno muHarare munzvimbo ye Ushewekunze pa cresta apo muchisangana mambo mauya nehuwandu hwenyu vadzidzi Tinotenda chaizvo musi wa 6 April mambo vanenge vari mu shamva

24/03/2024

Mangwanani vadzidzi huyai musangane na mambo nhasi muno muHarare kunzvimbo yeushewekunze pa cresta apo

24/02/2024

Gwayana 🙏🙏🙏🙏

24/02/2024

Denga muchenjeri Pasi Irena

05/11/2021

Musi wechishanu izuva guru rinokunzwa nevatumwa tiombere mambo Jeso akauraiwa nemajudha ndiye akauya Ari Mweya Mutsvene Ari kutaura Pana Mambo vaSteburoni P kana mhiri yegungwa vakamuramba mfundi mangwanani era masikati era manheru era 🙏

11/10/2021

💥⚖️💥MAZWI EMWEYA MUTSVENE AKAKOSHA ANOITA TIGONE KUZOSANGANA NEMUSHA MUTSVENE akataurwa navaSteblon p

IPLOBAYI PRINCIYEJI=Kuva neruzivo rweMusha Mutsvene weDenga :Musha WeJerusarema.


MAMWE MAZWI
Nyika inofanira kuva neruzivo rwedenga vanhu vachiri pasi pano nekuti kana vazofa hapana anozovarairidzanyika inenge yotongwa pakupedzisira.

Nguva yekunamata inokoshera kuti muzive Denga naIye Mwari pachezvake muchiri pano pasi. Ropa rako ngarive neruzivo rwemusha mutsvene wauchagara pakupedzisira.

ZVINOTADZISA KUENDA KUDENGA
1)Kana uchinyangadza-nyangadza usingagadzirike HAUWANE musha iwoyo zvinozokuremera wafa usinganamate.

Nyika kana yozotongwa unogariswa kunorwadza nekuti unenge wafa usinganamate.

Vanhu vazhinji vachatadza kuwana humambo nekuyemura zvekudya zviri pasi pano zvakafanana ne hwahwa nefodya zvinogona kuregereka.

Hapan anofa kana asina kuputa fodya nekunwa hwahwa zvinoreva kuti chivi chose wakachirega hachikuuraye unotozowana upenhu husingagume.

2) Vana venyu vamakabereka vasingazive hwahwa nefodya zvino vazozviraidza manje havachazviregera vakutoona sekunge vakatosaririra.

Dai zvaigoneka vatoreyi muvaunze kumasowe ndiko kuti murerukirwe mukunamata

Mudzimu unoyera ndiwo uchapedza navo imiwo *mosunungurwawo
Kana vana vasinganamate ropa rako unogara hako asi rinenge riine POISON kufunga vana ava kuita sevasingataurwe navo.

Imi kana muchida kushamba mhosva torai vauye kumasowe, haikonai kuvabikira Makavabikira chikafu zvakafanana nekubikira imbwa isiri yako iwe uri mudzidzi inonzi ndeyako apa inobva yaakurara pamba pako.

Mufananidzo uri pana Rosifa akatodzingwa atadzira baba vake.
Venyu vamuri kurera ava ndaanani vanouya vachinwa hwahwa, kuputa fodya nekupenda misoro(nezvimwewo) imi muchivabikira?
Pakutongwa kwenyika muchashevedzwa kuti muzenge muchifakaza semubereki aibikira;
Kana muhondo yapera ( yechimurenga yakaunza rusununguko) vana mujibha navanachimbwido vari kurangarirwa wani kuti vaibikira magandanga.
Basa rinenge rabatwa nemunhu harikanganwiwe; uchashevedzwa * pakutongwa kwaSatani* kuti ndiwe waimusimbisa panyika

Satan araswa kudenga HAPANA AKAMUCHEUKA hameno kuti munotarisana seyi naJEHOVHA.

3)Mukanwa makaipa ndemekuti "NDINGAITEWO SEYI MWANA WANDAKABEREKA", zvakaipa, Jehovha haana kumboshandisa mukanwa makadaro akangoziva chete kuti (Rosifa) anyangara ngaataiwe* .
Munhu haaraswe naMwari chete kana wako iyeyo asinganzwe mutemo ngaaraswe.
Kuvareverera* kunotadzisa kuti vadzoke kuna mwari, ko inga vachiri vadiki vaitevera mitemo kana vazokura vanotarisirwa kuti vanenge vaanenjere dzekusimbisa sangano. Kana iri company yambotanga zvakanaka yakazodaro haibhoroke here?

4) Kupfekedza nguwo vasinganamate
Zvakashata kuti munhu anonwa hwahwa munomupa garment, musamariya (nejira) ouya akapfeka kumasowe nguwo dzinoyera --zvinoreveiko izvozvo ?
Amai vanosarudza kuenda vasina gemenzi, vapfekedza chigure chavo ichocho

5) kuroodza mwana kuGudo .

Zvinenge kuroodza mwana kuGUDO nekuti rine mari, rine marika asi harina Mwari saka harina chariinacho:magemenzi anopiswa, tsvimbo dzinopiswa negudo riya richiti haride kuzviona pamusha paro. Zvino kana zvaMwari zvapiswa zvinozomira seyi:Mwari anenge aruziswa nemupostori SATANI ahwiniswa.;
NDOPANE NYAYA HURU IPAPO!

6) Chinokonzeresa
Pazvinotangira pamba amai nababa munotanga kupesana amai vachienda kurutivi rwevana (vari kunyangadza) vasingabatane nababa. kubva vachiri vadiki amai vachirunya vana vachinzi baba venyu havakudeyi ava.
Vana ivavo vanoguma vasisazonamata.
_
7)Magumo acho_

Vana vanezenge vasinganamatekuvigwa kwako kuchanetsa:Ucharidzirwa ngoma kana kuendeswa kun'anga, unenge wakura kana kurwarisa ivo ndivo vanenge votonga vakabatwa naSatani. Vadzidzi vanotandaniswa odzorerwa munyika nechinhu chawakarera kwenguva refu.

Kutaura kuno vadzidzi vazhinji (vakaberekera vana musangano) havasisina vana.
Mj@czahq💥💥💥

Address

Mutawatawa
Madziwa

Telephone

+263771707742

Website

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when Uzumba maramba pfungwe posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Contact The Place Of Worship

Send a message to Uzumba maramba pfungwe:

Share