29/09/2022
Paunotendeuka watove nekorona asi kuti uwane Korona yeparank yepamusoro unofanira kushanda. Ini ndiri kushandira yangu Korona. Ngatimanyei mujawo uyu tikunde vadikani tose marewards. Our God is faithful to fulfill what he promised. Anokunda anowana mubayiro wake. Iwe uri papi hama yangu? *VaHebheru 12: 1. Naizvozvo, nesu vo, zvatakakomberedzwa negore rezvapupu rakakura rikadai, ngatibvisei zvose zvinoremedza nezvivi zvinongotinamatira, ngatimhanye nokutsungirira nhangemutange yatakaisirwa, mberi kwedu. 2. tichitarira kunaJesu, muvambi nomukwanisi wokutenda kwedu, iye wakatsunga pamuchinjikwa nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake, akashovora kunyadziswa kwawo, akandogara kurudyi rwechigaro chovushe chaMwari.*
Pastor A: Kuti ugone kumhanya mujahwo unofanira kubvisa zvinoremera wopfeka nhumbi dzekumhanyisa. Pane nhumbi dzinopfekwa zvichiendera nekuti urikuda kuita makwikwi kuarea ipi. Dzidza kubvisa zvinhu zvinorasisa focus yako pamubayiro. Kumhanya takatarira Pana Jesu muvambi nemukwanisi wekutenda kwedu.
*Zvakazarurwa 22: 12. Tarirai, ndinokurumidza kuvuya; mubairo wangu ndinawo, kuti ndipe mumwe nomumwe sezvaakabata. 13. Ndini Arfa naOmega, wokutanga nowokupedzisira, kutanga nokuguma. 14. Vakaropafadzwa vanoita mirairo yake, kuti vave nesimba rokuvuya kumuti wovupenyu, vapinde napamasuvo eguta.*
Pane chose chawaita ziva kuti Kuna Mwari anoona.Tinemibayiro kudenga hama. Korona yangu ndinoishandira uye handinete kusvika ndachibata. Ndicharamba ndichirwa K***a kwakanaka ndakachengeta kutenda.