25/09/2025
*CHURCH MUNYIKA vs NYIKA MUCHURCH*
*Varoma 12 vs 2*
*Johane 15 vs 18-19*
*1 johane 2 vs 15*
Hapana chakaipa kuti Church ive munyika but kana nyika yava muChurch then pava neProblem.
Haizi nyaya kuti Boat ringe riri mumvura but kana mvura yazopinda muBoat paita Dambudziko.
Hongu tiripanyika asi hatitedzere tsika dzepanyika asi kutoti nyika ndiyo inofanira kutedzera tsika dzedu isusu semaChristu and not the other way round.
Waona kuti kunyika vari kufamba vari half naked newewo muChristu wotedzera izvozvo,
Waona kuti n'anga dziri kubhadharisa mari,
newewo muporofita woda kucharger mari.
No hatikope zvinoitwa kunyika.
Satan anozviziva kuti vanhu havachade kuenda kumaBhawa vavakuda zvekunamata and chaari kuita satan ndechekugadzira church dzine hunhu hwekubhawa so that iwewe unenge uchiti uri kuenda kuChurch but chokwadi ndechekuti urikurasiswa.
So many things zvekunyika zvavakuitwa muChurch zvekuti its now difficult kuSeperator church kubva kunyika. dressing yekuChurch neye kunyika zvafanana, indecent vese.
Music yoridzwa muchurch yafanana neye kunyika.
Language yekunyika yekutukana yava kushandiswa futi nevatendi vanhasi.
Violence inoitwa kunyika, yavakuitwa futi muchurch. Fundraising tactics dzekunyika dzava kuitwa paPulpit.
Chiii chiri kuitika, mvura yapinda muboat, nyika yapinda muChurch and the results are bad.
Jesu anoudza vadzidzi vake pana *John 15:18-19* kuti;
Kana nyika ichikuvengai, muyeuke kuti yakatanga kuvenga ini. Dai manga muri venyika, ingadai ichikudai sezvainoda vayo. Zvino, hamuzi venyika, asi ini ndakakusarudzai kuti mubude munyika. Ndokusaka nyika ichikuvengai.
Ngapave nemusiyano pakati penyika neChurch yaJesu.
*1 Johani 2 vs 15* Musada nyika kana zvinhu zviri mairi. Kana munhu achida nyika, rudo rwaBaba haruzi maari.Nokuti zvinhu zvose zviri munyika zvinoti kuchiva kwenyama, kuchiva kwameso uye kuzvikudza nokuda kwezvaanazvo munhu nezvaanoita, hazvibvi kuna Baba asi zvinobva kunyika. Nyika nokuchiva kwayo inopfuura, asi munhu an