The United Apostolic Faith Church

The United Apostolic   Faith Church TUAFC is an apostolic church of Christian faith aimed at bringing more light and enlightenment to the apostolic faith

30/12/2023

Continued..

haatane kutema .vamwe hunzi havatane kuita zvinhu iwe tana. Tana kuita dnt give up press on .usaita give up zvekumhanya shinga gomera uripo zvinonaka zvinodhura.zvako zvichaita chete paneziya pane dovi.mubayiro wako uripo MWARI is watching vachakuripirakaa. KUTENDA kuziva kwazvabva uye kutenda kuti uku kugonerwa. Wapedza kudonongodza ndopowoti NENI NDIPEYIWO NJERE DZEKUGONA KUPINDA NEKUBUDA PAMBERI PEVANHU VAMAKANDIPA KUVA MUTARIRI WAVO KUTI oVAGARISANE ZVAKANAKA sezvakaita SOLOMON. Haunzwezve ndokuti mutungamiri ka uku shungu dzako mudikani ngadzive dzekuti vakakukomberedza vafadzwe nekuvapo kwako pedyo navo ndinofara nekuti chikumbiro ichi book inoti chakafadza MWARI zvekuti vanototi ivo JEHOVHA kuna Solomon wakumbira zvakanaka ndinoda nhasi kuti newe hama yangu paungapinda muma RESOLUTIONS ako egore rino denga rikupupurire kuti WAITA SARUDZO YAKANAKA. Ndizvo kuti ubudirire muna 2024 zvimwe zvose zvinoperera panzira why waste your time nema time pusher kind of resolution asingakusvitsi kunoda kusvikwa hausi chanana kuti ungasweroita mahumbwe iwe ita zvinobatika RONGA RAMANGWANA NEKUTI REMANGWANA RINODA KURONGERWA NA MWARI WHO IS NEVER WRONG HAASI MUNHU KUTI ANGAREVA NHEMA KANA KUTI ANGAKUNDIKANA KUITA CHINHU UKAPEREKEDZWA NA JESU PANZIRA DZAKO WAITA MUKUNDI NEKUPFUURIRA UYE WAKWANA NAZVOSE ZVINODIWA PARARAMO YAKO.MWARI AVA HAVASHANDUKI NDIVO ZURO NHASI NEKUSINGAPERI PERI FAMBA NAVO JESU AVE HAMA YAKO UGOFARAWO ZVIRI KUITA VANA VEVAMWE.
Number 1 priority. Ko iwe what comes first in your life whats your priority uriwega ipapo answer yourself unonyanyokoshesei pararamo yako. ko Mwari vachatii nesarudzo yako. ko nekuti vaona yakanaka kana kuti vanotosemeswa nemhando yema choices ATINOITA tiri toga saka tichikundikana.
9. Parachute principle (1) be open don’t hide your ability don’t be ashamed of what you can achieve speak your potential even when unappreciated. Ndozvinoita vanhu verudzi rwedu havatendi umwe mutauri akati kana uchida kufa unechigumbu ita

30/12/2023

Continued....
Hoto inoendeswa nemhepo chero kwaisingadi kwaisina hurongwa hwekuenda kusina zvainonoita ikoko asi because mhepo ndokwairi kuenda inotoendeswako nemhepo hayigoni kurambira mhepo asi iwe mutendi hausi hoto iwe plan kwauri kuenda uye enda ikoko chete usaenda kumwe kusineyi newe rega hoto dziendeko iwe rarama plan yawakapiwa na MWARI.
4. You must never give up, be a fighter. Recondition yourself for change. Motokari often goes for service as and when its due newewo get serviced by the Lord God Holy Spirit. Imba uti taura mweya ndakaterera. Cherechedza pawakawa muka dust yourself up and start again remain focused do not lose focus or hope tsunga hazvidi moyo mupfupi kana kuneta nyore ngwarira ma dream killers vanoparadza zano raunaro vakusiyire mafufu ehupenyu asina kwaanokuswitsa anopedza simba chinguva chipfupi chirikuuya so dnt waste your time time is money time is never recoverable shandisa mukana DIE TRYING FORWARD EVER AND BACKWARD NEVER. TIhavadiRI VEKUENDA MBERI ISU.
5. Suppose you have got all freedom and all the money you need today. what would you like to do? Book yoti hatina nekuti hatikumbiri hunzi zvatinokumbira hatipiwi nekuti hatikumbiri zvakanaka tinokumbira zvinotikanganisa saka tisingapiwi Mwari tikuvare saka havatipi.ngatitswakei kuti Mwari vanomboda kuti tikumbire chii kuitira kuti vatipe tifare tirarame zvakanaka.vamwe vakapiwa mari ne freedom nhasi vanoswera varamba vakadzi vana, church, hama kana kuramba MWARI chaivo vakufunga kuti mari ne freedom ndozvose.kunenge konzi mari handingayidyi nemkadzi uno anomakisa pamafesi ekubasa ku party nemkadzi aneman’a hazviite tuvana utwu tutema sterek hatungafambi neni tunondimakisa ahhh ndosaka JEHOVHA vachitinyima zvinhu izvi kuziva kuti zvinotiparadza ngatishandweyi neshoko tigoziva zvekukumbira tinozvipiwa tigofara zvitivandudzire hukama na MWARI wedu.
6. Vamwe vedu ndivana handitani kuzvirega.By the end of January you would have given up. Vamwe vanembiri yekunzi HAASIKIZI akabata d***o

30/12/2023

Continued ......

1. Living a wrong dream (Solomon’s dream was approved by God) what about yours? Who approved yours? Is it GOD APPROVED or you approved it yourself or your friends approved it? Whoever approved -it what authority does that person have from God to take God’s duty in your life ndopatinorasikira vazhinji ipapa pakuti hatitereri kutaura kwa Mwari asi kwavanhu ndozvotomhanya nazvo apa hazvitisvitsi kwatinoda kusvika.
2. Some think life happens to them, they don’t direct it. Its as dangerous as chitundumuseresere chisina arikutungamirira chinodonha chete apa kuva dangerous ndekwekuti chinogona kukuwira uchizvifambira chokuuraya kana kuwira pamsoro pemba kana pemota irikuzvifambira varimumota nemuchimtundumseresere voparara futi saka be careful don’t be misguided/unguided famba na MWARI muna JESU you will never go wrong. Hupenyu haungozviiti hunotorengerwa kutogara pasi kwakuzvibvunza kuti mu 10 years dzirikutevera ndinenge ndave papi ne program ye life yangu nemhuri yangu. You will come across makomo nzizi nemiti as you go parwendo asika hazvirevi kuti uchichema uchiti handichaenda rwendo rwaperera pano nekuti paita nzizi namakomo nemiti munzira zvoreva motopaza makomo mogobora miti movaka ma bridge kuti rwendo rufambike saka usaomera kufunga vakatitatangira kuvapo panyika vakatigonera havana kumisa rwendo nekuda kwemakomo nzizi nemiti vakawana a way around them newewo hama yangu pfugama namata denga rinokupa zano woyambuka,ukagarira njere wauraya rudzi ramba kuva ndiwe waparadza rudzi nekuita marambakufunga izorangarirwa mu History yedzinza kuti tateguru chakati ndivo vatigadzirira nyaya iyi iwe wanguri wazorora hako mumaoko a Mwari nenzira yerufu.
3. We had dreams when we were young BUT THEY NEVER CAME TRUE because we did not grab opportunities but gave in to what life gave us. Kushinga kunodiwa hama rasa mweya wehoto inongomhanya nezvose zvose ichisiya zvayabva yakaronga payabva kumba kwayo. Hoto inoendeswa nemhepo chero kwaisingadi kwaisina hurongwa

ARCH BISHOP DR B SIBANDA 2023 CROSS OVER NIGHT SPEECHLETS SING THE SONG BABA NDIYAMBUTSEYI RWIZI URWU RWIZI JORDAN.TOSE ...
30/12/2023

ARCH BISHOP DR B SIBANDA 2023 CROSS OVER NIGHT SPEECH
LETS SING THE SONG BABA NDIYAMBUTSEYI RWIZI URWU RWIZI JORDAN.TOSE TAIFANIRA KUTENDA MWARI T**I EBENNEZER NEKUTI NDI MWARI VATISWITSA PANO KWETE KUTENDA KWEDU NJERE KODZERO KANA FANIRO ASI NYASHA. NGATIMBOTARISAYI ZVAKAITWA NEKORONA PASI ROSE ASI ISU TAKANGOPONA ZVAKADARO TISINA MISHONGA INOSHAMISIRA KUNGE KUNANA CHINA NANA AMERICA KWAIFA VANHU 5 000 PAZUVA RIMWE CHETE EVERYDAY FOR MORE THAN A YEAR. AHHHH IWE UNOFANIRA KUONA RUOKO RWA MWARI APA UGOTENDA JESU WE NAZARETHA.
2024
WOYEEEEEEEEEEEEEEEEEEEEEEEEEEEEEEEEEEEEEEEEEEEEEEEEEEEE
Tirikusangana pazuva rekupedzesera muna 2023. Nyangwe zvakadaro tine zvatinodemba zvakawanda zvekufarira zvakawanda ma lessons akawanda zvasara zvisina kupedzeswa zvakawanda zvatatakura kuda kunopinda nazvo muna 2024 zvakawanda zvatirikuti dai tisina kuita zvakawanda zvatirikuti tikarangarira tinoshaya kuti ko shuwa shuwa taiti tirikuiteyi patakaita izvi uye zvimwe zvekuti tinoti ko takatadza neyi kushandisa mikana iya yatakawana tikasashandisa ikapfuura yatisingazofi takawana futi. Tinemashoko atakataura atiri kudemba tine hunhu hwatirikuti tikarangarira hwatakaita tinoshaya pekuhwanda nekunyadzisa kwazvo tine pataifanira kutaura patakanyarara uye pane pataifanira kunyarara asi takataura zvinhu zvikakanganiswa beyond repair nekuda kwezvatakataura takanyepa icho chokwadi chaivepo tikasarudza kutsikirira chokwadi takanzwa pachirehwa nhema tikati hazvineyi neni ko kuti ndini ndanyeyewa here zvinhu zvikaenda musango beyond repair takakonanisa hama neshamwari taka supporta nhema tikasiya chokwadi takabatsira vaidzvanyirira vamwe tikasiya vaitaura chokwadi takati taona kuti vazhinji vazvitsigira tikati ndozvechokwadi tikasiya vashoma vaitaura chokwadi vachiitwa varevi venhema takazvidza Mwari Mwari vakaramba vanyerere tikati vawirirana nesu. Hatina kurangarira nherera chirkadzi vakwegura vanoshaya zvirema namapofu hatina kugovana nenherera nevanoshaya takadya toga tikati takazvitamburira toga ivo vakadii kuita zvatakaita isu kuti tigute. Pamwe pacho takatsigira vanazvo tikatsikirira vasina tikati mwari havaoni nekuti mwari vakaramba vanyerere. Zviripamsoro apo imhaka dzatakapara pamberi pa Mwari.
Nhau yangu hayisi yekukuonesa kuti takatadza manhingi asi ndoda tione kuti taisafanira kuita zvose zvatakaita zvose izvo chero chimwe chete chazvo asi nekuda kwekuti takatozviita hapana dambudziko. Chakaipa kurambira muzvivi asi kuti kana tatadza tiswike patinozvidemba titendeuke pamberi paMwari tipupure kuipa kwedu kose tirevese tisvike patinoita sarudzo yekuva vanhu kwavo tosarudza kusazodzokerazve muzvivi zvedu izvi kana zvimwe zvivi zvemhando ipi zvayo 2 Peter 3 v 9(Mwari havadi tifire pazvivi zvedu ASI kuti titendeuke).
Book yoti torambira muzvivi here kuti nyasha dziwande? Mhinduro inoti hayiswa nyasha hadziwanzwi nekuramba tichitadza asi kana tatendeuka tapupura tichirevesa tinowanirwa nyasha topiwa simba idzwa rekukunda naro mano asatan nekuti satan haakundwi neni asi anogara mandiri Wamasimbaose ose ndiye simba redu rinotikundisa hondo dzedu dzose kusanganisa mano asatan.
Mtambo wechirairo makatamba Pentecost makatamba matumba makatamba youth conference uye Women's conference mitambo mikuru yegore rimwe nerimwe makatamba yose hamuna kupotsa kana mumwe chete asi chanetsa hechi zvibereko zvemitambo iyi hatisi kuzviona pauri what seems to be the problem hauiti mutambo nenzira yawo kuti ukupe zvibereko zvomutambo zvioneke pauri for example Chirairo chinonzi ngatitambe munhu atenge sungano na Mwari muna Jesu asi munhu anofanira kutamba atanga asunungurana nehama yaakatadzirana nayo asati auya kuzogashira muviri neropa zva Jesu book yoti ani nani anogashira izvi asinganyatsonzwisisi anozvitorera shamhu meaning vamwe pavanotenga sungano na Mwari vamwe varikutenga shamhu kuti vave vakatukwa saka tinogona kuzofamba toti kuvanhu takazvizama izvi kwemakore but hazvina kutishandira takadzamara tazvisiya nyamba makazvizama hoongu asi maisazama nenzira yazvo sezvo 1 Vakorinte 14 v 40 yakati zvinhu zvose ngazviitwe nemuto wazvo kuchitevedzwa mitemo yazvo saka iwe zvinhu unoita hongu asi unoita nemutowo wako kwete wa mwari ndosaka usina zvibereko zvinopiwa vanotamba mitambo yakadayi seyawakatamba iwe nhasi haachazoonekizwe. Ndezvipi zvaunodemba kuti chandakazviitira chii? Kana chiripo chera chikomba usvipire ufushire usazvidzokororazve. Ukazvidzokorora yavatsika yako or habit or toti chakabaya chikatyokera. Change your mind set and heart set. Read Makoronike 7 v 14 (kana vanhu vangu vanodanwa nezita rangu vakazvininipisa vakasiya zvakaipa zvavo vakatsvaka chiso changu vakandinamata ndichavaregerera ndichanzwa kuchema kwavo ndichapodza nyika yavo) The reason why zvinhu zvako zvisiri kuita nyangwe uchiedza nepaunogona kuvavarira kuita mushe is because hausi kushandisa formular iyo iripana Makoronike 7 v 14. Uneyako nzira yaurikuda kushandisa isina ku approvwa na Mwari nekuti ndiye akatipa gwara riri

2023 Youth Conference underway (in pics) 07 Dec -10 Dec 2023 at HQ Stoneridge Harare,Zimbabwe
08/12/2023

2023 Youth Conference underway (in pics) 07 Dec -10 Dec 2023 at HQ Stoneridge Harare,Zimbabwe

Church members are busy gathering building material by any means possible to build a church building at our church stand...
06/07/2022

Church members are busy gathering building material by any means possible to build a church building at our church stand in Harare. Pastor General Hove Hove, Pastor Causemore Cousemore Mudziwepasi led by example together wIth Chikoro CheMweya (Spiritual School) congregants by moulding 2364 cement bricks. Our Budiriro Assembly delivered a truckload of 1000 cement bricks.

08/05/2022
A collage of photos on Dr Bishop Sibanda's graduation day in South Africa. Seen among them is Mr Jamela
06/02/2022

A collage of photos on Dr Bishop Sibanda's graduation day in South Africa. Seen among them is Mr Jamela

We congratulate our leader Bishop Busani Sibanda who is graduating today with a Doctorate in Theology at the Emmanuel Un...
05/02/2022

We congratulate our leader Bishop Busani Sibanda who is graduating today with a Doctorate in Theology at the Emmanuel University of Theology International in SA . He was seen off, in the company of his wife Mai Bishop, at the Robert Mugabe International Airport yesterday midmorning by the church dignitaries, friends and relatives. He arrived arrived safely in SA at O.Tambo Airport where he was received by his young brother and friends.
The Pastor General Morgan Hove who led the entourage that saw off the Bishop and Mai Bishop to the airport expressed his gratitude to all.
MASIKATI AKANAKA TUAFC NDIBATSIREIWO KUTENDA VATUNGAMIRIRI VAPEREKEDZA BABA NAMAI BISHOP SIBANDA KU AIRPORT VACHIENDA KUNZE KWENYIKA VANOTI DPG MAKOTORE . MUFUNDISI MASUNDA W/FALLS , CHIEF LOGISTICS BABA NAMAI D***O , MUFUNDISI MAHACHI.LOGISTICS KANYAI BABA NAMAI PG HOVE,YOUTH AMBASSADOR MAI DONGO MAI SG MOYO ,MAI MUVHANGERI MOYO,MAI NYAMAHARO ,MAI DANNY MOYO MAI MUPARIDZI MAUNGA NDIREGEREIWO KANA PANE VANDAKANGANWA TINOTENDA MUFUNDISI MAKOTORE VATIPA KOMBI YOKUFAMBISA NAMAI VEDU OVERSEER CHITETO VAPEREKEDZA BISHOP NE 500 rtgs tinokutendai amai FAMBAI ZVAKANAKA MUTUNGAMIRI GOD BLESS YOU. AMEN
PG HOVE DESK

08/11/2021

Facebook: The United Apostolic Faith Church2005 Youtube: TUAFC E-mail :[email protected]
Contact details:+263 73 331 6193, +263 77 596 3540,+263 71 654 1565 +263 78 300 9267
GENERAL HEADQUARTERS
BISHOP B SIBANDA’S 2021 MATUMBA KEYNOTE ADDRESS
Date: 06 November 2021 Venue: Mpfurutsa Homestead, Magunje Hurungwe, Zimbabwe


HURUNGWE TARANGARIRWA ZVEKARE TASANGANISWA KWAZIWAI MOSE HAMA DZANGU MUNASHE MAITA MAUYA MUZITA RABABA REMWANAKOMANA NAMWEYA MUTSVENE MUNAMATO WANGU NDEWEKUTI VOSE VASIYA ZVAKAKOSHA ZVAVO VAKAKOSHESA ZVAKAREBWA NA MWARI CHOKWADI HAMUNGADZOKERI MAKADARO NA MWARIWO VACHATOSIYA ZVAVO VAGOBATA ZVENYU. WANZIRWAYI NYASHA HURU PAMSORO PEDZIMWE DZAMAKAGARA MAKAPIWA NA MWARI.
TIRIKUSANGANA TICHINEMISODZI PAMATAMA NEKUDA KWEHAMA DZEDU DZINOTI THE LATE FORMER OVERSEER NYAMAHARO THE LATE SUNDAY SCHOOL TEACHER MAI PRAISE AND MANY OTHERS THE LATE ELDER GOGO CHITONGA VACHANGOBVA KUTUNGAMIRA KU MUSIKI WEDU NENZIRA YERUFU. MAY OUR BELOVED LEADERS’ SOULS REST IN PEACE TILL WE MEET AGAIN. NHUNGAMIRI DZAKATUNGAMIRA IDZI DZINOVA DZIMWE HAMA SHOMA DZANDAIZIVA KUTI PABASA RA MWARI PAMAZUVA AVO EKUGONERA MWARI VAISAVA NE NUNGO VAIZVIPIRA. VENDE RAVATISIIRA RICHANETSA KURIVHARA. DAI MWARI VATIBATSIRA. MHURI DZAVO VANA VAVO KEREKE HAMA NESHAMWARI TINYARADZWE MUKUZIVA KUTI NESUWO TIRIMUNZIRA KUTEVERA. RUFU MUTEMO WA MWARI.
Matumba 2021 woyeeeeeeeeeeeeeeeeeeeeeeeeeeeeeeeeeeeeeeee.
Yasvika nguva yatanga takamirira zvino ngatifare nekuti mutambo unonzi unoitirwa kuti ini nehama dzangu nemhuri yangu nevandinonamata navo tiutambe tichifara saka farayi farayi farayi ndopamhidzazve farayiiiiii. Rugare ngarugare nemi nekusingaperi-peri ma Theeeeeeeee United mose kwose kwamuri uko. I hope I find you all well. Kutangira zvose tenderayi ndipe mbiri yose kumusiki wedu nekuda kwemukana watapiwa wakayisvonaka kudayi kuti tiyeuchidzane maringe nemwaka watiri Mwaka we Matumba. Zvanga zvakanaka uye zvakafanira kuti tose vana uye vatungamiriri tive pabasa iri semutemo waMwari kwete weKereke. Leviticus 23 v 33 uye Zacharia 14 v 16. asi nekuda kwe covid 19 hatisi kukwanisa kuungana seshuviro yedu asi kuma buranji, mapurovinzi nekumadhisitirikiti kose kwamuri uko ngazvive sekunonzi takaungana pamwe chete kuHedhikota kuHarare sepanguva dzose pataisiungana.
Regai hama tidzoke kumashure zvishomana vangani vedu vasina kuenda kumutambo weCHIDYO inga shoko ra Mwari rinotsanangura kuti uyu mutambo mukuru waMwari. Sungano na Mwari hatigone kuirarama tisinayo. Exodus 12 yoti ngirozi yekuparadza ichatumwa naMwari ine simba yekuparadza pose pasina ropa regwayana pachivivo chegoni roga roga. Nguva ino mumazuva edu munhu anorarama asina Jesu kuparara chete hakuna kungasvikwa chero ungware udii shoko rinoti kana pasina Mwari hapana chingaitwa uye anobata anobatira pasina nemurindi anorindira pasina. Zvanga zvakanaka hama wadiwa kuti tinzwisise kuti kwasara nguva duku kuti mutambo we Chrairo usvike Jesu anoenda kutemberi anowana vanamati vachiita mabasa asina kufanira muimba yaBaba vake. Anotsamwa anotora tyava anodzingira panze zvose zvisina kufanira opidigura matafura oti musaita imba yaBaba vangu bako remakororo nokuti imba yekunamatira mumweya nemuchokwadi. Nesuwo nhasi zvatava paMutambo mukuru we Matumba zvanga zvakanaka kuti Mwari vasawana paine chisina kufanira chichiitwa mumba ma Jehovha ngatinakeyi tose tifanire Mutambo wakanaka wakadai ndizvo kuti tiwane zvibereko zvakanaka zvakafanira vanonamata muMweya nemuchokwadi. Ndicho chikonzero Mweya Mutswene achigara akataura kuKereke kuti vanhu vose vanonamata mukereke ino panguva inoti neinoti vasarara mudzimba vabude vaende kunozvinatsa taiitira kudzivirira tyava iyi. Asi tinevamwe vanoramba kuterera vanorara havo kudzimba dzavo.Mukazouya ku Matumba or mukazenge monamata muchiti Mwari tinoda makomborero seevavo zvinofananidzwa ne munhu anoenda ku Bhanga kuda kutora mari yaasina kuendesako. Kana kuda ma rizautsi e Fomu 4 yausina kunyora. Ngatingwarire ipapo hama tinosiya takabata mikomborero inobva mukururamiswa na Mwari kuterera kunokunda chibairo ngative vanzwi nevaiti veshoko.
Tenderayi ndikuyeuchidzeyi kuti vaIsirayeri vaiti kana nguva inokosha kudayi yaswedera vaitoendawo kunozvinatsa nemutowo wekurasa zvimwe zviMwari zvose nekuzvireurura vachitsanya nekuzviramba nesuwo sekereke yaMwari inovavarira kunaka nekunamata mumweya nemuchokwadi ndinokukurudzirai ndichiti “IYI YAVA NGUVA YEKUTENGA komborero yepfuma kubva kuna MWARI nemutowo Wa MWARI. Naizvozvo handeyi tose kumutambo uyu kuti tirege kuzova VAROMBO kwehupenyu hwose. Chikumbiro changu chikuru ngatizvinatseyi mbiriso huru kudarika dzose ndeye rurimi “rwako” “rwangu” “rwake” saka ngarungwarirwe. Yambiro yangu heyo, “MUSATARISIRA KUTI MUSANGANO UCHAVA MUCHECHETERE MVURA YEMUGUVI. MATAMBUDZIKO ACHAVAPO ASI K***A ZVOSE NEKURONGEKA NEKUITA MOYO MUREFU, MOYO MUNYORO, KUZVININIPISA KUZVIDZORA, KUREMEKEDZANA, NEBVI NEKUNYARARA PAZVOSE TICHIGAMUCHIRA HUTERA HWAVAMWE UYE KUGAMUCHIRA KUTI VAMWE VANOTIK***A PANEZVIMWEWO T**I KANA TOITA ZVATANZI NAVATUNGAMIRI KANA NA MWARI TIITE TOITA NEMWOYO WEDU WOSE TAKAPERERA NESIMBA REDU ROSE TICHIZIVA KUTI MUGOVE TINAWO KUDENGA KUNA MWARI KANA NGUVA ICHIKWANA TICHAVA NAWO UYE TICHAFARA”. Vanokurudzira kubatirana pamwe pabasa ngavacherechedzwe vasumudzirwe kuma branches ose nekuti ndivo miti yemisidhari inosimbisa kereke yedu. Vanopesanisa vanhu ngavangwarirwe uye mabasa avo namashoko avo ekupesanisa ngaaziviswe kuboka kuitira kuti vasagona kunyengera vamwe nemashoko avo anotapira anoisa vanhu pakuraswa.
Kana taungana sezvizvi ngwarira hama yangu nekuti Satani achakupa zano rekuti usajayirirwa usanzwaro asi ini ndinoti tizvininipise saBaba vedu Krisitu kuti nyangwe vakanga vari Mwari havana kuti izvozvo ndizvo ngazvikosheswe asi vakazviita muranda vakabvuma kutambudzwa nekunyadziswa parufu rwepamuchinjiko nesuwo maUnited ngatidzidze pamuonde, kuti kana miti yotungira zhizha ravapedyo togadzirira zvinoitwa muzhizha nekuti nguva hayimiriri munhu.
Bhuku yoti ani nani asingaitiri Jehovha mutambo we Matumba Jehovha havamunayisiri mvura ZACHARIA 14 V 16.
Ko ungararama sei usina mvura hama yangu uye kana yakunaya ukava nayo tinoziva tose kuti MVURA HUPENYU zvino ukasapiwa hupenyu na Jehovha wodii ndokuparara ka uku. Saka handei ku Matumba tirege kuparara. Nhai hama yangu wadireyi kuparadzwa muzvivi zvako enda kunaJesu akakumirira kuti akunatse atakure mutoro wako wehupenyu hwose.
Dai zvikwanisiro zvayitendera nesuwo tayifanira kufamba mabhuranji ose tichinatsa tembere yaJesu achingamidza mwaka we Matumba apo tayifanira savatungamiri kufamba tichionesana navanamati zvakanaka zvinoda kutevedzwa nezvakaipa zvinoda kutsiurwa mukufamba kwedu sava Krisitu mumba medu mu………The United Apostolic Faith Church. Zvakadaro ndayikumbirisa kwazvo hutungamiri hwose kuti nguva dzose dzegadziriro yemutambo yakakura kudaro mugara maronga mafambiro akanaka emapoka enyu kuuya nekudzokera zvakanaka kumitambo iyi yatakatarirwa kuti iitwe gore negore. Itarisiro yangu kuti nguva ichakwana yekuti tikwanise kuungana sepakutanga.. Ndaona kuti pano pa HQ patiri kwauya ma Bhuranji akawanda saka pavatungamiri vakagona kuita izvozvo pfurirai mberi muchidaro ndiko kurongeka ikoko chidzidzisai vaya vanoita zvavo voga vasingadi kupinda mukuronga pamwe nevamwe nekuti kuita kwakadai kunongoreva kuti hatisi kufamba tose nokuti hatisi kuona zvakafanana sezvareva Amos 3 v 3 inoti vaviri havangafambi vose kunze kwekunge vawirirana. Ngatiwirirane ma Theeeee sezvinoreva zita re Kereke rinoti kubatana kwavapostori.
Kuvatungamiri vangu vose chikumbiro changu chikuru ndeichi vakwegura, chirikadzi nenherera dzedu nevanoshaya vedu vawanireiwo mazano ekuti vangaita sei kuti vagovapano pamunamato vagozviitira chinhu chakanaka pahupenyu hwavo nemhuri dzavo. Ikurudziro yangu chose kuti zvizivikanwe nesu tose kuti tinofanira kuzviwanira isu toga mari yekufambisa kuenda nekudzoka kumitambo, $1,00 YEMUTAMBO PAMUNHU OGA OGA, $1,00 RAKO NERE MWANA OGA OGA WEMHURI YAKO, mari yekudya patinenge tiri ikoko uye mari yekuti tikawirwa nematambudziko anoda mari tigone kuva neruyamuro rungadiwa imwe nguva mari iyi inobatsira chirikadzi nenherera dzinenge dziripamsangano uyu kana busfare yavo kudzokera hayisi mari inoshandiswa nemutungamiri pazvake zvaanoda zvisineyi nebasa remusangano.
Ndinokumbirisa kwazvo kuti kana paita matambudziko amakundikana kugadzirisa Bhuranji itai asvike ku Dhisitirikiti nekuPurovhinzi kana zvakona maswitswei kuHedhikota nekuchimbidzika zvinhu zvisati zvanyanya kukanganisika basa raMwari rirege kuswibiswa. Mumwe nemumwe ngaaite basa rake basa raMwari risafire mumaoko ako usarisiyazve richifira mumaoko emumwe wakatarisa tora danho rekugadzirisa mukuonesana nevamwe zvakanaka zvinhu zvedu zvigofamba nenzira ingafadza kudenga tigozviwanira mugove kudenga kunaMwari kana kuguma kuchiuya.Ngatitsigirane pakubvisana hutera. Ndinopokana nezvetumapoka, mapoka tunonyuka mukereke kuti nhingi anotamba nanhingi asi haaonani nanhingi. Vanamati ngatirevesei pakutenda apa nyaya yemagiraji (daka) inobvepi kuvanhu vakapona. Venyika vakakanganisirana vanoreurirana vachisunungurana wani kwenyu kutadzirana kwakadii kusingatenderi kuti musunungurane. Ngatibvei pakuva vanyengeri tisangane na Kristu takanaka pamberi paMwari napamberi pevanhu vanotya Mwari. John 7 v 10 Jesu vakatoendawo ku Mtambo wa MATUMBA IWE WAKOSHEYI KUSARA VAMWE VACHIZVIROVEDZERA PABASA RA JEHOVHA KUDAI. Bhuku yati vanosara havanayisirwi mvura chenjera kushaya raramo yakanaka nekuti washayika pa Matumba.
ZVIKONZERO ZVEKUSAENDA KUMUTAMBO TICHAZVINZWA KUCHINZI KUBASA VANDINYIMA OFU HANZI HANDINA MARI YEKUENDA KUHARARE HANZI NDARWARIRWA HANZI NDIRI PARWENDO HANZI KWAITA KURE. Ndakashumira mazuva mashoma apfuura pamusoro pemakava maduku apedza minda yemizambiringa ndikati ngaabatwe makava aya chenjera mudikani tuzvikonzero utwu tunoda kuti ushaye zvibereko nekuti maruva otunga dzidza pa Muonde bvisai tunyaya twekutsvakiridza kuitira kuti utadze kuenda kumutambo. Hapana waurikukanganisira asi ramangwana rako nevana vako. Vakauya ava hazvirevi kuti vane mari inokwana kana kuti havana zvakavasunga zvaifanira kuvatadzisa. Zviripo chose asi zvinoda kuzvirovedzera kutsunga nekuzvipira kuzhinji zvigova sezvareva Mwari.
Ndinokurudzira kwazvo mweya wechirwirangwe pabasa raMwari uye kutakurirana mitoro sevana vekutenda anopokana nerudo anopokana naMwari nekuti Mwari rudo saka ivai nerudo maUnited akanaka.
Ma Bhuranji ivai nemapurogiramu emaYuthi, Pathifainda neSande Sikuru ndivo hutungamiri hwemangwana ndaikumbira ipihwe gwara nemukereke kuti vagone kusara vachizogona kufambisa basa raIshe Jesu zvakanaka.Isu mazuva edu ekurarama asara mashomani tachembera tinogona kuzorora chero nguva nekuchembera kana kukwana kwenguva. Bhuku yaZvirevo inoti urovedzere vana panzira yezvakanaka vachiri vadiki nyangwe vakwegura havangabvi pazviri. Vazhinji vedu kutaura kuno hatisati taziva kuti tirikuenda here kumutambo uye kuti zvakakoshereyi kuenda kumutambo kunyanya weChidyo hama mudikani hazvibviri kuti ufambe wega Mapisarema 127 inoti pasina Mwari hapana chingaitwa.Ndizvo here kuti mutambo uyu ndewesungano naMwari kuti akupfumise nekuti ndozvavanoreva kuti KUTUKWA NEKUROPADZWA DHITRONOMI 28 V 1-68. Iyo nguva ino vamwe varikutopinda paropafadzo vamwe ndonguva yekushurikidzwa na MWARI uchatukwa uchipinda ugotukwa uchibuda zvose zvako zvinochemedza nyangwe vana vako mbesa dzako matanga ako hapana chingakupa pundutso kana usina kuenda ku MATUMBA.
Ngatikoshesei zviya zvatakaita PA CHIRAYIRO kuti takaita sungano na MWARI MUZITA RA JESU anesimba newewo wavewo anaro chakaipa hachigone kutikanganisa kana tiinesungano nemukuru wamasimba ose pasi nekudenga. Gore rino (THIMU) DINGINDIRA rataifamba naro gore ra2018 rinowanika pana Jeremiah 29 verse 11 yoti ndinendangariro dzezvakanaka pamusoro penyu kuti murege kukanganiswa asi kuti zvive zvakanaka nemi. 2019 thimu yedu yaiti CHERECHEDZA PAWAKAWA MUKA ZUNZA HURUVA TSUNGA UFAMBEZWE UCHENJERE KUDONHAZVE zvoreva kuti raiva gore REKUSIMUKA KUBVA PANE UKU KUBWINYA TICHIENDA PANEKUMWE KUBWINYA ZVICHIREVA KUTI VANHU PAVANENGE VACHIRIKUSHAMISIKA KUTI AHH DAI MWARI VANENGE VACHITOKURONGERA ZVIMWE ZVITSVA KUKUSIMUDZA APA VOKUKANDA APO MUKUBWINYA KWEMHANDO YEPAMUSORO SAKA KUDONHA HAISI NYAYA YEKUTI HAKUSI KUFA CHAIPA KUTI KANA WADONHA WORAMBA WAKARARA SEWAFA HANZI MUKA ZUNZA HURUVA FAMBA CHENJERA CHAKAMBOKUWISA USAWISWAZVE CHITOBATSIRA VAMWE KUTI MUSAITA IZVI MUNOWA. SO raiva gore rekurarama zvatakatarirwa naMwari saka ngatifambe mukuziva kuti panezvakatarwa naMwari uye nemuvengi Satan anezvaakatarawo pararamo yedu naizvozvo tisatendera zvisina kutumwa naMwari panzira dzedu.Tirivana vechiedza isu ngatifambe muchiedza nekuti rima nechiedza hazvidyidzane kana zvakakwana zvasvika zvisina kukwana zvinotama kuipa kose hutera hose nachose chisisna kutumwa na MWARI kuraramo yako chakadyarwa nemuvengi satani ngachitame chisiye urarame zvakatarwa na MWARI WAKO UFARE. Rino gore ra 2021 itiyi igore rangu takanzi naMweya Mutswene igore rekukunda kwedu vavengi vedu vachiwa vachikundikana vachiita surrender kuti mwana uyu tazama kumudonhedza takundikana regayi ararame hake zvaakatarirwa na Mwari wake.
Zvatakaita sungano naMwari, paChirayiro Satani akatarawo zvakaipa zvake panzira yedu ndinotenda ndinofara Jesu haakundikani tarira nhoroondo yake kubva pamavambo bvunza tateguru Abhurahamu vakavanemwana nagogo Sara zvikashamisa, bvunza mukoma Nowa hupenyu vamwe vachiparara nemvura imwe chete yakamupa hupenyu. Inyasha kani hama wadiwa chikonzero waitwa sungano naye mukuru wazvose , kana usati watenda bvunza mukomana Mozisi, murwizi makaperera matangwe ndomaakawanira raramo, usatambe naMwari unoti vayizviitireyi this was good training for Moses who was later supposed kutsemura gungwa netsvimbo vana vaIsrayeri vagoyambuka inzwa mudikanwi book yaJeremiah yati I have got plans for you.Usatadzisa program ya Mwari unoitadzisa sei nekuramba kuita sungano naye pa MATUMBA. Huyayi tibviswe hurombo pa mutambo we MATUMBA 2021 HAMAWEEEEEEEEE.
Aaah iwe hama programme yaMwari yati hamungapararire pano mberi kunebasa uko. Inzwa muUnited akadiwa naMwari ukaita sungano naMwari uyu haakurasise bvunza vakuru Danieri mugomba reshumba ko Shadreck, Misheck naAbedinigo vachakuudza kuti takaita sungano naMwari zvekuti takaziva kuti mambo ngavaudzwe pachena, clearly kuti moto unopisa zvatoziva asi nyaya yedu ndeyekuti tinogona kurwirwa naMwari wedu kumoto wenyu uyu asi Mwari vakasatirwira isu hatinganamati chifananidzo chenyu ichi mambo. Vakomana aaaaaah yakanaka nyaya yesungano kutemba sungano vakomana kana usinayo sungano haungamatauri mashoko aya kuna mambo especially kana moto waona kuti wadongorera kuva dota.Panozotariswa panotarisiswa zvakanaka panonotariswa mugomba kunoonekwa vanhu vave 4 instead of 3. NaJesu zvinoita itii AMEN maUnited. Newewo enda ku HQ kana zvonetsa woti Jesu zvichida munogona kundirwira asi kana mukasapindura munamato wangu uyu kana makasandipa zvandakumbira handiregi kukunamatayi taura uchidaro shuwa shuwa zvakadaro uchirevesa Mwari vanoda faith (kutenda kwerudzi urwu). Bvunza Hannah mudikani minamato inopindurwa verenga zvakanaka unzwe zvinobarwa neakakomborerwa Samuel muprofita nanhasi mabasa makuru akaitwa nemuporofita uyu aripo akanyorwa mubhuku ra MWARI BIBLE. Akabarwa neaishorwa vachitukwa kunzi havabari asi nyaya yavo mbuya Hannah yakashanduka pavakasangana naMwari misodzi yenhamo yakashanduka kuva misodzi yemufaro mukurusa newewo hama yangu unochema neyi nyaya yako enda nayo ku HEADQUATERS inosangana na JESU TIONE NHARO DZAYO INOTOTI ITIZE CHETE HAPANA CHAKAMBORAMBIRA MWARI HAPANGATANGE NEYAKO ANGATOVA MASHURA CHAIWO.
Mudzimai weropa risingagumi kwemakore kungobata nguwo yake Jesu ropa rikati zvazvipi izvi, hapana chisinganzwi huvepo hwaMwari chinototi chiterere chiite zvakafanira. Book yoti zvakakwana kana zvasvika zvisina zvinotama. Hama mudikanwi enda kunotenga sungano itsva kana sungano isipo hupenyu hwako hunowirwa nezvese zvese asi kana una Jesu “REST ASSURED” zvinototi zviite kana zvikaoma zvaoma kuti zvigozoreruka uchafara iwe mirira ugamuchire ropa nemuviri zva JESU. Mukoma Peter vakatombofamba pamusoro pemvura only pavaiva nekutenda asi pavakapera kutenda vanonzi vakangwe vonyura zvikanzi naJesu why did you doubt. Usafunga kuti Mwari havagoni nhau dzako ukafunga kudaro unonyura mumaproblems because unoshandisa mazano enjere dzako asingakusvitse kure.Unogumirwa nekuti urimunhu asi MWARI haapererwi sekunonzi munhu mira na JESU hama kudenga kukuwanireyi nyasha.
Vamwe vangafunge kuti Mwari uyu ndiMwari wekudhara akapedzesera kuita minana kareko regai titaure zvaMufundisi Chibira ava vatinawo nhasi mudzimai wavo akaita more than five (5) mamiscarriages kuti azobata mwana wekutanga anonzi Tapiwanashe, Amai Chekani vakanzi havafi vakabata mwana nemweya yetsvina apa pavenemhandara nhatu praise God. Mai Sandramu vakambofa asi vakamuka VAKAMBOITAZVE BOFU VAKASVINURA vabvunzeyi vataure vega. KwaMurehwa kwakafamba vaKaukonde vakazosimuka vakamhanya after six months zvekunzi naDoctor endayi kumba takukoniwayi. Ku HQ bvunzai vakaudzwa ma dates avo ekusununguka vakaudzwa kuti udzai DR achinje date vana vakaponawo shuwa pamazuva akarehwa nemweya kwete a Dr kubata kwa MWARI KWESE UKO MBIRI YOSE KUNA mwari wamasimbaose. KuKariba bvunzai Mufundisi Mangwere vana vose kurwara mwana 4 years no kufamba asi paGarangwe apo Jesu vakaonererwa mwana akangosimuka from nowhere akamhanya vanhu vakatya Mwari kwazvo. Bvunzai ana Baba D***o vakange vogurwa makumbo na Dr mweya akaramba nanhasi vapenyu vanawo makumbo matano. Bvunzai ana Elder Katinhimure ku Hurungwe vavekuona after 18 years vari bofu bvunzai ana Elder veku Rutenga vakange varibofu vavekuona vakanamatirwa pa Matumba 2020 ku Beitbridge muno mu Theeeeeeeee.Hama yangu wamirireyi handeyi kusungano pada ndiwe wasarudzwa na MWARI this time munana wavanoda kuonesa vanoda kushandisa iwe saka itii ndiripano MWARI ndishandisei.
Vakambenge vari Mai Muparidzi Kukambeme, Chinake vakanzi naDoctor stroke yenyu yakaipa maparara vakatembedzanwa kuuya navo kumusangano weku Maumbe vakadaro, 3 days down the line vakamhanya nyika ikatya Mwari wani Mwari achirikurarama uye achirikuratidza simba rake bvunzai Maunga Deacon, haana kurasa macrutch akamhanya here paGarange paBikita apa. Latest ndeyamai Tatira aaahhh God is great vakomana ukanzwa ndoSHANDISA MAVARA AYA GOD IS GREAT ndinenge ndatanga kugumirwa anoshamisa uyu Mwari ngaaenderwe kumutambo aitirwe mutambo wepaseka vanhu vaite sungano iyi naye.
Tikada kuita zvema testimony zuva ringadoka hama dzangu ndaida chete kuratidza kuti Jesu mupenyu mukereke iyi ngaanamatwe nevanoda havo kuita sungano nevakasika denga nenyika nezviri mukati mazvo.MaUnited akanaka kereke irikukura ikozvino tave nemabranch anokwana 85 (EIGHTY-FIVE) zvinoreva matambudziko awanda uye pakudiwa mukereke matanda emisidhari matanda asingamunywi nemuchenje anotembeka pakuvaka tembere ya ISHE wedu JESU zvoreva kuti vanhu vasingakanganiswi nyore nezvinokanganisa. Zvibvunze hama kuti urikuitireyi Mwari wako muchurch yaMwari yawakada ukatendeuka wega nekuda wega nekuda kwako ngatishande hama. Garangwe Branch yakambofamba nedingindira rekuti “TIRI TEAM TAMBA NUMBER YAKO USADYISA TEAM YEDU” ini ndakafadzwa nazvo vayikurudzira kubata pamwe vaive nepfungwa imwe chete nechinangwa chimwe chete chekuti whatever it is chataita make sure hazvidyise TEAM UNITED hatikundikani chero zvidii.
Hama dzangu church ndiwe bata basa rako basa riyendeke zvigotipa kugara zvakanaka tichiripasi pezuva zvekudenga tichazotaura parizvino garika newe hama namatika newe shandika newe taurika newe rongeka newe fambika newe vimbwa newe pupurirwa zvakanaka. Mabasa akanaka tinoada kubva kwauri tivake temberi newe nekuti uri muti wemusidhari usingamunywi nemuchenje. Bible shoko raMwari Mateo 12 verse 36 and 37 (Shoko rimwe nerimwe rinobva pamuromo wako uchabvunzwa pamusoro paro kunyanya risina maturo) hama yangu dzora rurimi uve nerugare ukaruregera runoparadza semoto, shoko rada kuti vanhu vakanaka vakafanira denga dzvene. Vazhinji vedu hatitauri chokwadi vamwe hatitauri zvakanaka pamusoro pevamwe pamwe tinopomera vanhu tisina humboo vamwe tinotora zvenzeve sezvemeso hatityi kutaura kwatisina kuswera hama aya mabasa haayanani naMwari ngaasiyiwe kuti vanhu vaite hukama hwakanaka naMwari wavo.Varege kushandira pasina vachishaya kugara zvakanaka pasi pezuva uye kuchizoshayikwa denga racho futi.
Ndinodazve kukurudzira kugara zvakanaka mudzimba remekedzanayi Tito 2 verses 1 – 8 (Madzimai muzviise pasi pevarume venyu varume mudewo madzimai enyu hanzi muzviitire kuti nyangwe vasinganamati vakada kutipomera mhosva yatisina vanonyadziswa nekuti vanoshaya chakaipa pamusoro pemafambiro edu). Kunzi vaChristu kureva kwavaneropa raChristu matiri saka handeyi kusungano ya Christu mabasa edu, tsika dzedu nezvose zvedu ngazvipupurirwe kuti tirivana vake Christu tisamudzimbira mavanga ake nekuda kwemabasa edu akashata. NEVARUME IDAI VAKADZI VENYU MINAMATO YENYU IREGE KUDZIVISWA 1 PETER 3 V 7. VAMWE MAROMBE VAMWE VAPERA TARIRO YEKUNAMATA VAMWE VASHAYA MHINDURO PAMINAMATO NOT BECAUSE VAKATADZA MANHINGI ASI NEKUTI HAVABATI MUSHE MADZIMAI AVO. CHANGE AND MABATIRO AUNOITA MUDZIMAI WAKO AND SEE MWARI VACHICHINJAWO ZVINHU ZVAKO VACHIITA ZVAUNOSHUVIRA ZVINOGONEKA KUBATA MDZIMAI WAKO ZVAKANAKA START TODAY.
Hama muUnited zvekufamba zvakanaka pamberi paMwari zvinogoneka kururama kunodiwa kwazvo matambudziko makuru mazhinji anobva pakusagutsikana nezvatinazvo ngatidzidze kuti zvinhu zvose zvakatarirwa nguva yazvo naMwari zvichida tikaita moyo murefu tikamirira Mwari nekutenda nguva yekuitirwa zvakanaka irikuuya tisapera tariro Mwari havanganyadzisi, Habakuk 3 v 17 – 19. Vana vedu ndakumbirisa tererai vabereki mazuva enyu awande panyika kana maramba kuterera zvinoreva kuti muchaita chero zvamada asi zvizhinji zvacho zvinokupinzayi munataisireva kureva kudemba mapinda mutsaona dzisingapukunyukiki. Tinokudai kwazo vana vedu asi kana masarudza kusatiterera zivayi kuti mazvicherera guva mega musazotipomera mhosva yekukuregererai nekuti once mapinda munatayisireva hatina chatichakwanisa kukubatsirai nacho. Zvirevo 3 v 1 – 35 (Kuraira mwana waunoda).
Boka reTeam United ngatigoneyi kuzviisa pasi pevatungamiri vedu, 1 Vatesoronika 5 v 12 -28 ngazvingogamuchirike mudikani kuti zvakangonaka tikawana vanotitungamirira parwendo rwedu rwekunamata zvichida iwe wakadzidza kudarika mutungamiri wako pada unepfuma zhinji kudarika mutungamiri wako pada unechipo chikuru kudarika mutungamiri wako ichi hachisi chombo chekushandisa kuramba kuzviisa pasi pehutungamiriri hwako. Hayikona kushandira kuburitsa pachena kuti iwe unogona kwazvo kudarika mutungamiri wako kana wakapiwa mweya wekuona zvakanaka Mwari ngavakupe samba nenjere dzekushanda kusimudzira kereke redu muzvakanaka nekuti vatungamiri vose vakagadzwa naMwari. Ukapesanisa vana va MWARI waziparira mashura achakutevera hupenyu hose uchava wakatukwa chose. Ukamukira hutungamiriri wamukira Mwari vomene. Hondo yacho haungayikundi. Ndinoda kukurudzira vatungamiri kutungamira netsitsi netsika njere hunhu husingashorese basa raMwari nguva dzose, 1 Timothy 5 v 1 – 22 (Mataurire omutungamiri kuboka raanofudza). Fambai zvakanaka pamberi peboka renyu mutungamiri (1 Timothy 3 v 1 – 15).
Hama wadiwa ngatishandeyi zvitipe pundutso mumhuri dzedu maprojects ngaaitwe hatidi vanongochema kuti munyika makaoma ngamuome iwe uchiita mabhindauko akanaka pamberi paMwari uraramewo zvakanaka nemhuri ugosiyira vazukuru vevazukuru nhaka yakanaka. Muhusimbe munobva mashoko ekuzvinyaradza akaipa unonzwa vanhu vachinyeperana hunzi angoita mota kana ari aiita chikwambo musanyepera mamwe makomborero nekuti vanoita zvakanaka pamberi pa Mwari uye mukufambisa maprojects zvakanaka, Ditoronomi 28 kutukwa nekuropafadzwa hapana chikwambo apa chikwambo injere dzako nehusimbe hwako.
Lack of commitment or seriousness or absenteeism- kurovha- rovha kuchurch nekusabata nevamwe paSunday Service kuChitatu kana kuChina chamadzimai itsika yakashata inoda kutsiurwa IN STRONGEST TERMS POSSIBLE NEKUTI KUSHANDISANA UKU KUNORWADZA IWE MUSI WAUNOZOTIDA KWAKO HAUCHAFUNGI KUTI IWE UNOMBOROVHA PANOFAMBIRWA VAMWE vazhinji tinobatwa nenyaya iyi kwazvo vazhinji vedu hatiendi kumabasa aya nyangwe kundufu kana kubata maoko hatiendi kana kubata maoko hatiendi kuenda kumakomo kana mapungwe anoitwa itsika yakashata kwazvo iyoyo inofanira kuregedzwa nevanoiita nekuti inodzorera basa raMwari kumashure.
Vanamai kuchina kunodzidziswa kugara zvakanaka mudzimba kubata vana pamwe navanababa zvakanaka iwe usingaendi navamwe urishasha zvakadii zvawasema hurongwa hwekereke hwakanaka kudai. Kumakomo kutsiura rima panzira dzedu iye Jesu pachake nyangwe aiva Mwari ayitoenda kumakomo nekumasowe iwe wave ani usingaendi kuungano dzevanhurume iwungano yakatarwa neMweya zvikanzi monamata mokurukura zvinoda kuregedzwa nezvinoda kuramba zvichiitwa uye kunotsvagwa nzira dzingaitwa nadzo kuti kuvenerunyararo uye rugare mudzimhuri munyika nemutembere yedu uye kunotsvagwa nzira dzingaitwa dzekuti basa remba yaJehovha risakanganisika asi iwe haudi kuungana navamwe dambudziko rako riripapi?.
Kundufu kunyaradzo nekufambira varwere mudzimba kunoitirwa kumutsana moyo nekutakurirana mitoro zvino iwe rwako rudo ruripi zvausingadi kuchema navamwe pavanochema kana kufamba navamwe panguva yekutambudzika kwavo chenjera mudikanwi ungazoita munamati wemusi we Sunday kana chinamato chekutenda kusina mabasa Book yoti kwakafa saka tsiurika hama neshoko iri unamate zvinofadza Mwari nekuti chasungwa pano pasi nekudenga chasungwawo. Kana hama yadududza zvakanaka kuibatsira idzoke inamate kudududza kukurirwa nezvivi saka panoda shamwari yakanaka inokubata ruoko yoti ngatifambe shamwari wakakosha kuna Mwari zvireurure unake usazopamhazve kutadza Mwari vanokunatsa nekuti wadzora hama wapa hama hupenyu wamununura kubva parufu. James 4 v 17.
Pakati pedu tinezvipo zvakasiyana ngazvioneke zvipo izvi zvikurudzirwe zvitivandudze sekereke. Tinoda vaimbi vatambi vaparidzi vafundisi varapi varoti vaporofita vaiti vamabasa esimba vakomana navasikana vakachena pamoyo vanenjere dzekuvaka temberi yaJehovha wavo vasimudzire zita raMwari wavo. Vanokundikana havadzingwi church kana kurasirwa kure vanosimbiswa Galatians 6 kutakurirana mitoro.Nzwisisa kuti tirimadhongi anzi na JESU ndinokudayi ku HQ kuti ndikusunungureyi ndikupeyi mugumo unetariro kwete kuguma kunenyadziso saka vose vachaita kuda kwa MWARI apa vachafanana nedhongi rakazopinda Jerusalem rakataswa na JESU mhomho yavanhu ichipembera ichipururudza hupenyu hwedu hwavekufamba zvakanaka asi kana tobvunzwa kuti makazvigona sei toti kudenga kuna MWARI VAKATIGONERA.
Tenderai hama maUnited nditi everything having been said and done. Hatirarame nekusingaperi tirimakuva akamirira madates chete saka ngatinakeyi tichimirira zuva iri rekufa richauya sembavha gara wakagadzirira hama mutano anorwara mupfumi murombo akaipa neakanaka mukuru nemuduku gadzirayi nzira ya ISHE WEDU JESU TIGOWANA ZORORO KANA TAZOFA, Zvakazarurwa 22 v 12 yoti mubayiro ndinawo kupa mumwe nemumwe sezvaakabata. Hama wakabateyi please siya kubata kusina kunaka namata Mwari nekuti kutongwa kuchauya. 2 Peter 3 v 9 Tendeukai.Nahumi 1 v 1 – 3 wakaipa acharangwa. Zvakazarurwa 20 v 11 book yeupenyu kana yozarurwa hama yangu unozovepi zita rako riripo here mu book yehupenyu ikashayikwa hama wakatarisana negomba rizere nesafuri yemoto usingadzimi zuva roga roga nekusingaperi.
NDINODA KUTENDA MA BRANCHES EDU MATSWA ATAVANAWO IKOZVINO ANOTI GOKWE CENTRE, KWEKWE, ZVIMBA, SANYATI, GWERU, MARONDERA, ZAKA, JERERA, SAI BRANCH, MANOTI BRANCH, AND 8 BRANCHES KUMOZAMBIQUE. PFUURIRAI MBERI MUCHISHANDA PANO PASI MUGOVE WENYU ISU SAVANHU HATINA ASI KUDENGA WAKAKUMIRIRAYI. NEMIWO OUR HOST BRANCH HQ GOD BLESS YOU BABA PIC MASUNDA NEBOKA RENYU ROSE ITIRWAYI ZVAKANAKA ALL THE TIMES STAY BLESSED NEKUSINGAGUMI MUZITA RA JESU CHRISTU MPENYU. AMEN
YOU NEED TO CHANGE YOUR ATTITUDE FOR GOD TO SPEAK IN YOUR LIFE YOU HAVE CHANGED VIRTUALLY EVERYTHING EXCEPT YOUR ATTITUDE IF YOU REMAIN LIKE THAT YOUR SITUATION WILL ALSO REMAIN UNCHANGED MKOMANA CHIREMA PA BETHSAIDA AKAITA 38 YEARS YEKUMIRIRA ANOMUKANDA MUMVURA APA AKARARA HAKE ACHITI NDINOTANGIRWA HE NEEDED TO CHANGE HIS ATTITUDE AITE KUGARIRA MUMVURA OTHERWISE ANGADAI AKAFIRA PESIDE PEDZIVA BECAUSE OF WRONG MENTALITY OF BLAME GAME USAPOMERA VAMWE PAMSORO PEKUTADZA KWAKO CHANGE YOUR ATTITUDE IT IS THE ONLY PROBLEM YOU HAVE EVERYTHING ELSE IS OK.
GORE RINO IS A YEAR WITH A DIFFERENCE MAZISO EDU ANEDAMBUDZIKO REKUONA MATAMBUDZIKO NEZVAKAIPA CHETE HAAONI KUBATA KWA MWARI THIS IS OUR FIRST VIRTUAL MATUMBA. SATAN AYITI AKADZIVISA VANHU KUUNGANA ADZIVISA KUNAMATA INHEMA TINONGOSHANDUKAWO TOITA ZVINODA NGUVA CHERO ZVAFADZA MWARI ZVIKAYAMBUTSA VATENDI. SAKA MUTENDI BATSIRIKA NEMUNAMATO WEPAMHEPO IWOYU USACHEMERA KUTI INI ZAMBUKO RANGU RINOUYA NDATSIKA PA JERUSAREMA SEPAMAKORE APFUURA YAMBUKA ZVAKADARO. NDAZEVEZERERWA PANO NA PASTOR GENERAL HOVE KUTI COMMITTEE YERUVAKO INODA KUYERESWA NDAVA IRIKURWISWA NASATAN ZVAKASIMBA NDASEKA ZVIKURU.SATAN HAANA TSIKA YEKURWISA VASINA BASA VASINGAMUKANGANISI NEKUBHORA HAKUMAKWI ASINA BHORA. SAKA GORE RINO KWAKAMUKA VARUME NEMADZIMAI VAKATI ISU TIRIKUTI GORE RINO MWARI VATI TIMBOMIRA ZVIMWE ZVOSE TIITE ZVERUVAKO CHETE. GOD BLESS YOU ALL. PLEASE COME FORWARD. NDANZWA ZVAKARE KUTI RUWADZANO RWEDU RUNECHIPO KU COMMITTEE YERUVAKO PLEASE COME FORWARD AS WELL MHURURU NEMIRIDZO HAMA DZEDU DZICHIUYA PAMBERI PAMWARI KURATIDZA KUZVIPIRA PAZVINHU ZVAMWARI VASINA MUGOVE WAVANOPIWA NESU. VAMWE VAKATOTANGA KUPOMERWA KUTI VANODA KUZOBA MARI DZERUVAKO VAMWE VANOTONZI VAKATOBA KARE KKKKKK NDATI ANEBHORA NDIYE ANOMAKWA MUSATYA MUTI KUFARA BEDZI KANA MUCHIEDZWA KUDAYI. DAI MUSIRI PROBLEM KU KINGDOM YASATAN MAIDAYI MURI SHAMWARI DZAKE AISAKURWISAYI. I WANT TO THANK GOD NDIRIKUONA SEVERAL BAGS OF CEMENT NEMA BUILDING MATERIALS AYO AUNGANIDZWA APO AYO MBIRI KUNA JESU LONG LIVE BUILDING COMMITTEE LONG LIVE THE UNITED APOSTOLIC FAITH CHURCH.
HAVE A BLESSED TARBENACLES 2021 (MATUMBA) HEADQUARTERS WOYEEEEEEEEE TIRIKURARAMA ZVATAKATARIRWA NAMWARI MUGORE RATIRI KUITA KUNZWA NEKUITA MATEO 7 V 31. THEME YE GORE RINO INOTI USAMIRA KUNAMATA DZAMARA WAONA DAMBUDZIKO RAKO KANA KUTI CHINOKUTAMBUDZA KANA MUVENGI ACHISIMUDZA MAOKO AKE KUTI UYU NDAMUTADZA SIYAYI ARARAME ZVAAKATARIRWA NAMWARI WAKE. MUNAMATO UYU NDEWA 2021 UKAZAMA KUUNAMATA 2022 HAUSHANDE 2022 ANEZVAARIKUTIRONGERWA NA MWARI DZIDZA KUFAMBIRANA NAVAMWE PANGUVA YAVARI KUFAMBA SEZVINENGE ZVAREVA MWARI. FAVOUR TAKAIONA ICHIUYA NA MWARI VAVENGI VACHIZVIONA VARIPO TICHISIMUDZWA NA MWARI KUBVA PANE UKU KUBWINYA TICHIENDESWA PANEKUMWE VAVENGI PAVANENGE VACHIRIKUPURURUDZA KUTI HONAI MANYEMWE AKE NDOSAKA AKAZOWA NDIPO PANDOMUKA NDOZUNZA GURUVA NDOTANGA KUFAMBAZWE BUT THIS TIME AROUND NDOFAMBA NDICHNGWARIRA KUSADONHA SEZVANDAKAMBOITA PAYA.

PREPARED AND PRESENTED BY BISHOP BUSANI SIBANDA FOR AND ON BEHALF OF THE UNITED APOSTOLIC FAITH CHURCH

Address

Harare

Telephone

+263733316193

Website

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when The United Apostolic Faith Church posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Share