09/06/2026
Svondo reKutanga Mushure meVutatu Vumwe paLutheran Church Sola Scriptura and Fraternal muina Rev Tariro Zhou
Texts :Deuteronomy 30:19-20, Mathew 9:9-13 and Joshua 24:15
Munhu ashare Mwari, Nyangwe ashare zvifananidzo. Ko iwe ndiani waunonamata, ndiani waunotevera uye ndiani anokupa simba?
Vupenyu hwedu huzere nesarudzo uye chandinosarudza pane zvimwe zvose ndicho chandinenge ndakoshesa kupfuvura zvimwe zvose. Zvokudya zvatinodya chaiko tinoita sarudzo, hembe dzatinopfeka tinoita sarudzo uye newanano dzatinadzo takadoita sarudzo. Nyangwevo pazvinamato vanhu tinoita sarudzo. Nyangwe kereke yandingapinda ndichisiya dzimwe dzose ndinoita sarudzo.
Magwaro atavarenga ose awo anongotaura zvimwechete zvesarudzo. Kureva kuti nyaya yesarudzo haisi itsva bodo, kubva pamunhu wokutanga Adam akangopiwa mukana naMwari kuita sarudzo
Sarudzo wakanga uri mutemo waMwari pakutanga sezvataona Pana Deuteronomy 30:19-20. Mwari vanoupa semutemo kuti vasarudza Abram pakati pemarudzi vakamupa nyika iri mhiri kwenyika yaaimbogara achinamata zvifananidzo nemadzibaba ake, ndakusarudza kuti uve munhu wangu, ndinokuropafadza iwe nevana vako vose nokuti ndakusarudza. Ndizvo tichiona kuti panguva iri pamberi apo vana va Israel pavanosangana nehutapwa munyika ye Egypt Mwari anovarangarira zvekare ovabudisa nokuti anoti ndakakusarudzai kare muna baba venyu Abraham bambo vokutenda. Anovapa zvokudya nemvura vari muchiunde kwemakore makumi mana nokuti anoti ndakakusarudzai imi kuti muve vanhu vangu nokusingaperi. Zvekare pavanopinda munyika yechipikirwa havasivo vakarwisa vanhu vemarudzi vanga vageremo, Mwari ndiye akavadzinga achivapa pokugara, nopokurima, nedzimba dzavakanga vasina kuvaka nezvokudya zvavakawana zvakadorimwa nevakadzingwamo Mwari achiitira kuti ivo vawane kurarama zvakanaka . Mwari muna Deuteronomy anoti ndimi vanhu vandakasarudzai pakati pavamwe vanhu vose vemarudzi enyika saka neni chindisarudzaiwo pakati pezvimwe zviMwari zvenhema izvo nokuti ndakakuratidzai kuti ndini chete Mwari anorarama uye anoraramisa, vamwe vaMwari zvifananidzo havasi vanaMwari zvachose. Saka Mosesi anovaudza uri mutemo- Musava nevamwe vaMwari vamungasarudza kunze kwangu (Moses commanded the choice). Moses anoti munhu asarudza kunamata Mwari asarudza vupenyu. Asarudza zvimwe zviMwari asarudza rufu, munhu asarudza Mwari asarudza kuropafadzwa asi asarudza zvimwe zviMwari zvenhema asarudza kutukwa nokusingaperi. Naizvozvo
munhu angasarudza Mwari , Nyangwe kusarudza kunamata zvifananidzo zvenyika ino. Ko iwe ndiani waunodarudza?
Joshua (Joshua 24:15) ava kuenda zvekare anovarangaridza murairo uyu zvekare, uye anozvipa iye nemhuri yake somuenzaniso wekuita sarudzo iyi yakanaka, sarudzo yokunamata Mwari mupenyu (Joshua modeled the choice). Joshua somutungamiri wevana ve Israel pashure pokufa kwaMoses, anoti ini ndichaisa muenzaniso wakafanira pamberi penyu sedungamunhu uye nemhuri yangu ichiteveravo izvozvo kuti vanhu vose vazive zvokwadi iyi kuti Mwari ndoumwechete watinofanira kunamata.
Mubhuku ya Mathew 9:9-13, Jesu unoti Kuna Matewo muteresi ; Nditevere!.
Matewo anotora mukana wekudamwa uku wotevera Jesu. Ko iwe nhasi ndiani waunosarudza kunamata, uye ndiani waunosarudza kutevera?
Moses akapa mutemo sesarudzo yokunamata Mwari umwechete anorarama nokusingaperi, Joshua akaita muenzaniso wokunamata Mwari nemhuri yake, Matewo akasimuka akasiya upfumi hwake akatevera Jesu nokuti anga apiwa mukana.
Ko iwe nhasi ndiani wauchasarudza kunamata? Ndiani wauchasarudza kutevera?
Zvichidavo nhasi tingaumba zvidhori sezvakaumbwa nevana valsrael asi zviripovo zvinhu zvatinokoshesa panzvimbo yaMwari, zvobva zvatora nzvimbo yaMwari mupenyu.
1. *Mugaro* : Vamwe vedu tine mugaro uya wokuti tinogona kudokanganwa kukoshesa kunamata, tichinakirwa nemugaro uyu asi todokanganwa kuti mugaro uyu takaupiwa naMwari. Dai Jesu akatsvaga mugaro uyu pano panyika Dai ruponeso gweduvo gusina kuvapo. Naizvozvo mugaro wedu, neupfumi hwedu ngazvisatirivadza zvekubva takangamwa kumamata Mwari. Zvikadaro tinenge tonamata mugaro uyu kupfuura Mwari nokuti chaunokoshesa kupfuura zvimwe ndicho chaunopa nguva yako. Pedzisire wava kutochinamata. Ko isuvo nhasi chii chatinokoshesa, Mugaro here or Mwari akatipa mugaro watinawo?
*Mari* : Mari zvekare inogona kutora nzvimbo yaMwari muupenyu hwedu nhasi. Mhosva dzevanhu vanopaza ma banka mazuva ano dzawandisa nokuti vanhu vari kuda mari zvakapfuuridza mwero. Vamwe nguva yokuenda kusvondo kunoshumira Mwari ishoma nokuti tiri kutsvaga mari zvokupenga. Kana munhu asina mari anohwa seasina kukwana. Bva rangarirai mashoko ashe Jesu anoti Tsvagai ini pakutanga zvose zvinozongouya pamusoro. Pfuma yedu huru panyika haisi mari pfuma, pfuma yedu huru ndiMwari.
*Social Media* Social media nhasi yatekeshera zvokuti munhu anogona kutora zuva rose ari pa social media. Pane zvinotinakidza pa social media zvokuti tinogona kushaya hanya naMwari kana tikasachenjerera. Kana zvadai tinogona kuti social media chatova chimwari chaunonamata nokuti chinhu chaunoda kupfuura zvinhu zvose ndicho chaunopa nguva yako. Ichicho chinenge chatova chinamato chako
*Football* Ringava bhora chairo ukaona iwe uchirovha kusvondo nokuda kwaro ziva kuti wakoshesa bhora kupfuura mwari, wava kutongwa nebhora kupfuura Mwari.
Hama dzangu ndinoramba ndichibvunza mubvunzo uyu? : Ndiani wau onamata? Ndiani waunosarudza? Uye ndiani anokupa simba?
Rangarira kuti muna Deuteronomy Mwari ari kutipa sarudzo yokuti timunamate, Joshua otipavo muenzaniso somutungamiri wokunamata Mwari mupenyu iye nemhuri yake. Matewo muteresi anosarudza kutevera Jesu senzira yokusvika Kuna Mwari. Mweya mutsvene watakagamuchira pa Pentecost ndiro simba raMwari chairo rinotibatsira kunamata Mwari wechokwadi tichitevera pamakwara a Jesu Kristu. Ko iwe unonamata ani? unotevera ani uye simba rako rinobvepi
Pakupedzisira regaivo nditi: mugaro hauna kuipa, mari haina kuipa, bhora harina kuipa ne social media haina kuipa, chakaipa pazvose kusiya Mwari tichinamata zvinhu izvi. Shandisa mari haikona kuti mari ikushandise, shandisa Tik Tok kuparidza vhangeri kwete kushaya nguva yokunamata nokuda kweTik Tok.
Mwari vatibatsire neshoko ravo nemweya wavo mutsvene utibatsire kuti mazuva ose tichirarama pano panyika tivavarire kusarudza kuvanamata ivo Mwari, tivape nguva yavo yose kwete kupa nguva yaMwari kumigaro, Kumari, nezvimwe zvingafadza maziso nenyama yedu asi zvisingatipi vupenyu
Shoko guru: Tinonamata Mwari somurairo watakapiwa patakasarudzwa naMwari uyu, tinotevera Jesu Kristu mwanakomana wake kuti pakunamata kwedu atiratidze nzira yatinganamata nayo baba( ndiye nzira, zvokwadi novupenyu), uye tinodaidza Mweya Mutsvene kuti vatichengetedze pachinamato nokuti toga hatina simba munyika izere nezvinovaraidza asi zvichitibvisa pakunamata Mwari chaiye
Muzita raMwari baba, neroMuzvare neroMweya Mutsvene; Amen!
Mashoko emharidzo atogwa muAlmanac yeEvangelical Lutheran Church in Zimbabwe. Farirai kana kutevera page redu Lutheran Church Sola Scriptura and Fraternal kana kukurudzira shamwari dzenyu kuti dzirideo.