09/04/2023
1. Ichokwadi, Jesu ndowangu,
Ndizvo zvandinogonda nazvo,
Ndova mudyi wenhaka yaShe,
Ndasukwa neRopa noMweya.
chorus
Heyi nyaya nechimbo changu
Kutunha Muponisi wangu.
2. Kuzvipira kwangu kwaari,
Ndabva ndaona βfaro rutsva,
Naidzo nhume dzokudenga.
Dzouya nenyaya dzetsitsi.
3. Kuzvipira kwangu kwaari,
Ini maari ndoshangara,
Ndakataririra kudenga,
Ndozadzwa nenduramo dzake.