06/08/2026
SHOKO RANHASI – THE BOOK OF EPHESIANS
PART 7(a): Kufamba Sezvakafanira Kudanwa Kwatakaitwa – Walking Worthy of Our Calling
Wednesday 05 August 2026
Rugare ngaruve nemi mose!
〰️〰️〰️〰️〰️〰️〰️〰️ https://www.facebook.com/mamhunzephib
〰️〰️〰️〰️〰️〰️〰️〰️
Shoko ranhasi riri pana Ephesians 4:1 rinoti: "Naizvozvo ini musungwa munaShe, ndinokumbira zvikuru kuti mufambe zvakafanira kudanwa kwamakadanwa nako."
English:
"I, therefore, the prisoner of the Lord, beseech you to walk worthy of the calling with which you were called."
〰️〰️〰️〰️〰️〰️〰️〰️
ZVIDZIDZO:
Regai titende Mwari, Baba vaIshe wedu Jesu Kristu vanotipa hupenyu hwezuva rimwe nerimwe. From chapter 1 to 3 (Part 1 to 6), takadzidza nyaya yekuropafadzwa kwedu kuri munaJesu Kristu: ruponeso, nyasha, kuyananiswa naMwari, kubatana muChurch, kukura pakuziva Mwari, uye kusimbiswa murudo rwaKristu. Takadzidzawo kuti Mwari vakatida, vakatidanira basa sezvatiri basa ramaoko awo, uye vakatipa simba noMweya Mutsvene kuti tirarame upenyu hunovakudza. Nhasi in chapter 4 tichatanga kubata nyaya yemifambiro vatinofanira kufamba nawo savanhu vakadanwa naMwari munaJesu Kristu, kuti tinofanira kufamba sei. Munhu akadanwa naJesu Kristu anofanira kufamba sezvinofanira kudanwa kwaakaitwa, achirarama hupenyu hunofadza Mwari.
1️⃣ Ngatifambai nokuzvininipisa, unyoro, nomwoyo murefu:
Shoko raMwari rinoti: "(1) Naizvozvo ini musungwa munaShe, ndinokumbira zvikuru kuti mufambe zvakafanira kudanwa kwamakadanwa nako, (2) nokuzvininipisa kwose novunyoro, nomoyo murefu, muchiitirana moyo murefu murudo (Ephesians 4:2)." Tirikukumbirwa kuti "tifambe zvakafanira kudanwa kwatakadanwa nako naJesu Kristu," panotarisirwa kuti tive vanhu (a) vakazvininipisa [lowliness], (b) vanyoro (meekness / gentleness], (c) vane mwoyo murefu [longsufering], uye (d) vanoita moyo murefu murudo [bearing with one another in love]. Aya ndiwo maitiro anotarisirwa kune munhu akadanwa naKristu. Nyika inodzidzisa kuzvikudza kuti ndini ndionei, kuzvikwidziridza, uye kutsiva, asi Jesu Kristu anodzidzisa kuzvininipisa, unyoro, kutsungirira, nerudo. Jesu Kristu ndivo muenzaniso wedu mukuru. Shoko raMwari rinotidzidzisa kuti isu savanhu vanonamata Mwari munaJesu Kristu, tive nemoyo waJesu Kristu wokuzvininipisa, kusazvikudza, kuisa vamwe pamberi pedu tichiti vanotikundawo pakunaka, uye kuteerera Mwari kusvika pakuzvipira kwakazara, sezvakaitwa naJesu paakazvininipisa kusvika parufu rwemuchinjikwa (Philippians 2:3-8). Rimwezve shoko roti: James anowedzerawo achiti: "(6) Asi unopa nyasha dzakapfuvura. Saka Rugwaro runoti: Mwari unodzivisa vanozvikudza, asi unopa nyasha vanozvininipisa..... (10) Muzvininipise pamberi paShe, agokukudzai (James / Jacob 4:6, 10)." Haaa hama dzangu tizvininipise pasi peruoko rune simba rwaMwari, sekureva kweshoko kunoti: "Naizvozvo zvininipisei pasi poruvoko runesimba rwaMwari, kuti akukudzei nenguva yakafanira (1 Peter 5:6)."
✍️ Hama dzangu, kuzvininipisa hakurevi kushaya simba, asi kuva nesimba raMweya Mutsvene rokugona kuti kunyange vaitirwa zvakaipa unogona kuzvidzora pakusaitawo zvakaipa, haugumbuki, asi unongotenda kuti zvakafanirweni, kana zvakaitirwawo vakatitangira, naiwo Jesu Kristu vakazviitirwa, tichiziva kuti pazvinhu zvose tinofanira kuita kuda kwaMwari. Munhu munyoro haasi munhu asingagoni k***a, asi munhu anoziva kudzora hasha dzake. Tinofanira kudzidza kutsungirirana murudo, nokuti muChechi mune vanhu vane hunhu hwakasiyana, mafungiro akasiyana, uye zvipo zvakasiyana. Shoko rinoti: "(12) Naizvozvo, savasanangurwa vaMwari, vatsvene navanodikanwa, fukai moyo unetsitsi, nomoyo munyoro, nokusazvikudza, novunyoro, nomoyo murefu; (13) muitirane moyo murefu, muchikanganwirana, kana munhu anemhosva nomumwe; Kristu sezvaakakukanganwirai, muite saizvozvo nemi vo (Colossians 3:12-13)." Kana Jesu Kristu vakatikanganwira zvikuru, nesuwo ngatikanganwiranei, kana vakazvininipisa kusvika parufu rwemuchinjikwa nesuwo ngatidarowo nguva dzose.
2️⃣ Tichengete humwe hwoMweya muchisungo chorugare:
Shoko raMwari rinoti: "(3) muchishingaira kuchengeta vumwe bwoMweya muchisungo chorugare. (4) Kuno muviri mumwe, noMweya mumwe, sezvamakadanwa vo mutariro imwe yokudanwa kwenyu; (5) Ishe mumwe, nokutenda kumwe, norubhabhatidzo rumwe, (6) naMwari mumwe, naBaba vavose, uri pamsoro pavose, unobata navose, uri mukati menyu mose (Ephesians 4:3-6)." Paul anotiratidza zvinhu 7 zvinobatanidza kereke yaJesu Kristu zvinoti:(a) muviri mumwe (One Body), (b) Mweya mumwe (One Spirit), (c) tariro imwe (One Hope), (d) Ishe mumwe (One Lord), (e) kutenda kumwe (One Faith), (f) rubhabhatidzo rumwe (One Baptism), uye (g) Mwari mumwe naBaba vavose (One God and Father of all). David akanyora achiti: "Tarirai, kunaka kwazvo nokufadza kwazvo Kana hama dzichigara pamwechete norugare (Psalm 133:1)." NaJesu Kristu vakanyengetera Baba vachiti: "(21) kuti vose vave vamwe; semi Baba muri mandiri, neni mamuri; kuti naivo vave matiri, kuti nyika itende kuti makandituma. (22) Neni ndakavapa kubwinya kwamakandipa; kuti vave vamwe, nesu tiri vamwe (John 17:21)." Haaa imi ngative vamwe, saJesu Kristu naMwari vari vamwe (John 17:11).
✍️ Hama dzangu, satani anoziva kuti kereke yaMwari, navanonamata vakabatana uye vane simba, saka anoshandisa makuhwa, godo, nharo, kuzvikudza, uye kusakanganwirana kuti aparadze kubatana kwevakabatana. Asi isu takadanwa kuva vanhu vorugare. Jesu vakati: "Vakaropafadzwa vanoyananisa nokuti vachanzi vana vaMwari (Matthew 5:9)." Yes ngative vayananisi kwete vanoramba vachikuchidzira moto (Proverbs 26:20). Ngatichenjerei rurimi rwedu, nokuti: "Rurimi rune simba pamusoro porufu noupenyu; Vanoruda vachadya zvibereko zvarwo (Proverbs 18:21)." Ngatiregei kuva vanhu vanoparadza humwe hoMweya mumhuri, mukereke, mumabasa, kana munharaunda; asi ngative vanhu vanovaka muviri waJesu Kristu murudo, nekuti tose tiri mitezo pamuviri umwe, umwe neumwe ari mutezo veumwe (Ephesians 4:25; 1 Corinthians 12:12-31; Romans 12:3-21).
3️⃣ Jesu Kristu vakakunda zvose uye vakapa nyasha kune mumwe nomumwe:
Shoko raMwari rinoti: "(7) Asi mumwe nomumwe wedu wakapiwa nyasha nechiyero chechipo chaKristu. (8) Naizvozvo unoti: Wakakwira kumusoro akatapa vatapwa, Akapa vanhu zvipo, (9) (Zvino kuti: Wakakwira, chinyiko, asi kuti, wakaburuka pakutanga vo kumativi ari pasi panyika? (10) Wakaburuka ndiye wakakwira vo kumusoro-soro kwedenga rose, kuti azadzise zvose.) (Ephesians 4:7–10)." Mashoko aya anotiratidza kukunda kukuru kwaJesu Kristu, vakaburuka kubva kudenga, vakazvininipisa, vakava munhu kuvanhu, vakasakoshesa kufanana kana kuenzana naMwari (Philippians 2:6–8), akafira zvivi zvedu, akavigwa, akamuka pazuva rechitatu, ndokukwira kudenga akagara kuruoko rworudyi rwaMwari (Acts 1:9–11; Hebrews 1:3). Unogona kuzvinyora seizvi:
Pakukunda kwaJesu Kristu pamuchinjikwa nekumuka kuvakafa, akakunda rufu (1 Corinthians 15:54-57; Hebrews 2:14-15), akakunda zvivi (Romans 6:6-11; Hebrews 9:26), akakunda satani (Colossians 2:15; 1 John 3:8), uye akakunda masimba ose erima (Ephesians 1:20-22; Colossians 1:13-14). Shoko rinoti: _"akaparadza vabati namasimba, akavabudisa pachena, akavakunda mauri (Colossians 2:15). Ndivo Jesu Kristu vatinotevera nekudanwa nezita rawo awa vanokunda zvose.
✍️ Hama dzangu, Jesu Kristu havana kungotiponesa chete, asi vakapa mumwe nomumwe wedu nyasha nechipo choMweya Mutsvene. Shoko raMwari rinotidzidzisa kuti mumwe nomumwe ane basa raakapiwa naMwari pamuviri waJesu Kristu; ringava rinoonekwa serakashoreka kana rinokudzwa, mitezo yose inokosha, inofanira kukudzana nekuchengetana, nokuti tese tiri mitezo yomuviri umwe waKristu (1 Corinthians 12:22-27). Mubvunzo mukuru ndewokuti: Zvauri mutezo pamuviri vaJesu kristu, uri kushandisa here zvawakapiwa naMwari? Hatifaniri kuzvienzanisa nevamwe kana kuchiva zvipo zvavo, asi kutenda Mwari nokuda kwechikamu chavakatipa. Zvose zvatinazvo zvinofanira kushandiswa kukudza Mwari nokuvaka muviri waJesu Kristu.
✍️ Tadzidza nhasi shuwa kuti akadanwa naJesu Kristu anofanira kufamba noupenyu hunoratidza kudanwa kwaakadanwa nako. Tinofanira kuzvininipisa, kuva vanyoro, kutsungirirana murudo, kuchengetedza humwe hwoMweya, uye kurangarira kuti Kristu ndiwo vakakunda zvose uye vakapa nyasha nechipo kune mumwe nomumwe wedu. Hupenyu hwedu ngahuve humbowo hunoratidza kuti tiri vana vaMwari chaiwo Wokumusoro-soro.
Swerai munyasha dzaMwari, Baba vaIshe wedu Jesu Kristu. Ngatifambei sezvinofanira kudanwa kwatakadanwa nako. Ngatizvininipisei, tichengetedze kubatana kweChechi, tirarame murugare, uye tishandise nyasha nezvipo zvatakapihwa naKristu kukudza zita rake. Mwari ngavabatsire kuti upenyu hwedu huve hwakafanira Evhangeri yaJesu Kristu. Amen.
🙏🙏🙏🙏
Rambai muri munyasha dzaMwari, Baba vaIshe wedu Jesu Kristu!
NDATENDA
Phib Mamhunze
077 238 7707
+263718662059