Trinity Evangelical Church-ReachZim. Eastview

Trinity Evangelical Church-ReachZim. Eastview We are a vibrant Church, our core value is to spread the word of God as He intended it to be.

TEC FamilyCongratulations Deacon L. Muronda. We had a wonderful time seeing one of own charged with the position of a de...
12/03/2025

TEC Family
Congratulations Deacon L. Muronda. We had a wonderful time seeing one of own charged with the position of a deacon. The church wishes you well in your service💢💢👃🏿

15/01/2025

KINGDOM LIFESTYLE:
Date: 15 Jan. 2025
Psalm 34:4

4.Ndakatsvaka Jehovha vakandipindura. Vakandisunungura pakutya kwangu kwose.

Mupisarema rino tinoona tsindikidzo yokuti Jehovha vanobatsira vanotenda kwavari, pamwe nokudzinga kutya.

Saka imi neni kana tiine zvatinotya muupenyu hwedu tinofanirwa kudana kuna Mwari. Vanonzwa, vanopindura uye vanodzinga mweya wokutya. Sokunyora kwaPauro muna 2 Tim. 1:7, "Nokuti Mwari havana kutipa mweya wokutya asi wesimba, noworudo nowazvokwadi." Saka, satan afumurwa apa. Ndiye anounza kutya muupenyu hwedu. Next time paunonzwa kutya namata, Mwari vanodzinga kutya ikoko.

Tigare munyasha.

KINGDOM LIFESTYLE:Date: 1 Jan. 2025John 8:32.32. Muchaziva zvokwadi, nezvokwadi ichakusunungurai.Jesu Kristu mundima iyi...
02/01/2025

KINGDOM LIFESTYLE:
Date: 1 Jan. 2025
John 8:32.
32. Muchaziva zvokwadi, nezvokwadi ichakusunungurai.

Jesu Kristu mundima iyi ari kudzidzisa maJudha, vainge vasiri kugutsikana kuti Jesu Kristu ndiye Ishe naMuponesi wevanhu, akanga akaporofitwa kuuya kwake.

Kristu ari kuudza vanhu nezvake. Nokuti ndiye chokwadi chacho chaari kutaura. Zvobva zvajeka paanoti, "nezvokwadi ichakusunungurai." Jesu Kristu ndiye oga musununguri wezvitadzo zvavanhu.

Saka munhu wanhasi hero jira, kufuka kana kuwarira. Ziva chokwadi, anova ndiye Jesu Kristu, chokwadi chichakusunungurai, anova ndiye Jesu Kristu.

Tigare munyasha.
"HAPPY 2025 TEC FAMILY."

03/07/2024

KINGDOM LIFESTYLE:
Date: 3 July 2024
Rom. 8:8.

8.Zvino vari munyama havagoni kufadza Mwari.

Pari kutaurwa zvemweya apa namupostora Pauro kuvatendi vemuRome nenzvimbo dzakapoteredza. Mabasa enyama anotungamirwa nemifungo yenyama, njere dzenyama nezvido zvenyama.

Ichenjedzo yakasimba kumutendi wanhasi. Nokuti kana wave mukristu, mugari wechigaro che upenyu hwako ndiMwari. Zvoreva kuti hauchazvitungamiri wega, sezvinoita vari panyama. Iwe wave kutungamirwa naMwari, kuburikidza noMwanakomana wavo, Jesu Kristu, zvichigoneswa naMweya Mutsvene. Kungoita izvozvo chete, wafadza Mwari.

Tigare munyasha.

13/06/2024

KINGDOM LIFESTYLE:
Date: 12 June 2024.
Mapisarema (Psalms) 3:5

5.Ndakavata pasi ndikabatwa nehope; Ndikamuka; nokuti Jehovha vanonditsigira.

Munyori uyu ari kuradza kuvimba kwake naJehovha. Anorara hope dzeumambo achiziva kuti Jehovha vanenge varipo vakarinda.

Vazhinji kurara hope dzakanaka mangange chaiwo, nokuti kazhinji tinenge tichirwisana nezvakawanda wanda tichirega kuturira kunaMwari.

Zvinotishaisa hope zvakawandisa. Asi nohuwandu hwazvo ihwohwo, nesimba razvo iroro, hazvimiri pamberi pesimba raJehovha; murindiri, mutsigisi, mugoneri nemuponesi wedu. Saka hama yangu paunorara paya, turira zvose kuna Mwari, worara zvako sekacheche kari mumaoko aamai.

Tigare munyasha.

09/03/2023

KINGDOM LIFESTYLE:
Date: 8 March. 2023

Mapisarema (Psalm)139:4
4. Nokuti shoko risati ravapo parurimi rwangu, Tarirai, imi Jehovha, matoriziva rose.

Mambo Dhavidhi vari kuratidza kunzwisisa kuti Mwari vanoziva zvinhu zvose, no matter how small. Kusvikira pakuziva zvichataurwa nomunhu asati azvitaura.

Pane kachirungu kanoti: "Put your mind in gear before you put your mouth in motion." Ikurudziro yekuti munhu arege kutaura zvaanozodemba nazvo, nokuti Mwari vanenge vachizviona, even: usati wataura pfocho dzaunoudza vanhu dziya; usati wataura manyepo ako aya; usati watuka munhu zvokumusiya ave mvemve zvaunozivikanwa nazvo zviya.

Saka hama dzangu ngatitsvagei njere kunaMwari, tirege kungopotsera mashoko, asi kuti tigare tichitaura zvinopa mbiri kuna Mwari.

Mugare munyasha.

19/01/2023

KINGDOM LIFESTYLE:
Date: 18 Jan. 2023
Zvirevo (Proverbs) 15:1
1. Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa; Asi shoko rinorwadza mwoyo rinomutsa hasha.
Mambo Soromoni aive dura rezivo nehuchenjeri hwaaipakurira vana veIsrael, kuvabatsira mararamiro avo.

Nyangwe nhasi, mhinduro nyoro inodzora kutsamwa. Asi zvinokwanisika chete kana munhu akarovedzera mwoyo wake panaMwari. Pasina izvozvo, munhu anenge achitoda kudzorera zvinorwadza mwoyo kudarika kutadzirwa kwaanenge aitwa. Mhedzisiro yacho ibongozozo, kuedza kudzimura motor nepetrol. Ko iwe umire papi?

Mugare munyasha.

31/12/2022

Date: 28 Dec 2022
Zvirevo(Proverbs) 4:23
23.Chengeta mwoyo wako kupfuura zvose zvinofanira kurindwa; Nokuti mukati mawo ndimo mune zvitubu zvoupenyu.

Mazwi ehuchenjeri noungwaru kubva kunamambo Soromoni. Mwoyo ndiwo command centre youpenyu hwomunhu, ndiwo unotungamira upenyu hwomunhu. Naizvozvo unofanirwa kurindwa nokuchengetedzwa. Zvinopindamo nokubudamo zvinofanira kuongororwa kuti musapinde nokubuda mavhu namarara.

Zvinokwanisika chete kana munhu achitungamirirwa naMweya Mutsvene, anova ndiye anoziva zvinodiwa naMwari kuti zvipinde nokubuda mumwoyo medu savatendi.

Mugare munyasha.
Trinity Evangelical Church wishes you a Happy New year and May God continue to Bless you all abundantly.

02/11/2022

Address

Eastview
Harare

Telephone

+263772220829

Website

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when Trinity Evangelical Church-ReachZim. Eastview posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Contact The Place Of Worship

Send a message to Trinity Evangelical Church-ReachZim. Eastview:

Share