25/12/2025
ZVAPUPU ZVAJESU APOSTOLIC FAITH CHURCH TO THE WHOLE WORLD
Hama dzinodiwa muna Kristu,
“Nyasha, tsitsi norugare ngazviwande kwamuri, zvinobva kuna Mwari Baba naIshe Jesu Kristu” - (2 Johani 1:3)
Panguva ino iyo nyika iri kupemberera Kisimusi uye kugadzirira kupinda mugore idzva kereke yeZvapupu Zvajesu Apostolic Faith Church to the Whole World tinokushuvirai mose Kisimusi yakanaka uye Gore Idzva rakazadzwa nemaropafadzo aMwari.
Kisimusi inotirangaridza kuti:
“Shoko rakava nyama, rikagara pakati pedu” - (Johani 1:14).
Jesu Kristu haana kuuya kuzotsigira mafaro enyika, asi akauya kuponesa, kudzoreredza, nekusimbisa ushe hwaMwari mumweya yevanhu.
Naizvozvo, hama dzedu, tinokukurudzirai nerudo rukuru kuti murambe makasvinura pamweya:
“Chenjerai, murinde, nokuti muvengi wenyu dhiabhori anofamba-famba seshumba inorira, achitsvaka waanogona kudya” - (1 Petro 5:8).
Musabvumire mufaro wezororo kukutorai moyo, muchikanganwa kudanwa kwenyu. Rugwaro runotinyevera ruchiti:
“Musada nyika nezviri munyika; kana munhu achida nyika, rudo rwaBaba haruri maari” - (1 Johani 2:15).
Tinokukumbirai kuti murambe makasimba, musingazununguki:
“Naizvozvo, hama dzangu dzinodikanwa, simbisai, musingazununguki, muchiwanda nguva dzose mubasa raShe” - (1 VaKorinte 15:58).
Gore riri kuuya rinoda vatendi vakura pamweya, kwete vana pakutenda:
“Kusvikira tese tasvika pakubatana kwekutenda… tiri vanhu vakura, tasvika pachiyero chakazara chaKristu” - (VaEfeso 4:13).
Tinokukurudzirai kuti muite zvakawanda kwete zvishoma:
“Rambai muchinyengetera” (1 VaTesaronika 5:17)
“Shumirai Ishe nomufaro” (Mapisarema 100:2)
“Mupe nemoyo unofara, nokuti Mwari anoda anopa nomufaro” (2 VaKorinte 9:7)
“Fambai nenzira yakafanira kudanwa kwamakadana” (VaEfeso 4:1)
Patinopinda mugore idzva, ngatisangochinji makarenda chete asi tichisiya zvekare, tichitevera zviri mberi:
“Ndichikanganwa zviri shure, ndichivavarira zviri mberi”
(VaFiripi 3:13).
Chido chedu sevamutungamiri wechechi ndechekuti:
“Ishe vakuropafadzei uye vakuuchengetedzei; Ishe avhenekere chiso Chake pamusoro penyu, akupei rugare”
(Numeri 6:24–26).
Hama dzedu, rambai makaropafadzwa, rambai makatendeka, rambai musingazununguki, nokuti:
“Akatanga basa rakanaka kwamuri, acharipedzisa kusvikira zuva raJesu Kristu”
(VaFiripi 1:6).
Issued on behalf of the church leadership of
Zvapupu Zvajesu Apostolic Faith Church to the Whole World