Shona Bible Verses

Shona Bible Verses Chishuviro chedu ndechekuti shoko raMwari rive tsigiro yehupenyu hwedu parwendo rwehupenyu. Shoko raMwari rinotiita kuti tirambe tichienderera mberi.

Isu tinowana tariro uye kurudziro mariri uye tinoda kugovera izvi nemumwe munhu kunze uko. Kurudziro yedu inobva pakuda kwatinoita Musiki wedu nevanhu vake. Shoko ravo Mwari ngarive mwenje nechiedza chedu. Nyasha ngadziwande kwamuri nemhuri, mukupinda nemukubuda muchengetedzwe. Tatenda,

Shona Bible Verses

14/02/2026

Anorapa moyo yakaputsika 🙏🏽 #

14/02/2026

Nyangwe wakaputsika sei Mwari ngavapodze moyo wako wakaputsika vasunge maronda ako🙏🏽.

Kunyange unganzwa wakundwa, Mwari ari pedyo kupfuura zvaunofunga. Anewe nguva dzose uye anogona kuporesa mwoyo wako.

Iva nemoyo murefu, munyoro, uye moyo unoita uzvide iwe pachako semunhu.

Mwari vakupodzei pane zvakakurwadza mugokwanisa kupa uye kuva nerudo zvekare 🙏🏽

Kana uchida mamwe magwaro kuti upfuure nekurwadziwa kwemoyo, tanyora mavhesi mashoma muma comments anokwanisa kukubatsira parwendo rwako rwekurapa kurwadziswa kwemoyo.

30/01/2026

Kana nzira isisanyatsooneki,
rangarira kuti chiedza chaMwari chinopenya kunyange murima.
"Jehovha ndiye chiedza changu noruponeso rwangu."
Mapisarema 27:1

07/01/2026

Mugore rino ra2026 Nyasha dzaMwari dzakakukwanira, nokuti simba ravo rinozadziswa muutera.
2 Vakorinde 12:9

06/01/2026

2026 tariro yako ngaive munaJehovha.
"Nekuti ndinoziva pfungwa dzandinadzo pamusoro penyu… pfungwa dzerugare netariro." Jeremia 29:11

04/01/2026

Tanga gore rino wakanyarara mumoyo,
wakadzikama mukutenda,
wakatarisa kuna Mwari.
Isaya 26:3

Goredzva rakanaka 🙏🏽. Jehovha ngaarambe achikutungamirira.
03/01/2026

Goredzva rakanaka 🙏🏽. Jehovha ngaarambe achikutungamirira.

06/01/2025

…Erizabheti achava nomwana pamazuva okukwegura kwake…iye ainzi asingabereki.

Nokuti hakuna chinhu chisingagonekwi naMwari. Ruka‬ ‭1‬:‭36-37

03/01/2025

Goredzva rakanaka kwamuri mose. Nyasha ngadziwande munazvose zvauchatarisana nazvo muna 2025 🙏🏾

03/01/2025

Mugore ra2025 ziva chinhu ichi Nyasha dzaMwari dzakakwana kwauri; simba ravo rinokwanirisa pakushaya simba kwako.
Ngariite gore rechikomborero uye nyasha dzakakwana 🙏🏾

Address

Harare

Website

https://www.facebook.com/groups/kurudziromubhaibheri/

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when Shona Bible Verses posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Share