02/05/2026
Our very own dear mother at
Dwelling in His Presence
National Ladies Conference 2026
Notes From her sermon;
Psalms 91 vrs 1, John 15 vrs 5
- Ukaona panzi dwelling in his presence panotove be dwelling out of his presence
- Chandiri kutenda wese akagara pano aanotove in his presence, atidhonza haana kutidhonzera kunze asi mukati, kana wauya in His presence nyaya dzacho dzava kutogadzirika
- Jah Prayzer anoti ndakagara pandakagadzikwa, takanobvutwa kubva kwataive, takagara patakagadzikwa, hapana chinotiparadzanisa nerudo rwaMwari, hakuna chinoti mover kana kuti shaker.
- Dwelling hakusi kushanya, it's living continuously at a certain place, titori permanent ipapo.
- Tikaburitsa fish mumvura haigoni ku operator zvose zvatinoita tinoitira mu presence tikabuda tinofa.
- Ndina amai vanoti vanoti mu present ndukabuda kune mazino kunze akagarira kutiruma
- Dwelling na dwelling iye achigara matiri isu tichigara maari, isu hedu tisu tinetsika yekubuda tichipinda, iwebkana wapinda haikona kusabuda
- Pasalms 91 vrs 11 and 12 yakambo qoutwa na Jesu achiedza satani. Vamwe vanoti ndiMoses akainyora, asi Moses aizvinyorera achiziva kuti kuti anoda comfort and protection mu wilderness maaive, vamwe vanodaro.
- Inotanga ichiti He, who dwells iri kusheedzera munhu wese kwete varume chete.
- Masikati ano ndauya kuzobvanganyura, pane chimbambaira Chandiri kuda kuputitsa. Zvanga zvakamira ,zvanga zvakagara ngazvifambe. Zvaisafita ngazvitange kufita.
- Dwelling is a doing word, it's a verb, an action word. Hatigari mu Presence pasina action yataita. Pava kuda mhamha vanoti changamu changamu.
- Mari iri kunetsa, togobva here kwaMuzarabani kuzoona hembe dzevanhu, kuzoona ma Fascinator evanhu, zve action ndizvo zvatinoda ukaramba tinouya kuzokudhonza unobva pano uri muhuvepo chete.
- Tenda Mwari kuti uri pano, toda mudzimai ano cruiser mu presence, toda vanoti presence mhani.
- In the secret place haisi physical building. Haionekwi nemaziso evanhu. We know longer dwell in building but in his building
- Usadheerere munhu ane secret place, it is not for public consumption
- The most High, is Jehovah el elyon. Anodzika ariye otanga ku dealer nenyaya dzako. He is the God of victory. This morning victory is guaranteed, gara muhuvepo
- Under the Shadow, obva ati of the almighty kureva introduction of God nema dimensions ake esimba. If I dwell elshaddai anouya kuzonditambira, almighty anouya kuzotitambira.
- Hakuna Shadow isina presence, pese pane mumvuri pane chinhu. Usatevera shadow yana Nhingi, nzvenga zvakakukomberedza
- Psalms 91 if you dwell in the presence protection, sufficience and victory is guaranteed
- Presence inokuisai order, inokuitai bho.
- straight, presence inokukwatanura
- Ibva wachinja zita uchibva pano, tiri kubva pano nana nana Mai Dwelli nana mai Pre.
- She who abides dwells.
- John 15 uyu John ano focuser me divine nature not mamwe ano focuser ne chronology ya Krisitu. John used to this metaphor yemazambiringa nekuti Isreal yaiita zvemazambiringa.
- Muzambiringa haumiri straight, unoda paunozembera, haugoni kumira wega the true vine wava kuda kunozembera panaKristu. Jesu anoti unogara mandiri neni ndinogara maari, zvakanaka zvinodhura, yenyu yekuncomplaner madhora, kwedu ku dwelling mari inobva kunaMwari.
- Jesu ava kuti ukagara mandiri fruitfulness is guaranteed, zvikwereti zvawakanyudzwa uchibva pano enda unofonerwa.
- Ndichipedza, panechimuti chinondiitira zvakanaka Salisukronata, musambangwena, chimuti ichi chinomera muhova dzemvura dzimwe nguva ukasvika chinoita sechakafa asi ukadzoka unowana chiri green, ma roots acho ari mumvura aka dweller imomo.
- Ukandiona ndakabhenda nenhamo, kana ndiri mu presence ndinoraramazve, Ukandiona murume wangu akadaro nhasi ndakabhenda zvangu asi ndinosimuka chete. Patinogara mu presence madhimoni, zvirwere, urombo ne presence hazvifambirani.
- Ndava kubvanganyura nyaya dzako, mazita akaiswa muhari, anorevererwa usiku, nhasi ndozvibvondora.
- Pane vangadai vava parinani, robot ranga rakakuitira red, ngarukuitire green. Une presence iwewe, mu presence unobva washandurwa, bvunza Hannah, bvunza Obadiah akaramba aka dweller mu Presence, enda unobvunza Esther, zvinoda ku dweller mu presence
- Kana presence yavapo inozvimiririra. There is a testimony for you in the process.