09/05/2024
Makadii hama dzangu mose kwamuri kumativi mana. Ndinovimba ndakuwanai mose nekuti mune hupenyu, vamwe vari kufara,vamwe kuchema nevamwevo vari kutambudzika ndinoti Mwari ndiye muzivi wazvose.
Ndauya kwamuri nenyaya yakajairika chose yaDhavidhi naGoriyati, chandinoda kusimbisa kwamuri ndechekuti Dhavhidhi haana kugadzirira kunorwa naGoriyati asi Goriyati wanga akagadzirira kundorwa nenyanzvi yek***a yeIsiraire asi chondinakidza ndechekuti Dhavhidhi anga asina gadziriro unokunda Goriyati anga akagadzirira ndowana chidzidzo panyaya iyi nemashoko anowanikwa kuna Makoronike anotaura naJoashafati paanoti k***a hakusi kwedu asi k***a ndekwaMwari.
Pavanenge vachikurongera kana vachisumudza zvikwambo kana kukutsvinyira ,mwana wababa mashoko nehasha handizvo zvinokupa kukunda asi enda pamabvi uudze Mwari wekudenga uchirevesa ndivo vachaita kuti ukunde . Hazvinei kuti uri pakuchema ikozvino kana urikutambidzika iyezvino hama mudikanwi Mwari vanechekuita newe usaora moyo nzira yako yakazaruka.
Muranda wemunhu waMwari paanobuda mumba anoona boka revarwi rehondo yavaSiria anodzoka kune munhu waMwari akati , tichaitaseiko zvatakakombwa nevarwi vakawanda pedu papera asi munhu waMwari anoti kuna Mwari wake, Ishe zarurai maziso emuranda wenyu avone ipapo ipapo muranda akavona vakapoteredzwa naVatumwa varwi vasingaverengeki , munhu waMwari akati vari kwatiri vakawanda kudari vakatikomba . Padambudziko rauinaro mudikanwi ndiri kuti zano rawatapidzwa naMwari wako rakanakisa kudarika chiri kukushaiwisa hope.
Komborerwai nemashoko awa madekwana ano , Mwari vatichengete
pakurara vazotimutsa munyasha nerudo rwavo rukuru amen.