29/04/2026
Wednesday 29-04-2026
Morning Devotion
GONA KUFAMBA NAMWARI
Verse:
Amosi 3:3 – “Vanhu vaviri vangafamba pamwe chete here vasina kubvumirana?”
Shoko:
Kufamba naMwari hakusi kungotaura chete kuti “ndinotenda,” asi hupenyu hunoratidza kuwirirana naye. Mwari vanoda vanhu vanofamba navo zuva nezuva, kwete vanovashanyira chete panguva dzekunamata. Kufamba naMwari kunoreva kuteerera izwi rake, kusiya zvivi, uye kugadzirisa mafambiro ehupenyu hwako kuti afadze Mwari.
Enoki muBhaibheri anonzi “akafamba naMwari” (Genesi 5:24). Izvi zvinoreva kuti aive nehukama hwakasimba naMwari zvekuti hupenyu hwake hwese hwaienderana nezvaida Mwari. Kufamba naMwari kunoda kuzvininipisa, kutsvaga kuda kwake, uye kumutendera akutungamirire munzira dzose.
Kana usingawirirani naMwari—mumafungiro, mumaitiro, uye muzviito—hazviiti kufamba naye. Saka nhasi gadzirisa moyo wako, rega zvese zvinokupatsanura naMwari, uye sarudza kufamba naye zvizere.
Munamato:
Ishe Mwari, ndibatsirei kuti ndifambe nemi. Ndibvisei zvese zvinondiparadzanisa nemi. Ndinoda kuwirirana nemi muhupenyu hwangu hwese. Tungamirirai matanho angu zuva nezuva. Amen.
Zvakakosha Kufunga:
Kufamba naMwari kunotanga nekubvumirana naye uye kuteerera izwi rake.
PASTOR AMOS MAZIKANA
LIVING WATERS CHURCH OF CHRIST