27/04/2026
WEEK 8-9
UNDERSTANDING THE KINGDOM CULTURE AND LIVING ACCORDINGLY
Matthew 6:10: "Ʋushe bgenyu ŋgabguʋuye, kuɗa kwenyu ŋgakuitwe panyika seɀa kunoitwa kuɗeŋga."
Romans 14:17: "Nokuti ʋushe bgaMŋari haɀizi ɀokudya kana ɀokunwa, asi kururama, norugare, nomufaro muMŋeya Mutȿene."
Matthew 6:33a: "Asi taŋgai kutȿaka ʋushe bgaMŋari, nokururama kwake....."
The King, The Kingdom, And The Citizens
Key Texts:
Psalm 103:19: "Jehova wakasimbisa cigaro cake coʋushe kuɗeŋga‐ɗeŋga; Ʋushe bgake ʋunoɓata ɀinhu ɀose."
Philippians 3:20: "Nokuti nyika yeɗu iri kuɗeŋga, uko kwatakatarira kuʋuya
kwoMuponesi Ishe Jesu Kristu;"
Colossians 1:13: "ʋakatisunuŋgura pasimba rerima, ʋakatiisa muʋushe bgoMŋanakomana woruɗo rwaʋo;"
Theme Statement:
The Kingdom cannot be understood without understanding the King. Kingdom citizens must:
1. Live under His authority,
2. Reflect His nature,
3. Advance His rule.
- Humambo hahugoni kunzwisiswa pasina kunzwisisa Mambo wehumambo, kureva kuti humambo hwaMwari hahugoni kunzwisiswa kana munhu asina kunzwisisa Mwari wacho. Vagari veHumambo vanofanira kurarama pasi pesimba raMwari, vachiratidza hunhu hwake (reflect His nature), vachipfuudzira mberi kutonga kwake.
INTRODUCTION
- Pamashure apo takadzidza kuti Humambo chii Uye kuti Humambo hachisi chii (What the Kingdom is, and What the Kingdom is not)
- Takadzidza kuti Humambo hahusi chitendero, Humambo hahusi zvematongerwo enyika, Humambo hahusi upfumi hwezvinhu, Humambo kutonga kwaMwari nesimba rake (God’s rule and authority)
- Iye zvino tinoda kupfuurira mberi tichienda kwakadzama kwenyaya dzehumambo hwaMwari
- Mubvunzo mukuru unokosha hauzi wekuti unoenda kuchechi here?
- Kana kuti unonyengetera here?
- Kana kuti unotenda muna Mwari here?
- Mubvunzo mukuru unokosha ndewokuti, Ndiani ari kutonga upenyu hwako?
- Ndakataura kumashure uko kuti Humambo hwega hwega hune zvinhu zvitatu zvakakosha zvinoti Mambo, Nzvimbo yaanotonga (territory), neVagari vemuhumambo (citizens)
- Teereresa zvakanaka panapa, Vatendi vazhinji vanoda mabenefits eHumambo, Asingazviisi pasi pesimba reHumambo
- Kana muri muHumambo, Mambo ndiye anodecider, macitizens kana kuti vagari voteerera
- Muhumambo hausarudzi kuteerera, kuzviisa pasi pasi hakuitwi zvekusarudza
- Kuvimbika hakusi kwekusarudza, unomanikidzirwa kuvimbika
- Kuva nerugare muhumambo kunoenderana nekuva aligned kwako nehutongi hwaMambo
- Kubudirira kwako muHumambo kunoenderana nehukama hwako naMambo.
- Simba rako muhumambo rinobva pakuzviisa pasi kwaunoita - your submission
- Shoko ranhasi riri simple asi rinofanira kushandura hupenyu hwako
- Kana Jesu asiri Mambo wako, haugoni kuwana ruzivo rweHumambo hwake, haugoni kunakirwa nehumambo hwake
POINT 1
THE KING IS ABSOLUTE - MAMBO NDIYE WESE, ANE SIMBA RAKAZARA
- Tati isu, Humambo hahugoni kunzwisiswa pasina kunzwisisa Mambo wehumambo
- Ndokubva taverenga Psalm 103:19 yati iyo, “The Lord has established His throne in heaven, and His kingdom rules over all.”
- Shona, "Jehova wakasimbisa cigaro cake coʋushe kuɗeŋga‐ɗeŋga; Ʋushe bgake ʋunoɓata ɀinhu ɀose."
- Mwari haasi munhu ari kukwikwidza kupinda papositiion, a candidate for election, haavhoterwi
- Mwari haasi chipangamazano, an advisor, advice inogona kuteererwa kana kurambwa
- Mwari haasi mupepeti wemazano (consultant), kwatinoenda nemazano edu kuti tinonzwa kuti iye anoti kudii nekufunga kwedu, nekuronga kwedu .
- Iye ndiMambo
- Mudemocracy, muhurumende yegutsa ruzhinji, vanhu vanovhota, maonero evanhu ane basa
- Asi kana muri muHumambo hwaMwari, Shoko rake ndiro rekupedzesera
- "His Kingdom rules over all"_ "Hushe hwake hunobata pose"
- Isaiah 46:9-10 yobva yati, "Raŋgarirai ɀinhu ɀapfuʋura ɀakare; nokuti ndini Mŋari, hakunomumŋe, ndini Mŋari, hakuna‐wakafanana neni; 10 iye unoparidza kubva pakutaŋga iɀo ɀicaitika pakupedzisira, nokubva paŋguʋa yekare‐kare ɀinhu ɀicigere kuitwa, ndiciti: Ɀandakaraira ɀicamira, ndicaita ɀose ɀandinoɗa;"
“My counsel shall stand, and I will do all My pleasure.”
- Ziva zviri Mambo wehumambo
- Mwari haakakavadzani nesu kana kutaurirana nesu pamusoro pekuda kwake
- Mwari haachinji zviyero zvake kana kuti mastandards ake nekuda kwedu
- Mwari haavhoti nesu
- Vatendi vazhinji vanonetsekana nenyaya yokuti vanoda ruponeso pasina kuzvipa kwakaperera kuna Mwari
- Vanoda maropafadzo pasina kuteerera
- Vanoda nyasha pasina kuzviisa pasi paMwari
- Teereresa zvakanaka, Haugoni kukumbira Jesu kuti ave Muponesi wako asi woramba kumugamuchira saIshe wako
- Humambo hunotangira panopera kuzvitonga
- Hupenyu hwehumambo hunotanga paunosiya nyaya yekukakavadzana naMwari, you can negotiate nevanhu, kwete naMwari
- Luke 22:42, “Not my will, but Yours be done.”
"........Asi kuɗa kwaŋgu kurege kuitwa, asi kwenyu."
- Taura uti, Ishe, kuda kwenyu ndiko kwekupedzisira muupenyu hwangu
POINT 2:
THE KINGDOM BELONGS TO THE KING - HUMAMBO NDEHWAMAMBO
- Matthew 6:33, “Seek first the kingdom of God and His righteousness…”
- Sekutaura kwaMatthew 6:33, Humambo ndehwake, hahusi hwedu
- Izvi zvinoreva kuti hupenyu hahuzi hwedu, ndehwake
- Zvirongwa zvedu hazvizi zvedu, ndezvake
- Nguva yatinofunga kuti ndeyedu, haizi yedu, ndeyake
- Zviwanikwa zvatinazvo zvatinofunga kuti ndzedu, hazvisi zvedu, ndezvake
- 1 Corinthians 6:19–20 inoti, "Hamuziʋi here kuti muʋiri wenyu itembere yoMŋeya Mutȿene, uri mukati menyu, wamakapiwa naMŋari? Hamuzi ʋenyu; 20 nokuti makateŋgwa nomuteŋgo; naiɀoɀo kudzai Mŋari mumuʋiri wenyu."
- Hatizi vedu pachedu, tiri pfuma yehumambo, tiri property yehumambo
- Takafanana nevanhu vapinda chisoja kana chipurisa
- Munhu apinda chipurisa kana chisoja, haasarudzi kwekushandira
- Haana simba rekusarudza basa rekushanda, uye haasarudze nguva dzekutanga nekupedza basa
- Paakangopinda chisoja, kuva wake kwakabva kwapera, wava wehurumende
- Patakapinda muhumambo hwaMwari ndipo pakaperera kuvavedu, tava vake
- Kuva citizen yehumambo kuwanikwa paunofanira kuwanikwa nenguva yaunofanira kuwanikwa (availability)
- Kuva citizen yehumambo kuteerera Mambo wehumambo
- Kuva citizen yehumambo, kuvimbika pazvose, zvikuru nezvidiki
- Humambo haisi nzvimbo yatinopota tichishanya kwairi todzokera kwatinenge tabva
- Humambo ihurumende yatinozviisa pasi payo, togara ipapo nguva dzose
POINT 3:
KINGDOM CITIZENSHIP IS A TRANSFER OF ALLEGIANCE- KUVA CITIZEN YEHUMAMBO, KUCHINJA WEKUVIMBA NAYE, KUCHINJA PEKUZEMBERA
- Ruponeso hakuzi kungoregererwa kwezvivi chete, ruponeso kuchinja kwesimba rinokutonga
- Ruponeso kuchinja kwehurumende yauri pasi payo
- Ruponeso kuchinjwa kweidentity yako, zvawaizikanwa uri nezuro hazvisisiri izvo nhasi, sekutaura kwaPauro kuti, "Kana munhu ava munaKristu chava chisikwa chitsva, zvakare zvapfuura, tarirai zvose zvava zvitsva."
- Usati waponeswa, rima ndiro rakanga richikutonga, chivi chaitonga hupenyu hwako, nyika ndiyo yaiumba zvauri
- Asi nokuda kwekuti "Vakatinunura kuumambo hwerima vakatiendesa muumambo hwomwanakomana wavo wapamwoyo.",
- Izvi zvinoreva kuti mavalues edenga ndiwo avakukutungamira
- Mastandards edenga ndiwo ava kutonga hupenyu hwako
- Tsika dzehumambo, tsika dzedenga ndidzo dzavakukuumba
- Ambassador anogara munyika yehutorwa akamiririra nyika yake ikoko
- Isu tinogara pano panyika, takamiririra denga
- Tinogara muZimbabwe, asi tsika dzedu dzinofanira kunge dziri dzekudenga
- Hausingori church member yepaKingdom Life, uri mumiririri wehumambo hwaMwari
POINT 4:
CITIZENS MUST REFLECT THE CHARACTER OF THE KING - MACITIZENS ANOFANIRA KURATIDZA KANA KUONESA CHARACTER YAMAMBO
- Macitizens anofanira kuratidza Mambo wavo kuburikidza nemararamiro avo
- Kana Mambo wakvo ari mutsvene, vanotsvaga utsvene
- Kana Mambo wavo achipa rudo nekuratidza rudo, naivo vanoratidza nekupa rudo
- Kana Mambo wavo akarurama, naivo vanotsvaga kuruma, vanofamba mukuvimbika
- Peter anoti, “Ivai vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene.”
- Haugoni kuzviti uri mugari weHumambo, iwe uchirarama semunhu wenyika
- Jesu anoti, "Saiɀoɀo ciedza cenyu ŋgacivenekere pamberi paʋanhu, kuti ʋaʋone maɓasa enyu akanaka, ʋakudze Ƃaba ʋenyu ʋari kuɗeŋga."
- Citizen yenyika yeZimbabwe ikaita misikanzwa iri kuNamibia, Zimbabwe yese inonyara
- Ndizvo zvazviri nemuhumambo hwaMwari, pese pauri kumisbehavour, uri kunyadzisa denga
- Hupenyu hwako hunoita chimwe chezviviri izvi, huri kumiririra Mambo zvakanaka, kana kuti huri kumumiririra zvisiri izvo
- Nyika iri kuverenga Bhaibheri kuburikidza nemaitiro ako
2 Corinthians 3:2-3: "Imi pachenyu ndimi tsamba yedu, yakanyora pamwoyo yedu, inozivikanwa uye inoverengwa navanhu vose. 3 Munoonekwa kuti muri tsamba yakabva kuna Kristu, basa roushumiri hwedu, yakanyorwa, kwete neingi, asi noMweya waMwari mupenyu, kwete pamahwendefa amabwe, asi pamahwendefa emwoyo yavanhu."
- Hunhu hwako humbowo hweHumambo
POINT 5:
CITIZENS MUST ADVANCE THE KINGDOM - MACITIZENS ANOFANIRA KUFAMBISA HUMAMBO MBERI
- Jesu anoti kumacitizens ehumambo, "Endai naiɀoɀo, mudzidzise marudzi ose, muʋabapatidze muzita raƂaɓa, neroMŋanakomana, neroMŋeya Mutȿene; muʋadzidzise kuceŋgeta ɀose ɀandakakurairai imi; tarirai, ndinemi mazuʋa ose, kuȿikira pakuguma kwenyika."
- Macitizens haasi maspectators, macitizens maAmbassadors, vamiririri
- Basa rako hero...
- Influencer panzvimbo yako yebasa, panzvimbo yaunoshandira
- Shandura mhuri yako, mudzimai wako nevana, extended family yako
- Nharaunda yaunogara ngaikufeele, takura Kristu upinde naye munharaunda yose
- Hausi panzvimbo yauri netsaona
- Bhizimisi iroro ndiyo nzvimbo yako yaunotonga
- Hofisi iyoyo yekubasa kwaunoshanda ndiyo nzvimbo yako yaunotonga
- Pachikoro ichocho pauri ndiyo nzvimbo yako yaunotonga
- Mhuri iyoyo yawakaberekwa mairi ndiyo nzvimbo yako yaunotonga
- Chiedza hachichemi chemi kuti rima rawanda, chinongopenya
- Siyana nenyaya dzekuchema chema nekuda kwenzvimbo yauri, influence it, ikanganise
POINT 6:
KINGDOM BENEFITS FOLLOW KINGDOM LOYALTY - MABENEFITS EHUMAMBO ANOTEVERA VAKAVIMBIKA KUHUMAMBO
- Munyori wePisarema anoti, "Nokuti Jehova Mŋari izuʋa nenhoʋo; Jehova ucapa nyasha nokukudzwa; Hapanecinhu cakanaka caaŋganyima ʋanofamba nokururama."
- Humambo hunopa Dziviriro (Protection), zvikwanisiro zvehupenyu huno (Provision), kutungamirirwa (Guidance), nyasha (Favor), uye simba rekutonga (Authority)
- Ose aya mabenefits anotevera vari aligned nehumambo
- Semanyorerwo kuna Matthew 6:33, Tsvaga kutanga, woaligner kutanga, woteerera kutanga, zvikwanisiro zvese zvotevera
- Dambudziko harisiri pakuti Mwari havasi kuda nezvinhu, dambudziko ndere kuti hapana ari aligned, pakapotsanwa
- Ropafadzo rinoerera pane loyalty, pane kutendeka, pane kuvimbika
- Mwaka uno Mwari havasi kubvunza kuti wapinda maservice mangani, havasi kubvunza kuti unobuda misodzi yakawanda sei paworship, havasi kutsvaga kuti unoita ruzha rwakadii pakunamata, vari kubvunza kuti, "Ndiri mambo wako chaiye here?"
- Muhupenyu hwako muchine zvimwe zvikamu zviri kuramba kutonga kwaMwari, zvakaita semari yako, hukama hwako, hushamwari hwako, tsika dzako, sarudzo dzako, kuzvikudza
- Unemacompromise akavanzika muhupenyu hwako
- Teereresa zvakanaka, humambo hwaMwari hunoenderera mberi zvakanaka muhupenyu hwako kana wakaperera pakumuteerera
- Kuzvipira kushoma kunobereka authority shoma, asi nhasi, Mwari ari kudana vanhu vake kuti vadzokere pakuvimbika kwakazara kwaari
- Declare uti, Ndiri ambassador, ndakatakura authority yedenga, ndiri mumiririri waMambo
- Paunoenda nehumambo hunoendawo, paunomira chiedza chinopenya
- Paunotaura denga rinopindura
- Gamuchira assignment yako nhasi kubva kuna Mwari
CLOSING DECLARATION
- Taura shure kwangu uti Jesu ndiye Mambo wangu
- Ndiri citizen yehumambo hekudenga
- Kuda kwake kunotonga muhupenyu hwangu
- HuMwari hwake kana kuti hunhu hwake, hunoonekkwa kuburikidza nemandiri
- Humambo hwake huchafambira mberi kuburikidza neni
- Muzita raBaba, nereMwanakomana, nereMweya Mutsvene, Amen!