03/05/2020
SERMON BY PASTOR T MUSUNDA
3 May 2020
TITLE: VIMBA NAJEHOVHA
Zvirevo 3:5-8,
Jeremiah 9:23-24
---Coronavirus is a deadly disease.
--- huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi hunorovesa hana.
-- Facts about Coronavirus seems real and anotyisa
--- Munhu wese ari kungoti "PAKAIPA"
Rega ndikubatsire neshoko raMwari hama mudikanwi.
✅Proverbs 3:5 " Vimba naJehovha nemoyo wako wose, urege kusendama panjere dzako"
-- nguva yatiri hama mudikanwi inoda munhu anovimba naMwari
-- Kuvimba naMwari kunobatsira munhu kuti arege kutya.
--- kuvimba naMwari kuziva kuti handina chandingagona ndiri ndega.
--- kuvimba naMwari kugutsikana kuti naMwari uyu ndiri safe.
---depend or rely on God and Him alone.
UNGABVUNZA KUTI NDOFAMBA SEI MUNGUVA INO?
Mafambire chaiwo ari mushoko raMwari.
--- Mwari vaiziva havo nguva yakaita seino.
Proverbs 3:6 " Umutende panzira dzako dzose, agoruramisa makwara ako ose 7 Usazviti wakachenjera....."
Jeremiah 10:23 " Haiwa Jehovah, ndinoziva kuti nzira yemunhu haizi yake amene, munhu unofamba haagoni kururamisa nhano dzake"
---Whilst tichiita zvose zvinokurudzirwa pakuzvidzivirira from Coronavirus, paungada kufamba pose, ziva kuti haungagoni kururamisa tsoka dzako.
-- haungagoni kunzvenga Coronavirus
--tenda Mwari panzira dzako,
---taurira Mwari pose paungada kuenda uchikumbira nyasha dzokuchengetedzwa
--- usagumira paSocial distancing chete, pakupfeka mask chete, or kugeza maoko chete or to sanitize yourself chete,
--- after doing all these, ratidza kuti unoziva kuti kuna Mwari.
Psalms 91:11 " Nokuti iye ucharaira vatumwa vake pamusoro pako, kuti vakuchengete panzira dzako dzose"
KANA KURI KAFA HAMA DZANGU
☑️ Munhu wose akatarirwa nguva yake yekufa naMwari (Job 14:5)
--- vamwe vakatarirwa nguva ino yeCorona
-- vamwe vakatisiya munguva yeCholera
--- mumwe nemumwe ane zuva rake mudikanwi,
---mazuva emunhu akatarwa kare naMwari
--- nemafire emunhu akatarwa kare naMwari,
--mwedzi yacho yakatoverengwa kare naMwari,
--wakatotarirwa muganhu wausingakwanisi kudarika,
---So kana Mwari vakati unofa paCoronavirus era haupanzvengi.
***** kunyange uka maintainer social distancing sei, ukapfeka Mask, ugorara wega, uri mumba mune Ceiling uri muSleeping Bag, kana nguva yako yawakatarirwa naMwari yakwana uye kana Mwari vakangoti unofa neCoronavirus, unongofa nayo chete.
-- bvisa kutya hama yangu, mazuva ako okurarama ari mumaoko aMwari
*** Ingovimba naye chete.
☑️ Vamwe voti Coronavirus is targeting Old age or those with healthy issues. ( Job 21:22-26)
--- The Bible is very clear here.
-- ndiani angadzidzisa Mwari kuziva??
--- NeOld age iyoyo vimba naMwari oga kwete kuvimba mashoko evanhu.
--- kana Mwari vakangoti ndiyo nguva yako ino ungadii?
--- funga nguva yehondo, yechorera and other diseases wakararama wani, kwaiva kungwara here?
--- chii chingakutadzisa kuvimba naMwari?
Wadii wangoti "chimwe nechimwe chine nguva yacho" (Muparidzi 3:1)
VIMBA NAMWARI! VIMBA NAMWARI! VIMBA NAMWARI!