11/03/2022
DELINK YOURSELF FROM UNFRUITFUL CONNECTIONS 2
*1 Zvino Samueri akati kuna Sauro, Jehovha wakandituma kuti* *ndikuzodze, uve mambo wavanhu vake ivo vaIsiraeri; naizvozvo zvino chinzwa mashoko aJehovha.*
*2 Zvanzi naJehovha* *wehondo, `Ndakacherekedza zvakaitirwa Isiraeri navaAmareki, kuti* *vakavadzivirira panzira nguva yokubva kwavo Ijipiti.*
*3 Zvino chienda undokunda vaAmareki, uparadze chose zvose zvavanazvo,* *usavarega; asi uuraye varume navakadzi vose, navacheche navanomwa, nemombe namakwai*, *namakamera nembongoro.'*
*4 Sauro akadana vanhu,* *akavaverenga paTeraimi, vakasvika zviuru zvina* *mazana maviri zvavaifamba namakumbo, navarume vavaJudha vane zviuru zvine gumi.*
*5 Sauro akasvika paguta ravaAmareki, akavavandira pamupata*.
*6 Sauro akati kuvaKeni, Endai mubve, muburuke mubve pakati pavaAmareki, ndirege kukuparadzai pamwechete navo; nokuti imwi makava nomoyo munyoro navana vose vaIsiraeri, panguva yokubuda kwavo Ijipiti. Naizvozvo vaKeni vakabva pakati pavaAmareki.*
*7 Ipapo Sauro akaparadza vaAmareki, kubva paHavira kusvikira paShuri,* *pakatarisana neIjipiti.*
*8 Akabata Agagi, mambo* *wavaAmareki achiri* *mupenyu, akaparadza vanhu vose chose neminondo inopinza.*
*9 Asi Sauro navanhu vakarega Agagi, namakwai akaisvonaka, nedzimwe mombe, nezvimwe* *zvakakora, namakwayana, nezvose zvakanga* *zvakanaka, vakaramba kuzviparadza chose; asi zvose zvavakazvidza, zvakanga zvisina kunaka, ndizvo zvavakaparadza chose.*
*10 Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Samueri, rikati,*
*11 Ndinozvidemba zvandakagadza Sauro ave mambo, nokuti wadzoka, haachanditeveri, haana kuita sezvandakamuraira. Samueri akava neshungu, akachema kuna Jehovha usiku hwose*.
*13 Samueri akasvika kuna Sauro, Sauro akati kwaari, Jehovha ngaakuropafadze; ndaita sezvandakarairirwa naJehovha.*
*14 Samueri akati, Ko kuchema uku kwamakwai munzeve dzangu nokukuma kwemombe kwandinonzwa kunoti kudiniko?*
Saul akarairwa naJehovha wehondo kuti vaAmareki ngavaparadzwe chero nezvose zvavo pasave nechimwe chinosara,ndava Jehovha Mwari wakarangarira kudziirirwa kwaIsreal nerudzi urwu pavaive parwendo rwekupinda canani.
Saul nehondo yake vanoparadza zvavakazvidza vakaona mambo Agagi ari mupenyu vakasamuparadza , vakasaparadza *zvakakora*;vakaparadza zvawakazvidza.
Ndizvovo nesuwo takangatichirarama muhupenyu hwekutsamwirwa,tisingazive Mwari tichirarama muhupenyu hwunosemesa,Mwari vakatida vakatumira mwanakomana wavo akatifira pamuchinjikwa kuti kana tatenda kwaari toyanana navo tigova nehupenyu husingapere *Jon 3:16*
Asi aripo mangwanani ano anofunga kuti ari kufamba nababa asi ivo vakamutsamwira , hausi here mumwe vevamwe vanezvimwe zvavanoti izvi handisiye asi iwe uchiti Jeso Kristu ndinomutenda.
Ko kuchema kuri kusvika munzveve dzemusiki pamusoro pehupenyu hwako iwe uri munamati kunoti kudi Ko mambo Agagi muhupenyu hwako nezvakakora unozvidii, iwe wakanzi paradza zvose.
Ngazvizikanwe newe mangwanani ano mudikani kuti munhu kana ave chisikwa chitsva muna Kristu zvekare zvapfuura 1cori 5:17
*17 Saka kana munhu ari munaKristu, wava chisikwa chitsva, zvinhu zvakare zvapfuvura; tarirai, zvose zvava zvitsva.*
Delinik yourself from unfruitful connections, walk in the newness of life.
You are blessed
Daily talk and walk with God.
Pastor Mart