Revival Kingdom Message Ministries

Revival Kingdom Message Ministries Revival Kingdom Messages Ministries was founded in 2012 through Apostle T Mavhaza who was ordained and sent to preach the gospel of Jesus Christ in 2012

Revival is there to raise a generation of Champions freed from the Medianites(Devil) Judges 6

17/04/2023

Handei Handei tose tisangane nekuponeswa. Tinosangana neakatida. Sezvo tiine Muzodziwa mumwe chete. Kwete vanonyebera kuti tirivazodziwa. Hatina Vazodziwa vakawanda asi tonongori nemumwe chete. One and only Testator. Akagadzwa naMwari. Sezvinoreva shoko pana 1Timothy 2vs55 inoti Nokuti kunongova naMwari mumwe chete, noMureveri mumwe chete vo, pakati paMwari navanhu, ndiye munhu Kristu Jesu. Mumwe ndopaanenge achiti ndine mutumwa anouya pandiri. Kana ukasatenda kwandiri unopinda pa tight munhu wo zvake. The stakes are to High fellow brothers and Sisters.

*Mabasa 4vs10* inoti _muzive imi mose, navanhu vose vaIsraeri, *kuti nezita raJesu Kristu weNazareta*, wamakarovera pamuchinjikwa, iye wakamutswa naMwari kuvakafa, nezita iri munhu uyu umire pano pamberi penyu apora_.
*vs12* _Nokuti hakuna kuponeswa kunomumwe; *nokuti hakunerimwe zita* pasi pedenga, rakapiwa pakati pavanhu, ratingaponeswa naro_.

Hapana kana zita raBishop kana raProphet vako kana raPapa kana raSpritual father kana raPiyo kana Ginatsiyo kana raMadzibaba.

Zvaimbovambovako Kristu asati awuya. Nekuti muprista ndiye ayisienda kunoreverera vanhu panaMwari. Asi musiwa akarovererwa akati *ZVAPERA*.

17/04/2023
15/07/2022

*MANGWANANI AKANAKA*

*VHANGERI NABISHOP MAVHAZA*

*UCHADYA GURUVA*
_(Genesis 3vs14)_

_*Shoko pana Genesis 3vs14 rinoti Jehovha Mwari akati kunyoka, Zvawaita izvozvo, watukwa kupfuura mhuka dzose dzesango; uchafamba nedu­mbu rako, uchadya guruva mazuva ose oupenyu hwako*_.

Nditendereiwo ndiparidze mangwanani ano. Unyatsokuteerera. Tora nguva yako

Apo parikudzi uchadya guruva zvobva zvalanzi mazuva ako ese ehupenyu hwake so chese chakaitwa neguruva Satan Dhiyabhorosi akanzi ndechake nekuti ndo chikafu chake. Kureva kuti chese chakaitwa neGuruva Mwari vakachipa kuna satan.

Chakaitwa neGuruva ndomutumbi wenyama watiinawo uyu. Satan akatopihwa simba kuti ndochako chauchadya. Usaone vose vanoita chipfambi ndisatan anenge atotanga kugadzira chikafu chake.

Chero vanonamata *Unotonzwa pane rimwe shoko Jesu Kristu vachiti pana Mtt 10vs28 _Musatya vanovuraya muviri asi vasingagoni kuvuraya mweya, zvikuru mutye uyo unogona kuvuraya zvose mweya nomuviri muGehena_*. Kureva kuti kune anesimba pamusoro penyama asi kuzoita anesimba pamusoro penyama nemweya zvese anova Kristu.

Paul unonzwa wo achiti fambai mumweya Ipapo hamungaite kuchiva kwenyama.

*6 Nokuti kufunga kwenyama ndirwo rufu; asi kufunga kwomweya ndibwo vupenyu norugare;*

*7 nokuti kufunga kwenyama kunovengana naMwari; nokuti hakuzviisi pasi pomurairo waMwari; hakugoni vo*;

*8 zvino vari munyama havagoni kufadza Mwari.*

*9 Asi imi hamuzi munyama, asi mumweya, kana Mweya waMwari achigara zvirokwazvo mukati menyu. Nyama ( guruva ) *inovengana na Mwari Saka kana munhu* aberekwa neshoko anotsvaka izvi 👇
*VAKOROSE 3vs1 inoti Naizvozvo, kana makamutswa pamwe chete naKristu, tsvakai zviri kumusoro, uko kunaKristu, ugere kurudyi rwaMwari.*

*2 Fungai zviri kumusoro, musafunga zviri pasi.*

*3 Nokuti makafa, vupenyu bwenyu bwakavigwa pamwe chete naKristu munaMwari*.

Asi kana asina kumutswa kana kuti asina kutendeuka anofunga zvinofadza nyama yake. Chipfambi chese chinoitwa kufadza satan. Kunwa kwese nezvimw

03/04/2022

*COUNTING DOWN. 13 DAYS TO GO TO OUR SECOND CONFERENCE OF THE YEAR*. (Easter conference as some call it)

Tine shoko riripana *Mtt 6vs10 rinoti _10 Vushe bwenyu ngabwuvuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvakunoitwa kudenga_*.

Kana zvichinzi Hushe hwavo Jehovha ngahuuye kuchema kukuru kukuru kwemunhu akatsikirirwa aripasi pehumambo wasatan. Arikuti Mwari weee ndaneta nekutongwa newakaipa. Ndatambura kwenguva yakareba. Ndava muranda zvakwana. Humambo hwenyu Ishe ngahuchisvika hundidzikinure

Satan achiitwa mutongi wenyika ino achinzi he is the prince of the world. *John 14vs30* inoti _Handichazotauri zvizhinji nemi, *nokuti muchinda wenyika unovuya*_; asi haanechinhu kwandiri.

Arikunzi muchinda wenyika ino ndisatan Dhiabhorosi. Ndiye anenge achitonga hupenyu hwedu tiripanyika pano. Kana ukasadana humambo hwaMwari anova Krustu unoramba unoramba uripasi pehutongi hwasatan.

Kutadza kwese ndiye, kutambura kwese ndiye, kuchoboka, kusanzwanana mumba, kuroyiwa, kurwara kwese nezvese zvinotimanikidza ndiye.

Saka Kristu arikuti kuti usamanikidzwa iwewe, nhamo nematambudziko zvese kuti zvipere kumbirai kuti humambo hwavo Mwari husvike. Kuda kwavo kuitwe panyika pano sezvavarikuda ivo kudenga

Kana humambo hwavo Mwari hwasvika humambo hwasatan hunotiza nekusuduruka. Ndopaunoona vaitukana vakunzwanana, vaitadzira Mwari vakumugonera vaitambura nenzara vakuguta, vairwara vakuporeswa. Vainzi havaroorwi vakuroorwa. Humambo hwavo Mwari hunenge hwasvika kuda kwavo kwakuitwa panyika.

Ndirikungoti kuti rima ritize muhupenyu hwedu ngatirambei tichinamata chiedza chisvike anova Jesu Kristu

Ndirikuti ngatigadzirirei kwese kwese kwatiri tikumbire Mwari wedu kuti vatigonese tiuye kumusangano tisikoungana pamwe nevamwe tichinamata nekumutsana moyo yedu sekureva kwavo Mwari pabhuku *yavaHeburu 9vs25 inoti _tisarega kuvungana kwedu, sezvinoita vamwe, asi tirairane; zvikuru zvamunovona kuti zuva roswedera_*.

Ngatitikurudziranei tiuye kumusangano uyu kuHarare nehuzvinji hwedu.
Mt

04/03/2022

KUVIGWA KWEGONAMOMBE PART 1
1 Samuel 16vs1-2 Samuel anonzi viga gonamombe asi tora tsiru remombe. Saka vaiwona Samuel vaiwona Tsiru remombe vachiti arikunobaira kunze kwevana vaJese ndovakaona gonamombe asi nyika yese yaIsrael yakaona tsiru.
VANGANI VEDU VARIKUONESWA TSIRU KURIKUBATWA KUMESO VAMWE VACHIVHURIRWA GONAMOMBE❓❓🤣🤣

HUYAI MUNZWIRE KUSERVICE MANGWANA.

13/02/2022

*MANGWANANI AKANAKA HAMA NESHAMWARI MUNA KRISTU*

*SHOKO RAMANGWANANI NABISHOP MAVHAZA*.

*PUTSAI TEMBERE IYI INI NDICHAIMUTSA NEMAZUVA MATATU*
_(John 2vs19)_

Nyasha dzinosiyana hama. Kunyange nekuzarurirwa kweshoko kunotosiyana. Ichi ndochokwadi.

*Kunyange nepakati pevadzidzi vake vakanga vakatozarurirwa zvakasiyana. Nekuti iye Kristu ane zuva raatora vadzidzi vatatu Peter, John naJames akakwira navo mugomo vatatu ava vakanoona kubwinya kwaJesu, Moses naElijah. Zvekuti vamwe vadzidzi vachinzwa Pita, John, naJames vachiparidza nezvekubwinya kwaJesu vanoti makavaona kupi nekuti isu tirivadzidziwo semi. Vakomana vatatu ava vanoti tirivadzidzi tese hedu but isu takakwira naye pagomo*.

Saka chakakosha ndechekuti muzive kuti nyasha dzakatosiyana. Kune vakakwidzwa naKristu kuzvizaruko zvevhangeri.

*vs19 inoti Jesu akapindura, akati kwaari: Putsai tembere iyi, ini ndichaimutsa zve namazuva matatu*.
*20 Zvino vaJudha vakati: Tembere iyi yakavakwa namakore anamakumi mana namatanhatu, zvino iwe ungaimutsa namazuva matatu here?*.

Confusion yakabata MaJudha pavakanzwa mazwi aya nekuti havana kuziva tembere yairehwa. Pavakanzwa mazwi aya vakafunga yakanga yavakwa for about 46yrs nanaZerubhabel. Vakati kana zvakatora makore akawanda kuvaka tembere how come kuti iye angaivake mazuva matatu.

Saka Jesu achiuya panyika achisikopinda mudumbu maMaria kuti atore muviri wemunhu kuti azova nemuviri waayizoroverwa naye. Chiringori chidzitiro chaakasikotora kuti vasingatendi vagoramba vakabatwa kumeso vachingoti mwana waJoze muvezi mwana wacapenter uyu. Izvozvi up to this day MaJudha anoti Messiah haasati auya nekuti vakaramba kutenda mauyiro akaita.

But uchaona kuti that's why in the entire bible tisina patakambonzwa achiti kuna baba vake baba kana kuna Mai vake Mai. Whenever paayi taura nezvaamai vake aiti mukadzi (woman not mother.).

*Bhuku Luke 11vs27 Wakati areva izvozvo, mumwe mukadzi pakati pavanhu vazhinji akadanidzira, akati kwaari: Rakaropafadzwa dumbu rakakuta

16/01/2022

*MANGWANANI AKANAKA HAMA NESHAMWARI MUNA KRISTU*

*SHOKO RAMANGWANANI NABISHOP MAVHAZA*.

*PUTSAI TEMBERE IYI INI NDICHAIMUTSA NEMAZUVA MATATU*
_(John 2vs19)_

Nyasha dzinosiyana hama. Kunyange nekuzarurirwa kweshoko kunotosiyana. Ichi ndochokwadi.

Kunyange nepakati pevadzidzi vake vakanga vakatozarurirwa zvakasiyana. Nekuti iye Kristu ane zuva raatora vadzidzi vatatu Peter, John naJames akakwira navo mugomo vatatu ava vakanoona kubwinya kwaJesu, Moses naElijah. Zvekuti vamwe vadzidzi vachinzwa Pita, John, naJames vachiparidza nezvekubwinya kwaJesu vanoti makavaona kupi nekuti isu tirivadzidziwo semi. Vakomana vatatu ava vanoti tirivadzidzi tese hedu but isu takakwira naye pagomo.

Saka chakakosha ndechekuti muzive kuti nyasha dzakatosiyana. Kune vakakwidzwa naKristu kuzvizaruko zvevhangeri.

*vs19 inoti Jesu akapindura, akati kwaari: Putsai tembere iyi, ini ndichaimutsa zve namazuva matatu*.
*20 Zvino vaJudha vakati: Tembere iyi yakavakwa namakore anamakumi mana namatanhatu, zvino iwe ungaimutsa namazuva matatu here?*.

Confusion yakabata MaJudha pavakanzwa mazwi aya nekuti havana kuziva tembere yairehwa. Pavakanzwa mazwi aya vakafunga yakanga yavakwa for about 46yrs nanaZerubhabel. Vakati kana zvakatora makore akawanda kuvaka tembere how come kuti iye angaivake mazuva matatu.

Saka Jesu achiuya panyika achisikopinda mudumbu maMaria kuti atore muviri wemunhu kuti azova nemuviri waayizoroverwa naye. Chiringori chidzitiro chaakasikotora kuti vasingatendi vagoramba vakabatwa kumeso vachingoti mwana waJoze muvezi mwana wacapenter uyu. Izvozvi up to this day MaJudha anoti Messiah haasati auya nekuti vakaramba kutenda mauyiro akaita.

But uchaona kuti that's why in the entire bible tisina patakambonzwa achiti kuna baba vake baba kana kuna Mai vake Mai. Whenever paayi taura namai vake aiti mukadzi (woman not mother.).

*Bhuku Luke 11vs27 Wakati areva izvozvo, mumwe mukadzi pakati pavanhu vazhinji akadanidzira, akati kwaari: Rakaropafadzwa dumbu rakakutakura,

Address

Belvedere

Website

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when Revival Kingdom Message Ministries posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Share