28/07/2024
Good morning family of ZION
https://whatsapp.com/channel/0029Vady0ocEAKW7IGyhgJ0q
Zvinofadzasei kana hama dzichigara pamwechete nerugare.
Uchigara neveropa rako kunyange varivavengi vako but iwe uchivada hako.
Kungovada kwaunoita kunoita Mwari vafare ...chakaita uzvarwe murudzi rwumwechete navo ndicho chaicho chinozofadza Mwari kana ukaonekwa iwe uchida hama yeropa rako.
Vamwe rudo tinarwo chaizvo but tinoruwanzira kunevasiri veropa redu ...tinoruwanzira kumabhururu ,tinoruwanzira kunevatinonamata navo ,tinoruwanzira kunevanotidavo but shoko rinoti ida wekwako sekuda kwaunozviita iwe pachako.
Kana uchingoda avo vanokuda saka kutenda nerudo rwako rwave pasina.
Handina kuti veropa rako vakanaka kwete even bible rinototi👇🏼
MATEO 10 : 36 - navavengi vomunhu vachava veimba yake.
Kana naMwari vanotozviziva kuti your enerms vachave veimba yekwako vachave veropa rako Mwari izvozvo vanozviziva chaizvo but ivo Mwari zvekare vanoti kuti ndifare ini Mwari kuona iwewe uchida ivavo vanokutambudza kuona iwewe uchida ivavo vanokuvenga ivavo vakugadzirira gomba rekuti ufe.
Saka pano nhau haisi yakajairika yekuti unofanira kuda vanokuda kwete ...iye Mwari haatodi vanoimba song yaNicolas Zakaria iya yekuti IDA ANOKUDA ASINGAKUDE SIYANA NAYE ...Mwari havatode mhando yevanhu vanoda anovada. RUKA 6 : 32 - Kana muchingoda vo vanokudai, munokuvongwa kwakadiniko? Nokuti navatadzi vo vanoda vanovada.
Mwari votoita mubvunxo kuti kana mada vanokudai saka munemugove weiko navo.Kana wada anokuda meaning wangofanana neuyo anovenga saka mese mave vana vewakaipa. Usarega mwana wasisi vako achidzingwa chikoro nekushaya fees iwe uchiti handiwirirane nasisi ivavo nekuti vakandipumha uroi. Usarega mubereki wako achifamba nenyatera uchiti ndakafamba ndikanzwa kuti mubereki wangu ndiye anondisairira mhepo dzekuti nditambure.Usarega mai vako vachisakara nekupfeka teneti ivo vasina nhumbu but ichiyove iyo hembe yega yavainayo ...nekuda kwekuti mukadzi wako akauya neruvengo rwake akatanga kuti amai vako vanoroya vana vangu.Rega kuvenga mukoma.wako nekuda kwemwana wako uyo akatsiurwa neshamhu nababamukuru vake akavatsamwira akagadxira nhema dzekuti bamukuru vaida kundibata chibharo.Vadikanwi idai vavengi venyu ..ropafadzai vanokutambudzai ..munamatire avo vanotora zvikwereti kwamuri vasingadi kudzora.Dzidzai pamuonde ..regai kutsauswa nemunhu shoko raMwari rinoti👇🏼
RUKA 6 : 35 - Asi idai vavengi venyu, muvaitire, zvakanaka. Mupe chikwerete musingavori moyo; mubairo wenyu uchava mukuru, mugova vanakomana voWokumusoro-soro; nokuti iye unomoyo munyoro kunavasingavongi navakaipa.
Mwari wenyasha dzose ngaakuitirei xvakanaka
Avo vanoti ini kuregerera kurikundinetsa ndinonzwa ukasha hwakawanda please inbox me ndinoda tibatsirane uye tigonamata nenhau yakadai uchaona kubata kwaMwari wemasimba ose
Ivai nesvondo yakaropafadzwa..
https://whatsapp.com/channel/0029Vady0ocEAKW7IGyhgJ0q
Chinua styles
0788347989