05/01/2022
12:00 hrs - Gumi nembiri - Kristu/ Manuwero.
Gumi nembiri, tosangana naiye murumbwana Jesu Kristu.
Tinonamata muteuro murefu tichinamatira mweya yedu k*ti iwane zororo kana tichinge tafa. Tokumbira tigone kushongwa nehunyoro murwendo rwekunamata. Tokumbira tsinga yaYeso itandire muropa redu, k*ti ropa redu rigare nekuera mazuwa ose risasurutswa nerima.
MaVerse acho :
* Hossana hossana Jesu ndiye mambo.
* Kuti manuwere zvinorevei.
* Humambo hwemwana waMaria takahutakura.
* Baba Manuwere nyika inenhamo ..... nyika inorema .... toiteyi .... tirivana vako baba Manuwere
15:00 hrs - Nhatu zuva rodoka - MaChinda eHondo : erija, moses, maikoro ....
Nguva 3pm ndeyemachinda iyo tinochema kuvanzwa kuHONDO dzese dzerima dzingasimuka dzingada k*titadzisa kunamata, nekugara zvakanaka nekuda kukonesa mweya yedu k*ti izotambudzika mazuva eperero, nerima ringapfeka muchitendero chedu chaimo k*ti dzizorodzwe.
MaVerse eHondo :
* Joshua napeter
* Jeshua mambo huyayi nemuchinjiko
* Moses karira satan
* Huya uwone Jeremia
* Nhai Eria kuchema kwangu ndinyaradzewo
* Ndirikunzwa mutsindo waErija .... Aleluyah ndirikunzwa k*taura kwaErija ... ndirikunzwa mabasa aErija
* Iwe hande - iwe hande hehuuhuu x 3 Iwe hande Cannan
* Pauro weDamasco Peter weGarariya
* Huya Danyere huya Danyere huya uturure Danyere
06:00 hrs & 18:00 hrs - Nhanhatu (kusen nemanheru) - Zuva roda kubuda ratsvuka, ndopotosangana neharahwa yedenga Abraham.
Mangwanani panhanhatu, matura azere kuna baba Abrahama, ndiko tinopemha makore akawanda ekunamata, tinamate tibare rudzi panyika tigere muchitendero ichi, kukomborerwa kune zvatinoshava tiropafadzwe mukuswera kwese kwatichaita tichitsvaga zvinotiraramisa muzuva iroro.
MaVerse ekukumbirira kukomborerwa nepfuma:
* Aburama anotandara nevapfugmi.
* Kusangana kwevatsvene voga ... kusanga kwevatsvene ....
09:00 hrs & 21:00 hrs - Pfumbamwe (kuseni nemanheru) - Gabreni.
Pfumbamwe - mangwanani nemanheru.
Tinopemha/ tochemera/ tokumbira menje, k*tungamirwa kwe minamato yatinoteura, tsanaguro dzinesvitsa kuropa redu, mweya wedu utungamirwe muzuva rekufa kusvika tawana humambo. Pfumbanwe husiku ndizvozvo zvimwechete.
MaVerse emwenje.
* Gabrieri tipe mwenje;
* Mwenje mukuru tivhenekere;
* Gaburona tipe mwenje wekufamba nawo pasi pane rima;
* Baba manuwere tipe mwenje;
* Gabrieri ndivo mwenje;
03:00 hrs - Nhatu kunze rungwanani - Amai Mariya namai Ruzabheta.
Ndinoona panhatu yemamba kwedza pakamira Mai Maria na Mai Ruzabheta nedzimwe ngiroz zhinji - tinochemera tsitsi (ndiyo nguva yakaenda mai Maria kumbwiro wakaona mwanakomana amuka abuda). Uye mwaka we nhatu wakareba.
MaVerse etsitsi.
* Tsitsi dzamaria;
* Tinokumbira tsitsi kuna mai maria;
* Amai maria magadarina;
O4:00 hrs - 05:00 hrs dzekuseni - Mashambanzou - kunguva yemashamba nzou, inguva inonzi inoburuka mirongondo yengirozi dzinemabasa akasiyana siyana dzichidzika panyika. Tinosangana nengirozi dzose dziri padare dzichinamata. Kana takatadzira ngirozi tinokumbira kuregererwa apa. Vanochema - dzimba, hupenyu husina kuswatuka, k*tambudzwa nemashavi ne hurombwa, vanochemera mbereko, vanoda kuberekwa mumbereko yehupenyu, ndonguwa yamunonzi mukai munamate. Kana machinda edenga anenge aripo, Tsitsi dzedenga dzinenge dziripo, vabati vebasa wanenge waripo pamwe nevaera wekudenga wanenge waripo.
Ndosekudzidzwawo kwandakaitwawo.