07/02/2022
Basa reva Sondosi -
-----------------------------------
Rufaro Rufaro Rufaro Areruya !!! Chekutanga ndinokukwazisai Vatendi ndichiti makadii nemutsa wenzwi , rakadii rababa Johane .Basa revaSondosi rakamira seizvi .Vasondosi ndivo mapurisa kana Kuti ziso resangano .Ndivo vanoona Kuti zvinodiwa kushandiswa paSowe zviripo ere kana Kuti Zvakakwana ere sokuchera mvura ,mbiya dzinoshandiswa paSowe ,huni dzokutisa Zoto dziripo ere , nhombo dzemuteuro dzakakwana ere .Ndivo vanoratidza vaenzi panzvimbo yokuteurira (panobatirwa Ndaza) pamwe nokuvanhongedzera kunezvimbuzi zvokuzvibatsira pamwe nokunosiiwa mabags ,somuenzaniso kwana madzimai nekwana madzibaba .Vana madzibaba vanokururira apa Vana madzimai vanokururira uko .Ndivo zvakare vanodzidzisa mapositori zvinodyiwa nezvisingadyiwi (Miko nemirawu ) Ndivo vavhuri vemasowe . Vasondosi ndivo zvakare vanodaidzira nguva yokubata ndaza papfumbamwe .Basa revaSondosi iguru nokuti hutsanana rwose rwunoiswa ndivo mumarenje edu .Ndivo zvakare vanekodzero yekukokorodza mapositori Kuti handei tindonamata. kana kumasowe kusinganamatiki ndivo zvakare vanoudza sangano Kuti hakuiti Kuti mapositori andoungana achinamata nezvakati nezvakati .VaSondosi vanomira sema safety and health officers tigere kumasowe tichinamata.kana vanhu vakakuvarira kumasowe kana kusangana nezvakaipa ndivo vanoshoorwa sezvo variivo ziso resangano .Ndivo vanoongorora Kuti Kuti apana vanopinda nezvinoremadza ere kana Kuti zvisingatenderwi Semuenzaniso pfuti ,mapanga kana ripi zvaro turusi .Ndivo vanoudza vaenzi Kuti pano atipindi takapfeka shangu ,mutoti ,suit kana kusunga tie .VaSondosi ndivo zvakare vanoturikira vanzwi vengoni apo ngoni dzinenge dzadzika pamwe nekuturikira vaparidzi vachiparidza .Vandosi ndivo vanotumwa nemanzwi pakati pemasangano ezviziviso zvokuti mapositori aungane .chavo kutakura mashoko vachindomasvitsa kwaanofanira sema messangers.Zvose zvinodiwa kuitwa paSowe ndivo vasondosi vanozvironga ( hutsanana rwose) .Ndingangoti iri ndiro Basa re