KBG Ministry

KBG Ministry Contact information, map and directions, contact form, opening hours, services, ratings, photos, videos and announcements from KBG Ministry, Religious organisation, 4 Page Street Booysen Park, Mdolomba.

22/05/2025

21 Nyika inodedera nokuda kwezvinhu zvitatu; Uye nokuda kwezvina zvaisingadi kuona;

22 Nokuda kwomuranda kana achizova mambo; Nokuda kwebenzi, kana raguta zvokudya;

23 Nokuda kwomukadzi arambwa, kana azowanikwa; Uye mushandiri, kana azova mugari wenhaka yatenzi wake.

'ZVIREVO 30:21-22-23'

Theme:
Nyika ine Zvaisingadi

Prayer point
Dzidzisai meso angu k*tarisa kwamuri kwete kunyika.

Ndinonzwa kuridzokorora shoko iri.Kuitira asina kusangana naro achisangana naro.Asina kurinzwisisa achiri nzwisisa.

Nyika haina k*tongofanana naMwari.Nyika inyika Mwari ndiMwari.Nyika ine zvainofarira kuona pauri nezvaisingadi. NaMwari vanazvowo zvavanofadzwa kuona pauri nezvavasidi kuona.

Asi takatadzira Mwari kakawanda kwazvo nekuda kwek*ti nyika inozoti kudii.

Mai nemwana vakati haa iyi mimba ngatibvise hedu nek*ti nechigaro chandinacho muchechi nyika inozoti kudii tikakanganwa k*ti Mwari vanozoti kudii.

Imwe itoxic marriage kana k*ti relationship iri kugarirwa vanhu.Kuti nyika inozoti kudii.Vamwe ndokuroora nekuroorwa nevataisada nekuda approval kubva kunyika.

Takarega mamwe mabasa tikarega kubatsira vamwe vanhu k*tya mashoko enyika.Asi
nhasi ndadzidza k*ti nyika yacho yandinoda kufadza haifadziki nek*ti haindishuviri zvakanaka.

Zvanzi nyika haidi kuona muranda achizova mambo.,Zvaunoita zviya uchivakumbira, uchivakwereta .
Vachimbokuudza mashoko vachikudadira ndozvavanoda. Zvekuda kuzozvimiririra izvo nyika haidi.

Ndosaka uchiona Salary isingakwani havakupi unokwana nek*ti ungazobva pahuranda.Vanoda uvashandire upenyu hwese.

Kwavari uri muranda haufanirwi kuzova mambo.Chero ukarota hope iwe Joseph vangatok*tengesa kwete k*ti varege hope dzichizadziswa.

Chero ukada kuzova mutungamiri Moses vanakomana vese vanotouraiwa iwe unozoponera mutsanga.

Vaiziva k*ti Jesu vachazova lshe vemadzishe vakati vana komana vese ngavaurayiwe.

Nyika inodedera haidi kuona murombo achizova mambo
So be careful.

Nyika inoti kana warambwa chiita h**e upepereke nenyika uchizvara vana vane mitupo yakasiyana izvi zvek*ti ungazoroorwazve ukachata ukagara mumba nyika haidi.

Nyika haidi kuona akarambwa achiwanikwa izvozvo hazviko kwavo.

Kana uri mushandi hauna mugove panhaka yavatenzi vako nyika ndizvo zvainoziva.Izvi zve k*ti unozogara nhaka nyika haidi.

Nyika haidi kuona positive change pahupenyu kwako saka be careful.

Iwe ndopaunoti kaprogress kadiki diki watotaura.Kungopihwa mapromise watotaura.Dai Mwari ambobata imwe miromo sezvavakaita pana Zakariah zvimwe tingakunda.

Nyika haidi kuona benzi richiguta.Kwavari uri benzi saka haufaniri kuguta.

Nyika haidi kuona chirikadzi ichiyarutsa vana.Vagobudirira vakatarisa havadi.Kana watofirwa unofanirwa kusiririsa uchivagwadama ivo nekunzwisa tsitsi kumadhona. Zvaana Docas kwavo hazviko.Zvek*ti Esther anoitwa hosi hakuna .Kwavari hazviiti k*ti Ruth awanikwe naBoars.

Asi maonere evanhu haasiwo aMwari Mudictionary raMwari mvana inoroorwa ikagarika.

Pameso aMwari Moses is suitable nekukakama ikoko.Mumeso Mwari Joseph qualifies zvedzaakambopindana nadzo zvimwe izvo.

Shoko rinoti hakuchina kupomerwa mhosva kweavo vave munaKristu saka Rahabi chipfeve akatoponesa dzidza rose.

Ibasa raJehovha kuropafadza zvakazvidzika k*ti vanozviiti vangwaru vazive k*ti mapenzi.

Usaisire munhu muganhu panopera waini Jesu vanochinja mvura ikanaka kudarika waini.

Usabvuma kupenderwa nevanhu.Panguva iyo Sarah anga asinga chateveri,lsaac ndopaanozvarwa.
Panguva iyo Naomi anoti handingachavi nemwana angakuroora Ruth Boars ndopanobudikira.

Nyika ine zvaisingadi asi Mwari ndozvavanoda. Ungashupika k*ti wakavatadzirei.Wakatadza nekuda kuzowanikwa shamwari iwe wakamborambwa.

Wakakonana navo pakuda kuzoguta iwe uri benzi pameso avo.Une.mhosha shaa wakazvifambisa sei k*ti uzova mambo iwe waimbova muranda.

Ndinochema nguva iyo ndakatadzira Mwari ndichizama kufadza nyika nyika yacho ikasangofara.

Ndinochema makore akapedzwa namupedza chose ndichiti nyika inozoti kudii.

Iko zvino meso angu ngaatarise kunaJehovha kwete kunyika.Nek*ti nyika zvainoda pa ndiri hazvisizvo zviinnoda Mwari.

In Jesus name Amen πŸ™πŸ§ŽπŸ»β€β™€οΈ

17/05/2025

42 Asi ndakanga ndichiziva k*ti munosindinzwa nguva dzose; asi ndakazvireva nokuda kwavazhinji vakandikomba, k*ti vatende k*ti makandituma.

43 Wakati areva izvozvo, akadanidzira nenzwi guru, akati: Razaro, buda!

44 Wakanga afa akabuda, akapombwa makumbo namavoko nemicheka yobwiro, nechiso chake chakapombwa nomucheka, Jesu akati kwavari: Mumusunungurei, aende.

'JOHANI 11:42-43-44'

Theme:
Kwete nekuda kwangu asi nekuda kwevazhinji vakandikomba

Prayer point:
Ishe ndinzwei ,kwete nekuda kwangu asi nekuda kwevazhinji vakandikomba k*ti vatende k*ti makandituma

Ndaverengesa nhau yaRazaro asi nhasi handina kana basa naye ndine basa neni ,newe nevazhinji vakandikomba.

Jesu anozwisisa ukama hwavo ivo naMwari. Vanonzwisisa ukama hwavo ivo naRazaro.Asi izvozvo zvose hazvina kuita dambudziko kwavari zvakanyanya.
Dambudziko ravo rakava revanhu vazhinji vanga vakavakomberedza.

Hama dziya dzinozoti akangofirwa wani asi ainamata. Vaya vanozoti ndakavati ngatimbofamba vakaramba.
Nemanamatire ake aya inga haana mwana wani.lllll haaa imba yake yakangofa wani necounseling yaanopa vamwe iya.Ko zvakafamba sei k*ti basa rake ripere nekuvimbika kwese kuya.

Vanawo mav11 epawakaramba kumira panzira dzavo vadadi nevatadzi. Vanotoziva nemaoppotunitiies akakudarika nek*ti waizama kufadza Mwari.

Mharidzo dzewakaparidza dziya vakadzichengeta.
Kwete k*ti vatendeuke aiwa.Kuitira pauchazodonha vazokuyeuchidza k*ti zvamaimbotizve paya.

Jesu aziva izvozvo anoti.lni baba handina kana problem ndinozviziya k*ti munosindinzwa Kunyangwe nazvino munondinzwa.

Even Lazarus nehanzvadzi dzake vanga vasina kana pressure nek*ti ndakambova nemukana wekuvadzidzisa vakadzidza k*ti rufu mutemo wenyu.

Asi paita dambudziko raDadirai naJosy vari pano ava.Ava vakamirira k*ti zvino chinu chemafuta chaidhura chiya zvachisina akazorangarira. Zvavaitizve tisu takasiya mabasa erima tikatevera Jesu.Heeede ko iyeRazaro zvaakasiya. shamwari dzake dzemabasa erima hushamwari hwake naJesu hwakamubatsirei.

Nekuda kweivavo vanoda kuzoti sometimes kunamata kwacho hakushandi. Mapofu akaoneswa.
Zvirema zvikafamba vaisatonamata vakamutswa asi Razaro shamwari yavo vakangomuchema vakamusiya.

Nekuda kweivavo Razaro chimuka.Ndiri k*taura wonhasi nenzwi guru k*ti aiwazve nekuda kwevanhu vazhinji vakandikomberedza zvakafa zvangu ngazvichitomuka.

Hongu zvainga zvakanyorwa k*ti ndichafa ndiri rombe asi nekuda kweavo vandakaparidzira k*ti sirivha nendarama ndezvenyu. Hurombe huya ngahuchitopera. Nek*ti pandinovakumbira vanonditaura. Vanoti zvaakamboti sirivha nendarama ndezvaMwari wake ko sei achikwereta,seiko uchikumbira nemhaka yeiko achinzwisa tsitsi kudai.Kwete nekuda kwangu asi nekuda kweivavo upenyu hwangu ngahuchitochinja.

Hongu murwere uyu aifanira kufa .Asi nek*ti ndasvika nepo ndikanamata vachinzwa .Ndikati nema vanga aJesu Kristu takaponeswa. Ngaachitopona nezita raJesu.Kuitira ivava vakanditarisa.

Hongu mwana aisafanirwa kubatwa asi nek*ti ndakambovaparidzira ndikati for with God nothing is impossible.Mwana ngaatobatwq nezita raJesu.

Hongu hondo yaisava yangu iyi.Ndaifanirwa kukundikana.Asi baba kune vakamirira paya pandakambodzidziaa k*ti hakuna chombo chinogadzirirwa ini chingakunda.
Ndakambovadzidzisa vanhu ava k*ti imi Mwari hamuna nhorondo yekukundikana. Nekuda kwavo ngandichikunda.

Ndini David chombo chandinacho nezvandiri hazvingamboenzaniswi naGoliath asika pane zita randataura k*ti ndiri kuuya naro.Ngandichitokunda kuitira ndione madzokero.Kune madzikoma akambonditi ndine manyawi vakamirira kuzoti takambozvitaura. Nekuda kwavo ngandichitokunda ndapota.

Ndakavanzwa vachiti Mwari waAbraham. Nek*ti vane nhorondo yenyu imi Mwari pahupenyu hwake saka ngazvivewo nekwandiri.

Ndakavanzwa vachiti Mwari walsaac naJacob nek*ti vane nhoroondo yekubata kwenyu imi Mwari pahupenyu hwake.

Nemhaka yei vasingati Mwari waJudas iscariot, Nek*ti akakundikana. Hapana akamboti Mwari waAkani nek*ti akakundika na.Hapana akazomboti Mwari waMethuzela nek*ti akangove makore mazhinji asina humbowo hwekubata kwenyu muhupenyu hwake.

Ndinoda k*ti vana Razaro vangu vachitomuka kuitira vaya.Vandakaparidzira vakatendeuka vatende k*ti makandituma.Imi Mwari hamuoneki nameso asi munooneka nekubata kwenyu.Bataika muhupenyu hwangu vatende ava k*ti makandituma.x

Vana vangu vane zvakashaya ndichivaudza k*ti Mwari havatitenderi kuzviwana nemutowo iwoyu.Kwandakaroorwa ndakatadza kuwirirana nevamwe ndaramba kupinda mucyndicate yavo nek*ti ndakatya imi.Kubasa havatauri neni nekuda kwedeal riya randakaramba. Zvino uyu Razaro zvaafa mukaramba munyerere vanozotenda sei k*ti makandituma.

Umbowo hwangu huchasimbisa anga odo kuwa Mwari ndidairei.Chero pavanga voti zvave kunhuwa Mwari chinjai situation vanhu vatende ava k*ti makandituma.

Ndinodisa kuvaratidza k*ti tinopa sei asi manje makandisungira pfuma vangatenda sei k*ti makandituma.

Ndinodisa kuvadzidzisa k*ti kunemi hakuna chinoramba.Manje kana ndoramba ndonamatira matambudziko asingapfuuri vangatenda sei.

Vasina vana ingovapai. Vanorwara ngavaporeswe.
Vanotsvaga mabasa ngaawanikwe.
Vanochema ngavangonyaradzika.Kana vana venyu vanamata.Kwete nekuda kwedu asi nekuda kweavo vazhinji vakatikomba k*ti vatende k*ti makatituma.

Situation iyi ngaichichinja nezita RaJesu.Kwete nekuda kwangu asi nekuda kweavo vazhinji vakandikomba

In Jesus name Amen πŸ™

17/05/2025

*THEME :TOUCH ME NOW LORD*

*SCRIPTURE :MATTHEW 8:15*

Mazvita henyu Jehova nekuda kweshoko ramatisarudzira ngarisvike kuvana venyu rinesimba rirape vanorwara uye vakaruk*tika vagopuwa simba uye shoko renyu makarisvinurira k*ti muri zadzikise lsaya 55vs 11 yoti shoko rangu haringadzokeri kwandiri asi richazadzikisa zvandarituma Mwari chizadzikisai muupenyu rwedu vanotenda mariri vagoponeswa shoko irori

Jeso vakabata upenyu rwako mangwanani ano zvakanaka zvinouya zvisakakwana zvichisuduruka chingotaura k*ti Jehova ndibatei muupenyu rwangu nok*ti shoko raJehova rondidzidzisa k*ti chanza chavo hachina kupfupikiswa saka kwauri ikoko denga ngarimbokubatavo

Nhasi denga ngarikubate ndava urwere rwako rwave nemakore asi denga rikangobata nhasi unoswera wasimuka paruchanja nok*ti wabatwa nemuridzi weupenyu ,nhasi nyaya ndeya Jesu vawatendera k*ti vakubate kwete kubatwa nevaporofitan'anga venyika ino asi denga rimbokubata ndava denga rakakubata rinobva ratokusunungura nok*ti Mwari wedu haasi munhu havangasanduki uye zvavakataura vanozadzikisa Numbers 23 vs19 Jehova ndibatei musina nhoroondo

Svika pauri kudenha denga nemunamato chemera denga nekuda kweupenyu rwako ndava yaZakaria6,7 inoti hazviitwi nehondo nesimba asi nemweya wangu 7Ndiwe aniko gomo guru pamberi paZerubhabheri uchaitwa bani kana pane munhu anoti akatarisa situation yake arikuona akaita makomo nemaziso enyama asi nhasi shoko rauya sechiporofita k*ti Jeso ndibatei mukangobat dambudziko randakatarisana naro nhasi ndinoswera ndave kunyora charpter yenyasha muupenyu rwangu nok*ti shoko rinoti k*tenda kunotangwa nemunzwa Zakaria 4 vs 6-7 INZWAI KUVERENGWA KWE SHOKO RAMWARI NEKUTI RINOGARA NOKUSINGAPERI

17/05/2025

*THEME :SIMBA UTSUNGE NOKUTI PANE KUSIMUDZWA KUKURU KUCHAITIKA*

*SCRIPTURE :JOSHUA 1 VS 1-11*

Manheru ano yandauya nayo hama yangu inyaya yaJoshua tose tonomuziva murume uyu k*ti waiva mwana waNun muranda waMoses zvinonzi ne shoko raMwari Moses arimunzira kuenda Canaan anofa asati asvika to the promised land semaonero angu ndoona sekunge ma Israelites anobatwa nek*tya k*ti zvino Moses zvaafa haaa tak*topararira murenje mune asi inzwa unzwe Mwari ndo pavari kusimudza Joshua vanoti kwaari hona muranda wangu afa chisika iwe uchitungamirira vanhu vangu muyambuke River Jordan

Kuita kwaMwari kunoshamisa ndatombo zvibvunza ndichiverenga nyaya k*ti nhai Mwari ko zvomosimudza Joshua muranda waMoses k*ti atungamire ko iye Moses haana here vanin'ina kana vehukama vamungapa hutungamiri pane kupa muranda hutungamiri hama yangu chandaona Mwari vanoropafadza wavanoda kunyange hama dzaMoses dzaivapo vakasarudza mushandi vakamupa hutungamiri ndo pavanoraira kwaari Joshua k*ti chisimuka nevanhu vangu ichivatungamirira vapinde munyika yechipikirwa

Esthers inzwa nhau yangu pairi nhasi Mwari pavatungamidza Joshua vanomuraira k*ti vanomupa pese paafamba netsoka dzake God will extend his territory zvoreva izvo k*ti pawatsika watotora pane pandiitira zvakanaka pavati hakuna achamira panzira dzako nok*ti handizombokusiya uriwega zvoreva izvo Esthers nyaya iripano Mwari kana vokupa maropafadzo chavanoita kukuchengeta He protects you, vakuprotector vokupa kupa simba nohushingi k*ti kana hushingi hwavapo vokuudza k*ti usatya kukudzikamisa ndava kune vamwe vanoti kana varopafadzwa vanopaparika kuita dzungu nawo maropafadzo zvawakambenge usina ukazovanazvo unotadza kugadzikana

Ndoona k*ti pavai prepare Joshua vakanga vatoona k*ti vasarirwa nemazuva mashoma ekupinda to the promise land k*ti anyatsova in a right position to possess the land kana Mwari vakuda kukupa maropafadzo He prepares you ndiwe hako hama ndik*ti usatya usavhundutswa be strong and courageous vanhu ve Israel pavaiva na Moses murenje vachiona Joshua vaiona muranda vamwe vaiona mufudza mombe vamwe ndovaitoonao garden boy asi Mwari vaiona mutungamiri manheru ano Esthers zviudze k*ti pawatsika watora pauri kushanda ipapo ngavakuone uri house keeper uri tea girl zvako asi Mwari vari k*ti uripauri ipapo be strong and courageous , do not be afraid do not be discouraged nezvauri ipapo varegedze vak*tarisire pasi chavasinga zive Mwari vane zvakakugadzirira INZWAI KUVERENGWA KWE SHOKO RAMWARI NEKUTI RINOGARA NOKUSINGAPERI

17/05/2025

*THEME :NZIRA YECHOKWADI NEUPENYU HUSINGAPERI*

*SCRIPTURE JOHN 14VS6*.

Tingataure nekuparidza nezve vhangeri
reminana nemakomborero, asika ngati rege
kukanganwa chinangwa or kwazvino nongedzera
k*ti kuruponeso. Zvinopaita vamwe vakunamata
mablessings instead of the Blesser.

Vak*toona
mablessings seanounza salvation muhupenyu
hwavo. Kutodekara palay bye vachikanganwa
k*ti tiri parwendo rwekuenda kumusha kuna
Baba Mwari nemwanakona Jesu uko ari
k*tigadzirira dzimba dzakanaka dzekug iniara,
uye zve agare kurudyi kwaBaba Mwari
vachitonga. Isu parwendo urwu rwepanyika tina
Mweya Mutsvene anotinyaradza nek*ti
simbaradza pazvinombooma paye. Mweya
Mutsvene ndiye anoti kundisa pasimba rechivi.
Hama yangu, ndovavariro yedu vatendi kuenda
kudenga kunonzi neShoko kune kufara
nemhururu chete. Unogona k*tadza kuenjoyer

God"s will pano panyika as it is in heaven but
rega ndikuudze k*ti kudenga kuna Mwari uku,
hakuna nhamo, hakuna hurwere nek***adziwa,
hakuna h**ema. There is no presence of sin. Or unogona kunge waka komborerwa nehupfumi
pano panyika but rega ndikuudze k*ti
kachidimu chete kwezvaka kumirira kudenga.
Hapana imwe nzira inokusvitsa kuna Mwari
kunze kwenyasha nek*tenda muna Jesu Kristu.
Hati poneswe nemabasa.

Jesu Kristu akazvitaura
izvi paakati, "I am the way and the truth and
the life. No one comes to the Father except
through me"John 14vs6. Kuenda kudenga
hakuna short-cut or back door. And
mukurarama umu, mune chokwadi chimwe chete
and chino sunungura, ndiJesu chete. Jesu ndiye
hupenyu hwakazara.

Peter anozvi tsigira izvi
paanoti, "Salvation is found in no one else, for
there is no one other name under heaven given
to mankind by which we must be saved"Acts
4vs12. Hakuna zita riri powerful and exclusive
rinopfuura raJesu rinounza ruponeso runogara
nekusingaperi. Jesu inumber one. His name is
Sovereign. Daidzira kwariri for salvation in
whatever area of your life. I am not ashamed to
preach and live through this gospel of salvation INZWAI KUVERENGWA KWE SHOKO RAMWARI NEKUTI RINOGARA NOKUSINGAPERI

17/05/2025

19 Akarurama anamatambudziko mazhinji; Asi Jehovha anomurwira abude paari ose.

'MAPISAREMA 34:19'

Theme:
With our God victory is certain.

Prayer point:
πŸ™πŸ§ŽπŸ»β€β™€οΈNdinoda moyo unotsungirira munguva yematambudziko

Ndinonzwa kuramba ndichidzokorora verse iyi inondisimbisa kwazvo. Ndinoda isimbisewo umwe munhu.

Kubuda mumatambudziko ose with God victory is certain. Asi nhau iri pak*ti unobuda asi wambopinda. Mwari vakajoina 3 boys dziya mumoto vana Shadreck. Hove yakamedzera Jona mumvura. Shumba dzakazorega kudya Daniel asi arimo mugomba macho. Razaro kuzomutswa kunga atombofa. We celebrate Job akazodzorerwa zvese asi akanga ambotorerwa. Saka kuwirwa nematambudziko hazvirevi k*ti Mwari vatisiya. Ngatikumbirei courage yekupindamo kana vatendera . Tavemo tomirira victory nek*ti Vakati tinobuda panematambudziko oseπŸ™πŸ§ŽπŸ»β€β™€οΈ

17/05/2025

Ramba Gundamusairira

Pane vamwe vanhu vane nharo dzandinoda ini. Shungu dzangu,,,,wese achaverenga mharidzo iyi ngaapiwe nharo dzemhando iyoyo,,,,,,,dzakanakisa. Muchinda ainzi Mordekai akaramba kukotamira Hamani. Hamani aiti kana achidarika vanhu vokotama to show respect but iye anoti munhu umwe anoitirwa izvi ndiMwari kwete vana Hamani kana mumwe mupenyu anofamba. (Esther 3). Vamwe vose vachikotama, Hamani akati nyangwe zvikanzi zvapinda mufashion ini Kwete handiitiri mumwe munhu asiri Mwari izvozvo. Dzinodiwa mhani nharo idzi.
Nyaya yaShadreck, Misheck naAbednigo usaikanganwa hama yangu (Daniel 3). Manje idzo shasha dzakatosvika pakukandwa mugomba remoto varamba kupfugamira chifananidzo (idol) chamambo Nebukadnezari. Vamwe vose vachipfugama shasha dzairamba dzichiita zvimwe. Ndati nharo idzo neniwo ndinodzida ini, dzine denga mberi.
Munomboziva here iro GUNDAMUSAIRIRA raparadzanisa vanhu naMwari wavo. Hatina bible rinotikurudzira kuona vanofamba vasina kupfeka mushe but pakanzi kwaita Carnival mamwe mafundisi vakatomhanyidzanawo kundoona vasina kusimira. Kkkkkkk kwanzi 'ko veBrazil vadarika here? Ko vasikana veSwaziland?'. Kwese kurikuda kuona vasina kusimira zvakanaka. Waona here GUNDAMUSAIRIRA coz zvabvumirwa nenyika,,,,,,ko bible? Zvimwe hamuriverengi,,,,,,ko iye Mwari achiti murikuonei?
Ndati chero zvikanzi zviri mufashion but zvibvunze k*ti Mwari anoti chii? Handisati ndamboona anopinda muchurch neka mini kana zviya zvibhurukwa zvidiki diki zvirikufarirwa mazuvano kana skin jean riya rinotengwa rakabvarurwa nechekare. Kwanzi its not decent. Saka kana zvisingaiti muimba yaMwari unozvipfekerei? Watya kunzi hauzivi fashion? Hauzivi here k*ti muviri wako itemberi yaJehovha. Nyika ichiti murume asina smallhouse akadyiswa,,,,,iwe fara uti,,,,,,Ndakadyiswa naJesu handiiti upombwe. MuKristu ndati nharo dzakaitwa nanaModekai ini ndodzida ini. Hameno iwe?

17/05/2025

THEME URI MWANA WAMWARI IWEWE

SCRIPTURE :JOHN 1:5-12-13-14

Zvinongofadzawoso kunzi mwana waMwari. Zvichibva nemabasa ako akanaka aunoita. Nok*ti semaKristu tiri tsamba dzinoverengwa mufunge. Isu tese takamugamuchira wakatipa simba. Vadikani simba iri ngarisave pasina. Tinoiwana nguva yekunamata here. Tinoiwana nguva yek*taura Shoko ravo here. Kosimba rekuporesa varwere tinaro here.

Korekunamatira madhimoni achienda tinaro here.
Mashoko edu atotaura ngaatendeutse vari murima, vasati vaziva kunaka kwaMwari. Nok*t takapiwa simba rekuita zvese Jesu Chiedza chedu chinovhenekera pese. Saka isuwo tiri vana vechiedza. Wese anofamba Muchiedza haarasiki kana kuwira mugomba nek*ti anenge achiona pek*tsika.

Mumabasa umu ukada kuba. Unobva wafunga k*ti shoko rakati usaba. Ukaona vanokonana wo svika woyananisa, nok*t unozviva k*ti kwakanzi
Vakaropafadzwa vanoyananisa nok*ti vachanzi vana vaMwari.
Kana wapinda padambudziko uchichema. Wofunga k*ti kwakanzi
Vakaropafadzwa vanochema nek*ti vachanyaradzwa Saka ngatiraramei muShoko ndiri bedzi rotisimbisa nek*ti vhenekera muhupenyu hwedu INZWAI KUVERENGWA KWE SHOKO RAMWARI NEKUTI RINOGARA NOKUSINGAPERI

26/12/2024
26/12/2024

THEME :BVISA NHEMA*

*PROVERBS:4:23-27*

Makamboona here k*ti pamiviri yedu, zvinhu zvidiki ndizvo honzeri
Zvinotikurumurira zvakawanda tikasazvingwarira Hanzi chengeta moyo wako kudarika zvese, zvingade kurindwa. Nok*t ndimo mune chitubu chehupenyu nhaimi. Mumwe akazoimba k*ti moyo wangu ndiyo mhandu. Nok*ti ukangoera waita zvaunenge wada. Zvikuru sei zvakaipa unenge watozviparira
Chiziva k*ti uchagara uri wekungotya kuonekwa or kubatwa

Hanzi bisa nhema dzemuromo
Mumwe haatogoni kupedza zuva asina kudzi taura mufunge
Unonzwa oti paye ndavavhara
Usingazivi k*ti iwewo wazvivhara mukusarurama. Uye ziva k*t nhema hadzigari nekusingaperi. Ungadzitaure nhasi, asi gore rouya nenguva dzino unenge watodzikoshiwa zvachosesa
Asi chokwadi chogara nekusingaperi vadikani.

Pataurwa nyaya ye meso k*ti anofanirwa kucontrolewa, asatisvitse muk*tadza. SaDavid akazosvika mukuchiva mukadzi waUria. Dai Mwari vati gonera vatipawo meso mweya taona zvemweya

Hanzi netsoka dzedu futi dzoda kufambiswa mugwara rakanaka
Nok*ti tikafamba muzvakaipa tinorasika. Tozodembazve tapinda mumatambudziko. Rangarirai mwanakomana akarasika. Kuti akatendera k*tongwa nemoyo, meso, muromo netsoka dzake zvese
Moyo wake wakachiva pfuma yababa vavo. Kusvika pakukumbira zvaizove nhaka yake kana bba vavo vafa. Nhaka inokumbirwa munhu achiri mupenyu wo here. Meso ake akamuonesa mafaro emunyika. Tsoka ndokumutungamirirako. Kwaakazosvika pakupedzisira atambura. Zvekusvika kurangarira kudzokera kuna baba. Kokumbira ruregerero

Manheru ano Funga pawakatadzira Mwari napo ukumbire ruregerero, vsnokunzwa. Zvese zvigofamba nerugare rwavo. Nok*t tsitsi dzavo mizhinji, dzinoitirwa isu INZWAI KUVERENGWA KWE SHOKO RAMWARI NEKUTI RINOGARA NOKUSINGAPERI

22/12/2024

15 Meso aJehovha anotarira vakarurama, Uye nzeve dzake dzinonzwa kuchema kwavo.

19 Akarurama anamatambudziko mazhinji; Asi Jehovha anomurwira abude paari ose.

'MAPISAREMA 34:15-19

Theme:
Kururama mematambudziko

Prayer point πŸ™πŸ§ŽπŸ»β€β™€οΈ
Ndisimbisei Mwari munguva yek*tambudzika.

Pane nhau mbiri dzandinoda kusimudza pano.Nhau yekururama neye k*tambudzika.

Verse yek*tanga iri k*taura k*ti meso aJehovha anotarira vakarurama. Uye nzeve dzaJehovha dzinonzwa kuchema kwevakarurama.

Aaah ndakafarira apa ndikati yaaa saka ndikarurama ndapinda machena.Ndichatongooneiko nek*ti Jehovha vanenge vakanditarisa. Chose chanetsa kungochema kuna Jehovha zvaringana.

Ndazoti ndadzikanayo chapter ndapera simba neverse yave k*ti akarurama ane matambudziko mazhinji.

😊lni seizve handiti Mwari vanonga vakanditarisa uye ndikachema ndinonzikwa saka matambudziko mazhinji anondivinga seiko.

Mukunopera kweverse mandibatsira zvakanyanya zvanzi asi Jehovha vanomurwira pane ose.

Zvandipa muono wek*ti kururama hakumisi matambudziko kundiwira.Handina advantage imwe yandinayo kunze kwevictory.

Kureva any problem inogona kundiwirawo asi zvinozonosiyana pakukunda apa.

Zvandifungisa discovery yandakaita.I discovered k*ti hakuna nyika yevakarurama vega.Hakuna zvipatara,zvikoro zvitoro kana migwagwa yevakarurama vega.Tinorarama takangosangana.Mudumbu munozvarwa muporofita munogona kuzvarwa mbavha kana mhondi.

Kureva we are exposed to same economic hardships.Same problems same challenges difference iri pavictory.

Kare ndaiti kunzwa k*ti munhu waMwari musingle toti iiii.Kunzwa k*ti afirwa ndoti aaaa.kunzwa k*ti arwara aadmitwa .Munhu waMwari afirwa arwarirwa.Kwandiri zvaisamaker Sense nek*ti ndaiti seizve ivo vari vanhu vaMwari.

Asi ndakazodzidziswa k*ti same route same process nevasinganamati difference iri pavictory.

Musiyano uri pak*ti asina kururama ari vulnerable haana kwekumangara . Haana lawyer asi akarurama ane anomurwira asi matambudziko anosanganawo nawo..

Ndafunga Abraham . Although aive shamwari yaMwari aitombonetsana naLot.Sarah naHagar vaitombonetsana.Akatononokawo kuita mwana.

Ndatarisa David aitombochivawo vana Bathsheba.Besides beiing the chosen one aitoposhwa nemapfumo nana Sauro.Akamboraramira kuexile mukomana uyu.Akatomboparadzirwa Ziglag.Muchaziva gore riya raakapona rufu nek*tonyepera kuita sebenzi.

Even Jesu kristu upenyu hwavakararama hapana angahuda .Zvainga zvakaoma.

Vana Shadreck hatichatauri.Vana Daniel vana Samson.Joseph and others.Matambudziko vaitosangana nawo.Vana Pauro vamwe vaitouraiwa vana Stephene.Modekai akararamira pasuwo rezambara.Naume akadzimara akati musandiita Naume ndiitei Mara nekuda kwematambudziko.

Akarurama ane matambudziko mazhinji bvunzai Job.Even Nowa musatamba nekuvaka areka wega.Ugaremo almost Two months wodzoka uchitangira pazero.

Ndafunga k*ti pamwe pacho Mwari vanotirwira asi tichitombo runner loss.Fungai Job k*ti akazotangira pazero.Fungai Nowa k*ti after murove akatangira papi.Iye Abraham kumbofamba serombe .koJoseph nzira yake kupfuura nemutirongo.

Pamwe pacho tinoona sezvatoita worse izvo ndonzira yacho tiri kudarika nepagun gwa dzvuku.

Neimwe nguva Mwari vanotanga vauraya mwana weupombwe vachida kuuzounza Solomonm.

Neimwe nguva vanoorega Moses achirerwa naPharo kuiti kana ave kudealer naye ange achimuziva.

Neimwe nguva. Mwari vanorega Samson achigerwa musoro k*ti. azouraya vaFiristiyaa vakawanda varivara..

Nhamo yaita yedu nhasi kunzi vaka areka ndoti ndega here vamwe vagere dzokei murowe woparadza neniwo.

Kunzi enda kunorerwa ndiFaro umudzidze umuzive.Ndoti haa kana ndingatoite street kid kwak*tofawo nevakomana venguva yangu

Kunzi buda muhama ndikuropafadze.
Ndoti iii kusiya musha wangu.Iwoyu musha wemapango here vakomana.

Kungourayirwa mwana weupombwe handichamiriri Solomon ndototamba yangu.

Mwari havana kuchinja isu vatendi ndisu tachinjwa hatichina mweya wek*tsungirira.
Kungonzwa k*ti hwai dzese dzapera Job wanhasi anenge atotuka Mwari.

Kungoita Two months asina mwana sarah naHana wanhasi vanenge vatopumhuka.

Kungotengeswa nevakoma.Joseph wanhasi anenge atocheka hukama.

Mwari haana kumbochinja asi vatendi vanhasi ndivo vachinja.Ivo vakuru ivava ndivo vanotanga k*ti eeee kunamata tinonamata asi zvode kumbofamba.
Muchifamba muchiendepiko . Ahaziya naSauro vakafira dzekufamba idzi

Kungoti garei asina mwana, vatanga roora hako Hagar.Isaac unosara ouya taita maths dzedu.

Zvek*ti k***a ndekwaMwari ndezvechokwadi tichikurukura asi kana tarwiswa back to sender ndooption yedu.

Ndinoda k*tsungirira k*ti Mwari vandirwire mumatambudziko ose.Zvanzi ose asi mutendi wanhasi unoita kupaurira Mwari k*ti Izvi haangazvigoni.

Chero kukafiwa.Munhoroondo zviriko neimwe nguva vanaStephene vaiurayiwa kwete nek*ti Mwari vanga vasisiko. VanaPauro vaibviswa maziso kwete nek*ti Mwari vaisaveko.

Vatendi vazvino mumoto hatipindi chaiko tingatoita mabhindauko ese mumoto hatipindi. Hatiendi nepagu ngwa dzvuku bodo k*ti mabridge hakuna here.

Hatibudi musodom vanotadzira Mwari vacho ndivo vangatobuda.

Ndinoda simba rek*tsungirira munguva yematambudziko.

Akarurama ane matambudziko mazhinji asi Mwari vanomurwira pane ose.

In Jesus name Amen πŸ™πŸ§ŽπŸ»β€β™€οΈ

10/12/2024

nokuda kwezvinhu zvitatu; Uye nokuda kwezvina zvaisingadi kuona;

22 Nokuda kwomuranda kana achizova mambo; Nokuda kwebenzi, kana raguta zvokudya;

23 Nokuda kwomukadzi arambwa, kana azowanikwa; Uye mushandiri, kana azova mugari wenhaka yatenzi wake.

'ZVIREVO 30:21-22-23'

Theme:
Nyika ine Zvaisingadi

Prayer point
Dzidzisai meso angu k*tarisa kwamuri kwete kunyika.

Ndinonzwa kuridzokorora shoko iri.Kuitira asina kusangana naro achisangana naro.Asina kurinzwisisa achiri nzwisisa.

Nyika haina k*tongofanana naMwari.Nyika inyika Mwari ndiMwari.Nyika ine zvainofarira kuona pauri nezvaisingadi. NaMwari vanazvowo zvavanofadzwa kuona pauri nezvavasidi kuona.

Asi takatadzira Mwari kakawanda kwazvo nekuda kwek*ti nyika inozoti kudii.

Mai nemwana vakati haa iyi mimba ngatibvise hedu nek*ti nechigaro chandinacho muchechi nyika inozoti kudii tikakanganwa k*ti Mwari vanozoti kudii.

Imwe itoxic marriage kana k*ti relationship iri kugarirwa vanhu.Kuti nyika inozoti kudii.Vamwe ndokuroora nekuroorwa nevataisada nekuda approval kubva kunyika.

Takarega mamwe mabasa tikarega kubatsira vamwe vanhu k*tya mashoko enyika.Asi
nhasi ndadzidza k*ti nyika yacho yandinoda kufadza haifadziki nek*ti haindishuviri zvakanaka.

Zvanzi nyika haidi kuona muranda achizova mambo.,Zvaunoita zviya uchivakumbira, uchivakwereta .
Vachimbokuudza mashoko vachikudadira ndozvavanoda. Zvekuda kuzozvimiririra izvo nyika haidi.

Ndosaka uchiona Salary isingakwani havakupi unokwana nek*ti ungazobva pahuranda.Vanoda uvashandire upenyu hwese.

Kwavari uri muranda haufanirwi kuzova mambo.Chero ukarota hope iwe Joseph vangatok*tengesa kwete k*ti varege hope dzichizadziswa.

Chero ukada kuzova mutungamiri Moses vanakomana vese vanotouraiwa iwe unozoponera mutsanga.

Vaiziva k*ti Jesu vachazova lshe vemadzishe vakati vana komana vese ngavaurayiwe.

Nyika inodedera haidi kuona murombo achizova mambo
So be careful.

Nyika inoti kana warambwa chiita h**e upepereke nenyika uchizvara vana vane mitupo yakasiyana izvi zvek*ti ungazoroorwazve ukachata ukagara mumba nyika haidi.

Nyika haidi kuona akarambwa achiwanikwa izvozvo hazviko kwavo.

Kana uri mushandi hauna mugove panhaka yavatenzi vako nyika ndizvo zvainoziva.Izvi zve k*ti unozogara nhaka nyika haidi.

Nyika haidi kuona positive change pahupenyu kwako saka be careful.

Iwe ndopaunoti kaprogress kadiki diki watotaura.Kungopihwa mapromise watotaura.Dai Mwari ambobata imwe miromo sezvavakaita pana Zakariah zvimwe tingakunda.

Nyika haidi kuona benzi richiguta.Kwavari uri benzi saka haufaniri kuguta.

Nyika haidi kuona chirikadzi ichiyarutsa vana.Vagobudirira vakatarisa havadi.Kana watofirwa unofanirwa kusiririsa uchivagwadama ivo nekunzwisa tsitsi kumadhona. Zvaana Docas kwavo hazviko.Zvek*ti Esther anoitwa hosi hakuna .Kwavari hazviiti k*ti Ruth awanikwe naBoars.

Asi maonere evanhu haasiwo aMwari Mudictionary raMwari mvana inoroorwa ikagarika.

Pameso aMwari Moses is suitable nekukakama ikoko.Mumeso Mwari Joseph qualifies zvedzaakambopindana nadzo zvimwe izvo.

Shoko rinoti hakuchina kupomerwa mhosva kweavo vave munaKristu saka Rahabi chipfeve akatoponesa dzidza rose.

Ibasa raJehovha kuropafadza zvakazvidzika k*ti vanozviiti vangwaru vazive k*ti mapenzi.

Usaisire munhu muganhu panopera waini Jesu vanochinja mvura ikanaka kudarika waini.

Usabvuma kupenderwa nevanhu.Panguva iyo Sarah anga asinga chateveri,lsaac ndopaanozvarwa.
Panguva iyo Naomi anoti handingachavi nemwana angakuroora Ruth Boars ndopanobudikira.

Nyika ine zvaisingadi asi Mwari ndozvavanoda. Ungashupika k*ti wakavatadzirei.Wakatadza nekuda kuzowanikwa shamwari iwe wakamborambwa.

Wakakonana navo pakuda kuzoguta iwe uri benzi pameso avo.Une.mhosha shaa wakazvifambisa sei k*ti uzova mambo iwe waimbova muranda.

Ndinochema nguva iyo ndakatadzira Mwari ndichizama kufadza nyika nyika yacho ikasangofara.

Ndinochema makore akapedzwa namupedza chose ndichiti nyika inozoti kudii.

Iko zvino meso angu ngaatarise kunaJehovha kwete kunyika.Nek*ti nyika zvainoda pa ndiri hazvisizvo zviinnoda Mwari.

In Jesus name Amen

Address

4 Page Street Booysen Park
Mdolomba

Telephone

+27693901401

Website

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when KBG Ministry posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Share