02/09/2026
ANE BHORA NDIYE ANOMAKWA
Acts 28vs1-6
Paul pachiwi (island) Merita, akarumwa nenyoka vachidziya zvavo moto. Nyaya yandinoda zvangu kubata nhasi kurwumwa kwaiye Paul wacho. Iwe ndoda unzwisise nyaya iyi kubva ipapa,,,,,,. Pachishona pane tsumo inoti, n'anga haizvirapi'. Kkkkkk idzi in'anga vakomana zvechokwadi hadzizvirapi. Zvino kana nyoka yoruma iye Paul wacho isu tavimba kuti kana kukarumwa imwe munhu Paul achazomurapa manje worapwa nani?
Haaaaaah iwe mhani nzwisisa,,,,,ko iyo nyoka yakazomhanyira iye Paul wacho ko vamwe zvadii? Muzvione,,,,paitova nevatadzi but yakamhanyira kune Paul wacho. However, against all odds Paul anorarama zvake uye haana chaakaona, vanhu vakabvuma zvavo kuti anesimba raMwari.
Tine vazhinji vava kupera simba pakunamata. 2 years achinamatira marriage hapana chambobuda. Nzenza dzemhuri ndidzo dziri kutochata zvadzo. Vakomana vembanje ndivo varikutokwatura zvavo chikoro iwe kungoda kuverenga dzungu. Aaaaaah yaaaah mako mumunda ndimo munodyiwa nearmy worm muroyi achikohwa zvake. Ndiwe unosangana nemaaccidents zvidhakwa zvisingazivi musiwo wechurch zvichifamba nzendo zvakangonaka.
Iwe nzwisisa mhani nyaya iyi kunonzi ane bhora ndiye anomakwa. Satan haaneyi nevatadzi,,,,anovatambudzirei zvake. You are a living testimony of you family saka ndiwe wakamakwa zvako. Ko aneyi nemarriage yasisi vekumaavenues? Anoda kumaka yako iwe sisi vekuchurch. Ko aneyi zvake neproduction yasekuru vekugadzira mheni,,,,,,,kkkk vanotodzigadzira zvavo dzichibuda mushe mushe,,,,,but kwako uku ndiko kwakamakwa. Shingirira zvako. You are a living testimony. Wakamirira zvako kuzopupura simba raMwari satan ashaya door newe. Amen.