20/06/2026
Vahebheru 3:12 Hama dzangu, chenjerai kuti mukati momumwe wenyu murege kuva nomoyo wakashata usingatendi, mutsauke muchibva kunaMwari mupenyu.
Hama dzangu, ndinoda Kuti munzwisise, chinhu Ichi . Kuti pasina kutenda mukati medu, hapana kunamata, Mwari saka kune avo Vose vanoti isu. Tinonamata Mwari vanofanira kurambira pakutenda. Misi yose, uye vazvichenjerere mazviva ose Kuti varegedze, kufurirwa nezvinhu zvinofadza, kana zvinonaiidza zvenyika Kuti vabve pakutenda, nokuti abva pakutenda anenge abva Pana Mwari mupenyu.
Saka kutenda ndicho chinhu chinotibatanidza, naMwari uye ndicho chinhu choga chingaita Kuti tifadze iye Mwari, sezvinoreva rumwe rugwaro Pana,( Vahebheru 11:6
Kana kusina kutenda hazvibviri kumufadza; nokuti unovuya kunaMwari, unofanira kutenda kuti iye uripo, vuye kuti unopa vanomutsvaka mubairo wavo..
Saka hakusi kubvisa Offering mukerere kungafadza Mwari, kana kutsanya kuzhinji kungafadza Mwari, kana kumuimbira kwazvo kungafadza Mwari, kana kumuparidza hakungamufadzi, kana munhu asina kutenda zvose izvo, hazvina maturo uye hazvingafadzi Mwari, ASI kutenda kwemoyo yedu ndiko kunomufadza, saka ndinoti Itai zvose izvo Asi muine kutenda nokuti vasina kutenda mavari vanogumbutsa Mwari, saka mukasava nokutenda matova vavengi vaMwari. .
Saka regai kutya ndinoda Kuti muzive kwazvo Uyo wamunonamata, Kuti wakavimbika saka haanyadzisi uye, muiti wexvaakavimbisa, sezvinoreva rugwaro Pana ( Vahebheru 10:23
Ngatichengete kwazvo kupupura kwetariro yedu, kuti irege kuzununguka; nokuti iye, wakapikira, wakatendeka;
Uye neshoko ravo IVo Mwari munofanira kuritenda, musinganyunyuti nokuti zvose zvakanyorwa mariri izvokwadi, uye zivai Kuti hapana chenhema chingabve pazvokwadi. Sezvinoreva rumwe rugwaro Pana ( 1 Johani 2:21
Handina kukunyorerai ndichiti hamuzivi zvokwadi, asi nokuti munoiziva, vuye nokuti hakunenhema dzingabva pazvokwadi.
Amen.
Apostle T Murire
page:The Truth Of God's Word Ministries.
Be Blessed