02/02/2021
*02/02/21*
*Morning Manna* 🍞
*Welcome to The Everlasting Gospel with Pastor Bhubhu*_[F. Madzanira_]
*Theme* : *God's Final Call*
*Topic* _Jeshrum wakora ukakanganwa Jehovah_
Mangwanani akanaka vana va Mwari. Mwari ngavarumbidzwe nek*tipa mumwe mukana wekuverengwa pakati pevapenyu. Munamato wangu k*ti dey gore ravo masikati ne shongwe yemoto manheru zvive pamusoro pedu nguva dzose. Mwari wenyasha akuitirei zvakanaka. Regay tipindewo munyaya yedu yanhasi.
*Scripture reading*
*Dhuteronomi 32:15*
_Asi Jeshuruni wakazokora, ndokupfura, Iwe wakakora, wakava mukobvu, ukava namafuta, Zvino iye akarasha Mwari wakamuita, Akazvidza d***o rakamuchengeta_
Shoko ra Mwari rati iro asi Jeshruni wakazokora ndokupfuura, iwe wakakora, wakava mukobvu, ukava namafuta , zvino iye akarasha Mwari wakamuita, Akazvidza d***o rakamuchengeta. Mwari akomborere kuveregwa kwe shoko ravo Ameeen.
*Ndiani anonzi Jeshruni??* Anonzi Jeshruni apa ndi Israel -*Deutoronomio 33:5: 33:26*
Jeshrun is Hebrew word means the Upright one that is Israel.
Israel yaka chengetwa na Mwari murenje, pasina kurwara, vakanzvengeswa kunyoka dzinoruma dzemurenje, bhutsu dzavaipfeka dzakanga dzisingadambuki, uye dzaikura nok*ti vakaita 40 years murenje saka vakange vasingachinje bhutsu nehembe zvaikuririra pamuviri wavo zvichienderana negumbo dzisingashinyi, Mwari vaka provider miracles vachiyambuka red Sea, vakadya chingwa chavatumwa -[Psalms 78:25] , but zvakadaro vakarasha Mwari, vakazvidza d***o rakava chengeta,.
Israel yakora kuita mafuta, ikakanganwa Jevoha, (ndiyo Jeshruni).Rega nditaure ne Israel yanhasi tarira zvawakaitigwa na Jehovah nhasi uno wamuramba.
Ndik*taura newe musikana newe mukomana mazuva awaida kunyora bvunzo waiuya kuprayer band uchinamatira dai Mwari akakupasisa bvunzo Mwari vakakuhwa, nhasi uno wapasa, hauchadi kunzwa nezvekunamata, wakoraka Jeshrun waita manda wakanganwa musiki wako. Ndikureva imi mhai mainamatira mwana zuva nezuva muchitsanya Mwari vakakuhwai but nhasi uno maku nyenyeredza kereke , church hamuchaendi, wakora Jeshrun wakanganwa Mwari,, nhayi Baba zvamakange mofa ne Covid iyi Mwari akakupai hupenyu, nhasi uno munoswera murikubhawa kana Bible hamubati, matokanganwa kare chazuro nehope, wakora Jeshrun warasha musiki wako akakuita. Musi uya uchi driver wakapotsa wava ne accident but Mwari wakakunzvengesa but unoramba uchikanganwa musiki wakakuita, wakora Jeshrun. Waitambura iwe Mwari akakusumudza, wairwara iwe Mwari akakuporesa, waiva wofa iwe Mwari akakupa hupenyu, waivawasungwa usina mhosva Mweya mutsvene akakusunungura, Ikozvino covid ik*tenderera imba yako, Mwari vachikudzivirira but wakanganwa musiki wako, dzoka kuna Mwari Jeshruni, hupenyu hwako hwuri mumaoko Mwari, without iye you are nothing, Tenda musiki wako, Rumbidza wakakusika, shumira musiki wako, dada nemusiki wako, shandiramusiki wako , ukadaro uchakuchengeta. Mwari ngakukomborere udzokere musiki wako.
Amen_ 🙇🏽♂️🙇🏽♂️🙇🏽♀️🙇🏽♂️🙇🏽♀️🙇🏽♀️🙇🏽♂️
For prayer requests kindly contact
*Pastor Bhubhu*
🪀 *+263774396443*
📞📲
*+263773 231326*