12/07/2024
Mangwanani madzimai nemadzibaba: Muzinda waMwari unevatumwa vehondo nevatumwa vetsitsi zvino kana uchitenda vatumwa vehondo chirega kushoora vatumwa vetsitsi. Kana uchitenda vatumwa vetsitsi chirega kushoora vatumwa vehondo nekuti vose vanobva kuna Mwari. Ngatinamate Mwari nekurapa nyika tisingarwisane kana kushoorana. Chinamato chemasowe hachina kutangira ku Africa chakatangira mhiri yegungwa mwanakomana watinonamata ndiye akambonamatwa mhiri yegungwa ipapo ndinoda kudzokorora nekuti chauraya masowe inhau yekuda kusiyanisa chinamato chemhiri nechinamato cheku Africa, izwi redu harina kubvira raramba kunamata nevarungu, vanhu ndivo vanoshandura zvinhu izwi parakati ndauya kunyika yevanhu vatema rakanga risingatauri ganda dema chairo, mweya mutsvene wakanga uchitaura vanhu vezvivi nekuti zvivi ndizvo bedzi zvitema, parakati ndakatumwa kuvanhu vebvudzi pfupi raisataura bvudzi chairo asi paitaurwa moyo mupfupi nekuti hakuna munhu anoita bvudzi pfupi nekuti bvudzi rinoreba zvakafanana, izwi kana richitaura rinotaura madimikira anofanira kuzodzidziswa vanhu. Nyaya yekunamata tinofanira kuziva kuti munhu wese ndewa Mwari anemvumo yekunamata Mwari hazvina mhosva kuti muchena kana musope kana mu karadhi panyika pano hakuna munhu mutema hakuna munhu we black Saka mweya mutsvene paunotaura munhu mutema unenge uchitaura munhu wechivi, ndiye akanzi ndauya kuzoparidzira kuti atendeuke nekuti vanhu vese ku Africa vakanga varivatema mumoyo nekuti vainamata midzimu vachibika madoro vachimutsa vanhu vakafa vachiisa pamombe nembudzi . Nhau yekunamata iyi yakaoma inodakudzamisa pfungwa ndosaka muchiona kuti mweya mutsvene kumasowe wakarambidza vanhu kuverenga bible nechikonzero chekuti vanhu vakanga vasati vaverengwa sevapostori nanhasi havasati vaverengwa sevapostori vachirikuverengwa sevashandirirwi chero pavanoungana unonzwa vachingotaura mazita engirozi nenhorowondo yaJohane havambotauri nhau yaJesu nekuti vachiri varapwa vatumwa nevaporofiti vakasvika pakufa vasati vaisa vanhu kuna Jesu Saka nanhasi vachirikuverengwa sevarapwa vekumasowe Saka vanhu ngavazive kuti kumasowe kwakazara vashandirwi, kumasowe havasati vatendeuka ndosaka muchiona kuti nharo nekuvengana hazviperi nekuti kwakawanda vashandirwi. Mutumwa Johane akati apedza basa raakatumwa akataurira vanhu kuti chiuyai tinamate Mwari takabata bible , vanhu vakaramba vakati Johane arasika nekuti vakanga vasingazive dimikira remweya, izwi redu harina kubvira ravenga bible nekuti bible ishoko raMwari kana iye Mwanakomana waMwari akariverenga bible. chokwadi chandinoda kutaura madzibaba nemadzimai ndechekuti kumasowe kwakawanda vashandirwi chete hakuna vapostori, kwakazara vashandirwi, kana muchirambirana neni ndinoda kuti mundiudzewo kumasowe ndiyani arikubata vanhu pamusoro? chechipiri ndinoda munditsanangurire kuti ndiyani anetsvimbo yeJorodhani kana aripo akapihwa nani simba racho uye kupi? kunamata kumasowe kunorema nekuti hakunamatwi Mwari munoswera muchirumbidza ngirozi bedzi hapana panotaurwa nhau dzaJesu Kristu vanoda Johane kudarika Jesu . Kumasowe yangova wapusa wapusa, vanhu varikutungana sembudzi busy kuvengana negodo anenge anzwa mweya vanhu vanoshorana havagoni kubatana busy kuita politics dzekusvibisana mazita. Ndinonzwa tsitsi hama dzangu kumberi zvichanyadzisa kudarika zvazviri nhasi. Dai kumasowe kune vapostori vaifanira kuziva kuti kumasowe hakuparidzwi mazita evatumwa nevaporofiti asi kunoparidzwa Mwanakomana waMwari Jesu Kristu muridzi wedenga nenyika, izvo zvekuparidza vatumwa nevaporofita zvinoitwa nevanhu vasina kutendeuka ndizvo zvapa kuti kumasowe muswera muchirwisana kuti ndiri wapauro mumwe achiti ndiri waJohane mumwe achiti ndiri wa peter zvinoitwa nevashandirwi kwete neva postori chaivo. nzwisisai kuti vatumwa vese vakauya kuzoisa vanhu kunaMwari kwete kumazita avo, ndosaka makaona kuti vakarambidza kuti mabasa avo anyorwe pasi nekuti raingova basa renguva pfupi zvechina nechishanu waiva mutsanyo yekurumurwa kumadzinza bedzi asi zvaifanira kuzochinja asi nekuti makajaira nharo nenoise nanhasi muchingori ipapo izvezvi nguwo chena yavakuitiswa maskits ndizvo zvinotaura kuti kumasowe hakuchina mweya kwazara mahumbwe, zvese zvekunamatira musango muchitsva nezuva nekunaiwa nemvura nekusadya nyama zuva rechina musina kufuka magumbezi zvakapfuura wakanga urimutsanyo wenguva yaivakwa miteuro yekubvisa vanhu kumashavi kana vabatwa musoro voiswa Kuna Jesu vopihwa bible vonamata sevana vehumambo kwete sevaranda. kuzivisisa kwevanhu ndokwauraya chinamato Johane makamuramba . Moses makamuramba . Abraham makamuramba. Kanengoni Micho makamuramba nekuti akauya samudavanhu achidya nevahedhemi mukati akarasika zvinomuchatenda ani? Moses naEria vakauya kare kutaura kuno vakabata bible imi semapofu murikuti takamirira Moses naEria kkkkkk zvinopisa tsitsi, Saka wamuchatenda ndiyaniko izvezvi tarisai muone kuti kumasowe kwangozara botso chairo busy kurwisana nekutukana Madzibaba neMadzimai tsvakai mweya chaiwo musaporofite negodo neruvengo bvunzai mweya kana muchiri nawo asi semaziviro angu kumasowe hakuchina mweya wenzira kwasara mweya yeKurapa nyama kwete mweya. regai tsika yekuti mukaona akapfeka mucheka mutema moti akarasika mukaona akapfeka mucheka mutsvuku moti akarasika vanhu havaruramiswe nemucheka asi vanoruramiswa nerudo rwaMwari rwaakapa nyika kuburikidza neMwanakomana wake Jesu Kristu. zvigure zvinoshandisa micheka michena wani Saka toramba mucheka michena here kumasowe? vanhu havana kunzwisisa mweya mutsvene pawakati pfekai nguwo chena bedzi kuti zvairevei ? nguwo chena ndiwo moyo muchena wainzi vanhu kuti vadavirwe minamato yavo vanofanira kunamata vakapfeka nguwo chena paitaurwa moyo kwete jira re $2 ramunorwirana harina kana basa. tirimunguva inoda kubatana nekubvunzurudza mweya kwete kuvengana negodo.