18/03/2024
KO IWE WAKAITEI WO NEDAMBUDZIKO RAKO?
MAKO 2v4 _Zvino vakati vatadza kuswedera kunaJesu nokuda kwavanhu vazhinji, vakazarura denga remba yaakanga ari, vakaburusa nhovo ye munhu wakanga akafa mitezo nepadenga._
Murume waive paBetsida wakanga akafa mitezo yake yese but 38years airamba achidzoka patsime reruponeso haana kuneta. Jesu akanzwa tsitsi zvaaiziva k*ti wakanga aripo kwenguva refu. Isu tinaye pano, wakangorwara 2 years zvichiramba kupora akati yatove sugar yangu, BP yangu, HIV. Mwari anoda munhu, anoti akatarisa dambudziko rake, anoti handingambodye sadza regai nditanyire Dambudziko rangu zvimwe Mwari vangandinzwa. Uchikwira makomo, uchienda kumaAlnyt prayer, uchishanyira vaporofita kusvika zvaita. Aripo Ari k*ti Mwari mandikanganwa but koiwe uri kuiteiwo nedambudziko RAKO.
Murume aripano Marko 2v4 wakanga Ari paralysed Ari panhovo. Varume ndobva vaedza kuuya kunaJesu vakawanda kwakazara. Shoko rinoti vakavhura roof yeimba yaaive, ndokukwira pamusoro vachimudzikisa mumba. Jesu ndokushamiswa nek*tenda kwakaratidzwa neEffort yavakaisa akamuporesa. Effort yauri kuita pak*tsvaga kwako basa irikufanana here nevarume. 5 years uri muMarriage Nhumbu ichiramba kubata, chiiwo chauri kuita. Unogona k*ti Mwari vandikanganwa but newe hausi wave kukanganwa dambudziko rako here.
Mukadzi wakanga ane problem yekubuda Ropa for 12years Ruka 8v43 shoko rinoti, Wakapedza mari yese, nefuma yese, achiedzawo kurapwa nen'anga nana Chiremba. Kna kuri kumpostora haana sowe raasina kuenda wese waangonzwa k*ti anobatsira. Isu tinaye pano, atove ne10 years asina murume, achitobika sadza achidya, kana kumbonzwa k*ti pane chakashota mandiri. Iwe prophet ndiwe unotozoita kumufosa k*ti nhai amai Mishi muri k*tiwo kudii nenyaya dzeMarriage. Usati wati Mwari mandikanganwa, newewo usakanganwa dambudziko rako*
By Apostle S Madakufa. Harare