Zambuko Rinoyera Faith Apostolic Church

Zambuko Rinoyera Faith Apostolic Church Healing and Deliverances with our Allmighty God nothing is impossible. Amen

22/09/2022
21/09/2022

Munokokwa kune vakasununguka uye varipedyo nevaya vaibcunza kuti Church inowanikwa kupi tava nerimwe branch kuBudiriro 2 paseri pePolice camp tinowanikwa sunday vanoda kuziva zvizere +263717373007 whatsap kana kufona uye matxt totaura

21/09/2022

*KUKAVA DATYA KURIYAMBUTSA*

Upenyu ivhiri hamadzangu paya paunoshungurudza umwe mufaro wako unowedzera asi ziva ako mazuva ekurarama arikuwedzera ake arikutapudzika.

Paunoseka hama yako achitambura iwe uchidya nekunwa iye achidya nhoko dzezvironda usingamubatsirewo.

Ndati *KUKAVA DATYA* kuritambutsa hama yangu.

Mwari vakati ungagoda ini wausingazive wausati waona uchitadza kuda hamayako or mwana wamai vako uyo wawakazvarwa naye waunogara uchiona ko ini ungagondida sei iwe usati wambondiona.

Kubva nhasi fungisisa kuti paunozviti ndiri munamati iwe uchivenga hama yako yemudumbu rimwe newe kunamata kwacho kuripapi.

Ida wekwako sekuzvida kwaunoita zvakanyorwa pamitemo inegumi.

Pandati *KUKAVA DATYA KURIYAMBUTSA* ndinoreva chose chaungaita uchinzwa kufara pachiri chiine kuseka munhu ingave hama kana mutorwa urikuzvikanganisira wega pamberi pemusiki nekuti munju akasikwa nemufananidzo wamwari uyo waunoti unonamata.

Zvino chinzwa hama yangu. Mazuva ari kuwedzerwa pano panyika ekutadza kwako uyo waunoseka ake arikutapudzwa pahumambo hwekudenga .

Funga uchazovepi kana tsuri yorira ichidaidza vakaenda kare iwe uchisara.

Ndoo paunozoti inga ndaikunamatai wani zvegumi zvenyu ndichibvisa zvakaringana chose chataurwa pazita renyu ndaiita wani.

Asi ziva nyaya ndeyemabasa akaringana nemweya wako kudenga kwete mabasa epano pasi anoonekwa nekurumbidzwa nemaziso enyama.

Paye paunondikava sedatya shungu dzichandibata ndichanamata nekurumhidza mwari wangu pakushungurudzika kwangu mwari vachandivatisa pamupata wemumvuri worufu iwe ndoo powoti auwa azorora kutambudzika kwake kose kwapera hongu kwapera pano pasi asi rifa rekudenga nderangu.

Tisangoti mwari nemuromo mumoyo muzere ruvengo.

Tisakava matatya nekuti ndiwo masikirwo arakaitwa iwe une wako musikirwo. Amen

*Baba Bishop Mucha*

13/09/2022

*MUROORA MUMUSHA*

Semuroora wakauya kuzobatanidza hama nehama kwete kuputsa.

Semuroora wakauya kuzotsviva nzvimbo yeumwe mwanasikana akaendawo kunoita muroora kwevamwe.

Semuroora iva muyananisi saMai Maria mukati memusha kuti iwe urumbidzwe. Amen

Handina kuti gadza matare vakweguri uchiti nekuti ndiri kuyananisa kwete.

Tangira kumazero ewako kuti vakweguru vazokukokawo kwavari nekuti vanenge vaona nekunzwa. Amen

Zvino imi vanhasi munoti mukaona pakasungirirwa umwe wototora imwe tambo kuwedzera kusunga hanzi kuti zvinyatsosimba. Aaa nhai muroora waziva pakasungirwei here.

Batanidza mhuri vana vanyamunhu vasiri kuwirirana kwete kusnya kudzimba kwavo seune rudo uchinotsvaka zvirehwa rehwa mashoko ekutaura.

Ukasvika pamusha nemabasa akanaka uchaona ivo vana amwene ava vaimbokuvenga nekukuzvidza vave kukufarira nekuda kwemabasa awaratidza nekuti vana vavo vachamasvitsa munzeve dzavo nekutaura kwerumbidzo. Chiziva wagarika zvino.

Kana wada kuita *MUROORA* chiva muroora kwete chiruma nekuseri vana zino irema akavengwa rinongonyenamira neakavengwa kwete handizvo.

Anzwa anzwa. Amen

Baba Mucha

06/09/2022

SEED YARAMBA KUMERA

Umwe mambo wakanga asina mwanakomana waizogara umambo,,,,,,, akazevezerwa kuti mazuva epanyika okwana. Akaronga zano rake pakutsvaga aizosara nehumambo hwake. Akatsvaga zvimachinda 10 zvakachenjera muguta rake ndokuzvipa mhodzi (seed) umwe naumwe yake kuti vandosima anenge aita muti wakanakisisa waizogara humambo.
Mazuva akafamba machinda achiita zvose zvakafanira kuti mhodzi dzimere. Vati garei vakazoona kuti hapana chirikumera apa zuva resarudzo rakange rosvika. Machinda akaronga mazano ndokundotenga dzimwe kumusika dzikamera zvakanaka. Zvino chimwe chemachinda aya hachina kuda kundotenga imwe mhodzi. Chakazviudza kuti umambo hwaramba mhodzi yaramba kumera.

Zuva resarudzo yeumambo rakasvika umwe neumwe anga akabata muti wake kuzoratidza mambo unyanzvi hwake. Zvechokwadi miti yakanga yakanaka chose ine hutano. Mambo akasvika zvino pane kamuchinda kekupedzisira kasina chinhu, ndokubvunza........;

*Mambo* : "ko iwe muti wako wasiyepi?"

*Muchinda* : "Mambo ini wangu wakaramba kumera asi zvose zvinoitwa kuti muti umere ndakaita"

*Mambo* : "imi vanhu vangu, uyu ndiye mambo wenyu. Ndakakupai mhodzi dzakakangwa zvirokwazvo ndinoshamisika kuti ko dzenyu dzakamera sei? Ndaitsvaga munhu wakavimbika wokusiya pabasa rangu zvino ndamuwana."

Iwe nzwisisa nyaya iyi, Mwari anoda kuti tive vakavimbika. Haikona kuti zvaMwari kana zvaramba womhanya kun'anga nekuti mhodzi yaramba kumera. Imi vafundisi kungotadza kudonhedza dhimoni wototsvaga kamushonga. Une shuwa kuti unotsvaga chikwambo nekuti bhizimusi raramba kufamba? Haaaaah iwe mhani,,,,ndiyani wakakudzidzisa kuti kana murume anetsa anofuhwirwa? Kutsvaga runyoka kwanzi zvikomba zvingazondibira mukadzi?? Kwana!!! Dzoka kuna Jehovha undovaudza kuti mhodzi yaramba kumera. Jesu vari kutsvaga kuvimbika kwako. Kwete kuita chijairira chekupupura nhema muChurch.

*Mwari ngavatiitire nyasha mumazuva edu ekurarama🙏*

03/09/2022

*KANA WAKAGUMBUKA KANA KUTSAMWA*

Nyarara🤫

*Ngwarira zvaunotaura nemuromo wako zvinogona kukunetsa kuzviramba mangwana*

saka NYARARA🤫

*USA kurumidze KUTSAMWA zvidzore unogona kurasikirwa nevanhu vakakukoshera muupenyu uchionererwa nevanhu*
Kana watsamwa enda pako wega.

wonyarara 🤫

*Usafungira munhu zvawanzwa nemakuhwa usina kuzviona wega unogona kuvengeswa munhu nevanhu asina mhosva saka*

Nyarara🤫

*Usatuke munhu pane vanhu nenyaya yawanzwa neguhwa*
Mangwana ukazoona kuti guhwa racho ranga riri renhema, haugoni kuzounganidza vanhu vaya futi kuti umuite sorry!!!

Saka

NYARARA🤫

*Asataure taure dzidza vanhu, vanhu vanoramba nyangwe nyaya dzamunenge mataura MESE*

Saka
NYARARA🤫

*Vamwe vanhu vakaiswa naMwari muupenyu hwako kuti vakubatsire saka*

Nyarara🤫

*Ukanzwa makuhwa USAZVINETSE nekubvunza makuhwa, nekuti iye akuudza haafe akakuudza zvaaitaurawo pamusoro pako musi wakaitika guhwa racho*

Saka

NYARARA🤫

*Dzidza pandiri baba vako handibvunze ndino* NYARARA🤫

*Jesu wai* nyarara🤫

Newewo

NYARARA🤫

*ZVODA NYASHA KUTI UNYARARE*

Faith Alive. Garai munyasha

Address

Glenview
Southerton

Telephone

+263717373007

Website

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when Zambuko Rinoyera Faith Apostolic Church posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Contact The Place Of Worship

Send a message to Zambuko Rinoyera Faith Apostolic Church:

Share