EACI Amazing Grace Assembly

EACI Amazing Grace Assembly Making ready a people prepared for the lord .

GREATER GRACE CONFERENCE (DAY 2)BEARING FRUIT THAT LAST
06/12/2025

GREATER GRACE CONFERENCE (DAY 2)
BEARING FRUIT THAT LAST

GREATER GRACE CONFERENCE (DAY 1)PREACHER - OVERSEER J.KAMUSOKABEARING FRUIT THAT LAST - Johnn 15;15,16 Luke 13:6-9 Matth...
04/12/2025

GREATER GRACE CONFERENCE (DAY 1)
PREACHER - OVERSEER J.KAMUSOKA
BEARING FRUIT THAT LAST - Johnn 15;15,16 Luke 13:6-9 Matthew 21;17-22

03/12/2025

Please help us to reach 100 followers and beyond. 🙏🏼

02/12/2025

*Habakkuk 2:3* *NLT*
*[3]* This vision is for a future time. It describes the end, and it will be fulfilled.
If it seems slow in coming, wait patiently, for it will surely take place. It will not be delayed.

2️⃣ 0️⃣ 2️⃣ 5️⃣

Surely the year is comin to an end, only few days left kuti ripere. My vision did not come to pass. I worked hard, i endured the challenges and persevered but nothing changed. I was very sure kuti ndizvo ndiri kuda kuita and did put my all but still hapana hapana. Kutopindazve mune rimwe gore zvangu zvichazoitawo riinhi ? Inga vamwe zviri kuvafambira wani ? Mibvunzo ine imwe hama right now. Shaya yakabatwa mutsipa wakarereka pfungwa dziri kupishana. Batsirika hama yangu mangwanani ano. Usazvidya moyo, nguva yako iri kuuya. Ivo vaurikuona uchiti zvavaitira ava ukavabvunza havana kutanga nhasi. It's only kuti wazoona the end but kwakabviwa kure zvine makore mukati.

Habakkuk is teaching us patience. If the vision seems slow in coming, wait patiently it will come. Bata chirungu chinoti delay is not denial. Vazhinji vakarasa mbereko nekuti vashaya vana akazouya vakanganwa. Kunonoka hakusi kuti hazvichaiti. Bible riri kudzidzisa kuti be patient with your vision. Abraham was a father of nations. He was told that at 75yrs whilst he was childless. It took 25yrs for him kuti azonzi baba waIsaac mamuka sei, for Isaac was the child of the vision. Moses had to endure 80yrs of wandering kusvika azosangana neburning bush, and he was sent to Pharoah. Jesus came to redeem the world but it took Him 33 years to finish the assignment. One thing you ought to know is the end will be reached. Zvakaita kuti vamwe vasazosvika kumagumo it is because they gave up. Vision yanzi it's for a future time. Mune ramangwana zvichaitika.

Zvichida waida kupedza kuvaka imba asi zvakarambira pawindow level, handei nayo ticha roofer hedu. Pamwe umwe aida plumbing asi hazvichabudi, no problem next year tichapedza. Umwe aitoti mari yestand yanga yaakukwana paanga akatarisira zvikazoramba, tinochengeta iripo next year ichakwana totenga stand yedu zvinoita. Be patient, we will get there. Kana iri shop yaida kuvhurwa aiwa, hatigowi grocery paXmas kuti vanhu vadye, tinoto kiira tichizovhura zvaita. Muono ngaurambe uripo, toramba tichiupfuudzira mberi. Kana kuri kuchikoro kuri kuda kuendwa fees yambotadza kubatana, mirira next semester and apply. Just tell yourself kuti now zvamboramba asi tomorrow is another day i will try again. And chibva wagara waziva kuti hakuna zvinomboita one na one, it takes time. Ukabvunza vanoti takachi master chigame chacho, vanokuudza kuti vakazo master vambotambura.

One thing i want to tell you is usazvipe pressure. We are different and so are our visions. Siya varikuita zvavo vaite iwe focus on what you are doing. Vamwe vane ma blesser, vamwe vane ma sponsor, vamwe vane mbinga dzavo. Saka you can never be the same. Ma paces enyu anenge akatosiyana. Be at peace, run your race and finish your course. Zvekuzoudzwa nevanhu kuti watora nguva yakareba vamwe vapedza, tell them ma races akasiyana. Noah akada ark yekuhwanda mvura asi Jesu vakafamba pamusoro payo. Just be patient, the vision will be fulfilled. Muzita raJesu. *AMEN*

*TICHACHIBATA CHETE*

02/12/2025

*Romans 12 [NIV]*
*[vs:15]* Rejoice with those who rejoice; mourn with those who mourn.

2️⃣ 0️⃣ 2️⃣ 5️⃣

It’s not so hard to mourn with those who mourn. It is relatively easy to feel the loss of a grieving person and to express genuine sadness for their loss. Chinoita kuti zvive nyore its because its a loss not a gain. Kufirwa nemudikani, kuita accident wopona zvako but mota yoparara kana kutsvirwa nemba midziyo yese yobva yaparara wosara usina kana chinhu. People will genuinely mourn with you because you have lost and not gained. *Job 2:11-13* gives us an example of what it means to mourn with those who mourn. It says:,”Now when Job’s 3 friends heard of all this evil that was come upon him, they came everyone from his own place; Eliphaz the Temanite, and Bildad the Shuhite, and Zophar the Naamathite: for they had made an appointment together to come to mourn with him and to comfort him. And when they lifted up their eyes afar off, and knew him not, they lifted up their voice, and wept; and they rent every one his mantle, and sprinkled dust upon their heads toward heaven. So they sat down with him upon the ground seven days and seven nights and none spake a word unto him: for they saw that his grief was very great.”

Our typical style tichienda kurufu, tinobva tichitaura nyaya asi kungosvika padoor totanga kuridza mhere, kana mafriends aJob akazviitawo so it's Biblical hamusi mega munozviita. These verses of scripture show that it’s part of human nature to mourn with those who mourn. There are even times when you do not personally know the person who has experienced a great loss, but after hearing their story, you become very sad. Part of mourning is very automatic but the difficult part is of rejoicing. Vanhu vashoma vanopembera newe nemoyo wese. It is part of human nature to be selfish. A natural man is very satisfied as long as no one around him gets anything better than what he has. Every person wants the best for himself or herself. Ini ngandi wake imba yakanaka, inini ngandiwane mari yakawanda, ngakuroorwe inini, raptor ndini ngandifambe nayo. Mweya wehundini hunonetsa pamunhu kusvika vanhu vaakuzvitora vega maphotos kuti ma"selfie" asi ungori mweya wehu inini chete urikutonga mumunhu. When that what's best goes to someone else, it becomes very hard to be genuinely happy for that person.

Godo rinowanda zvekutovenga munhu.This is a very dangerous human trait that every Christian must not allow in his or her life. The nature of God that we bear does not have such character trait. His instruction to us in today’s memory verse clearly shows what He expects of us in such circumstances, and we should take it very seriously. How can we rejoice with those who rejoice? First, you have to stop comparing yourself with others. The moment you start looking at others and comparing what they have with what you have, you will soon meet with destruction. Run your own race without comparing neari munext lane. In Matthew 20:1-16, Jesus told a very interesting story of several men hired at different hours of the day. The men who were hired first were very satisfied with being paid a penny each. However, at the end of the work day, they were unhappy when they received this exact amount. Why? It was because they were comparing themselves with the other hired men who had worked for shorter hours and got paid the same amount as them. The master told them to take what had been given to them and go their own way, rather than focus negatively on what he had chosen to do for the others.

Secondly, pray for those you envy. When you genuinely pray for someone frequently and long enough, it becomes hard to nurse any hard feelings towards them. Unotanga kudeveloper mweya wekumufarira saka ukada munhu it becomes difficult kumuitira zvakaipa. Finally, be thankful at all times. Always remember that there are people in worse situations compared to you; therefore be grateful and content always. Zvishoma zvauinazvo, kune arikufunga kuti dai atori iwewe anazvo. Ndosaka uchiona kuti muma party munotoiswa mainvitation kutokoka vanhu kuti mucelebrate pamwe chete asi kurufu hakuna invitation but kunotozara zvakadaro? Why? People find it difficult to rejoice with those who are rejoicing. And this verse has been quoted more than enough pamarufu asi the rejoicing part yacho kuma celebrations haimbotaurwi. Veduwe, faraiwo nevari kufara zvichibva pamoyo urikurevesa. Ask Father to please grant you grace to genuinely rejoice with those who are rejoicing. December uno kune varikufara vakawanda, join them from the heart. In Jesus name. *AMEN*

*HAPPY DAY.*

01/12/2025

*1 Kings 1 [NIV]*
*[vs:4]* The girl was very beautiful; she took care of the king and waited on him, but the king had no intimate relations with her.

2️⃣ 0️⃣ 2️⃣ 5️⃣

The year is coming to an end, vanhu vanotanga kutarisa kuti gore rino ndakaitei ? Kune vane zvavakaita, nevasina nevanofungirwa nevanhu kuti pane zvakaitika ipo pasina. Let me explain umwe munhu abatsirike. Kuitira pane ratiri kupinda iri wopinda wavhurika zvinokubatsira. Pano ndirikuda ku addreser mweya wekushandiswa pasina chaunobuda nacho. Vanokushandisa zvavo zvinenge zvichitofamba, gore negore vachitoita ma achievements avo asi iwe pasina chauno nongedzera. The bad part is hauzvioni because zvinoitika zvakaputirwa negold zvekuti unoona sekunge watova bhoo yet usiri. Abishag anotsvagwa after ma advisors a king David ati mambo havacha dziirwi regai tivatsvagire mhandara. Chaida kutsvagwa apa ma blankets akawanda nekuti ndiwo anodziisa. Horaiti zvamada zvemukadzi ko madirei kunotsvaga imwe mhandara iye David aine vakadzi vakawanda already ? Zvekuti ndiwo mubvunzo ungadai wakabvunza Abishag, but because wakauya wakaputirwa nekuti wakunogara kupalace, haana kufunga kuti kushandiswa.

Ko kupalace you live a life of heaven on earth. Uine ma maids ako, uchiitirwa zvese uchifamba ne convoy yako. Ukada kufamba na king wacho vanhu vanenge vachikuona urikungo waver kuti first lady varipo namudhara. Life yako inochinja muku bwaira kweziso. One week shena panenge pasisina wakuto glower coz chikafu plus mafuta ekuzora zvinenge zviri balanced. Vanenge vachikuona vachiti zvake ane kalife kake akawanirwa Nyasha. From mabhero to designers mari haibvunzwi. Asi chiona manje hupenyu hwake, akaunzwa kuna David not by his request asi kuti board rake ndiro rakawirirana kuti rimutsvagire musikana. Iye aisamuda tinozviona pakuti David haana kumbomubata or anything. Aingogara kupalace achinopinda mubedroom namambo but pasina connection. Iye ndiye aiziva pain yake not vamwe. Kunze vaingoona zvakaringana but mukati she had no peace. Arikushandiswa kudziisa mambo vasinei naye. The king is minding his own business counting down days to his death. Abishag achibatsira kuperekedza munhu kuguva but life yake yakamira. Gore kutopera uku uchisesekedza vamwe zvako zvakamira. Pauchazoda kupepuka it would be too late.

The fact yekuti arikutopinda mubedroom namambo makes people think kuti there is an activity irikuitika iko kusina. Boys dzaimuda dzakatoregedza kumupfimba dzichiti atorwa. Iye yakaimbwa kuti uripi babe rako raroorwa. Even when David dies, hapana achatenda kuti imhandara akutonzi imvana yakabva kuna king. And hauchatodiki, wakutonzi waive mukadzi wamambo. And you can't explain zvinhu zvacho. Plus makore haakumiriri time yekuroorwa yakatopfuura uchidziisa mambo. Vaimbokutsonya vaye vanenge vakutoti apa zvakaendwa. Yet pasina chakaitwa. Pamusoro pazvo haana kana benefit yaakazowana pakafa David wacho. Akangosara achembera ari mhandara.

Kune mumwe anoswera achitenderedzwa ari muraptor. Akagadzikwa kumberi, vakasvika paLiquor shop onzi dzika utsvage mabeers nema ice aine cooler box. Pauri kudzikiswa asaraarikufonera madhiri ake. Uchidzoka akuti mira ndiperekedze ndinoona muface wangu apo. Iwe waperera kucooler box iye achigadzira future. At the end unoona weraptor atenga imwe latest, avaka mansion mhuri yake ichifara nekuti iri provided. Iwe kana nestand yekuma sabhuku deals usina uchingo lodger 3 rooms. Pane musikana arikupedzerwa nguva ari semester wife, achifira kuti rent, food newifi zviripo. Unozopepuka wachembedzwa wakunzi ambuya makadii iwe uchiri musikana. Rimwe gore rinopera usina chawaita because urikungo teerana nevanhu pasina zvako zvauri kuita. Unoitwa runner uchifambisa life yeumwe yako yakamira. Woita mbiri yekunzi anochinjanisa mota but dzisiri dzako. Musi waunonyimwa ndipo paunozoona kuti uri rombe mutown. Regedza kushandiswa, zvishandire kuti zvikuitire zvakanaka. Moses akairamba life yeku palace, akati it's better ndino suffer nevekwangu. Ndipo paakazo discover kuti he is a prophet asangana negwenzi. Kuswera uchiteedza vanhu zvinokuvhara opportunity yekuona kuti what's your purpose. Vhurika, ramba kushandiswa. Muzita raJesu. *AMEN*

*STAND ON YOUR OWN*

26/11/2025

Assist us in reaching 100 followers by following and endorsing our page.

25/11/2025

*Judges 5 [NIV]*
*[vs:21]* The river Kishon swept them away, the age-old river, the river Kishon. March on, my soul; be strong!

2️⃣ 0️⃣ 2️⃣ 5️⃣

The river Kishon was the height that was reached nevedzinza raDeborah. Ipapo vaiti vakasvika vogumirapo. No one ever crossed that river until Deborah did. Akachema asvikapo, akati madzitateguru angu akamedzwa nerwizi urwu asi mweya wangu pfuurira mberi. Zvoreva kuti Debora aka breaker pasina kumbosvikwa neve dzinza akapfuurira. She saw the river, and remembered that the God whom she serve is the creator of this Kishon. If i believe in Him, this river is now under me. And she proved it kuti its true. With the God in her who is greater than the river Kishon, she crossed it and marched on. The river could not stop her.

Ndoda kuti utarise kumba kwenyu nedzinza rose. Ndepapi pamunogumira kana pakagumira vamwe ? Unotozviziva kuti kwedu hapana akambopfuura apa. And ukada kupfuura you face a lot of resistance, attacks nema battles ekuti you give up. Just like river Kishon yeiyeredza vekwana Deborah, asi she addressed that river and crossed it. You need to pray to break that height. So your soul must march on with strength. Kana zvichida simba it's a battle to fight. Because in the spiritual realm, kune vakatoti dzinza iri haripfuuri apa. So urikusimuka nenharo, in the strength of the Holy Spirit and say mweya wangu pfuurira.

Pakagumirwa kuma O' Level breaker uende kuUniversity and be the first graduate. Kana kusina akambochata ngazvitangire pauri ramba kubika mapoto. Hakuna akambotenga mota kana atori ne license zvayo enda kwaVID utore utangire kudriver yekubasa wozotenga yako. Mazuvano every town yaane ma mall shop ngaitangire pauri. Ngavati tiri kuenda kushop kwaChipo. The generational pattern must end with you. Command chains to be broken, release the blessings on your life.
Speak the power that carries us over the height of our families. Pakagumira vamwe iwe uri kupfuura. You are rising to set the pace in your family. Declare everything will begin with me. Don't worry about the year coming to an end, kutanga is the starting point. Tinonopedzera muna 2026 imomo but tatotanga. In the name of Jesus. *AMEN*

*BREAK TO GO FORWARD*

We are inviting you to join us for our Thanksgiving Service (Harvesting the fruit that lasts) this sunday @8;00am.Don't ...
23/11/2025

We are inviting you to join us for our Thanksgiving Service (Harvesting the fruit that lasts) this sunday @8;00am.
Don't miss!

Address

Mutare

Telephone

+263773016307

Website

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when EACI Amazing Grace Assembly posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Share