12/08/2026
Taridzo Yokurava Shoko RaMwari
11 August 2026
Ruka 22:47-51
Rudo Rwako Ngaruve Rwazvokwadi
Shoko raMwari rinotaura pamusoro pokusveta (kiss) pa2 VaKorinte 13:12 richiti: Kwazisanai nokusveta k*tsvene. Kusveta chiratidzo chorudo kune mumwe munhu ndosaka Jesu akati: Judhasi unopandukira Mwanakomana womunhu nokusveta here? (ndima 48). Mwari vanogona k*tipa zvipo zvakasiyana-siyana k*ti tivabatire nazvo asi zvose zvine pazvichaguma sezvatinoona pa1 VaKorinte 13:8 panoti: …rudo harutongoperi, zvino kana kuri kuprofita kuchapera, kana dziri ndimi dzichaguma kana kuri kuziva kuchabviswa. Usararama mutsoka dzaJudhasi dzok*taridza kunze k*ti anoda Jesu asi mukati momoyo wake ari mupanduki. Nokuda kok*ti Kristu ane rudo rwazvokwadi, ndima 50-51 inoti: Ipapo mumwe wavo akatema muranda womuPirisita mukuru akagura nzeve yake yorudzi, Jesu akapindura akati, regai zvaringana akabata nzeve yake akamuporesa. Shoko raMwari rinotidzidzisa paVaRoma 12:20 richiti: Asi kana muvengi wako aziya, umupe kudya kana afa nenyota umupe kunwa, nok*ti kana uchiita izvozvo uchatutira mazimbe omoto pamusoro wake.
Nguva yaunotadzirwa navanhu, iva mukristu anosiira Mwari nzvimbo k*ti vaite basa ravo nok*ti ivo vanoti: Musatsiva, vadikanwa, asi munzvenge k*tsamwa nok*ti kwakanyorwa kuchinzi k*tsiva ndokwangu, ini ndicharipira ndizvo zvinotaura Ishe (VaRoma 12:19).