11/05/2021
========================
ZION APOSTOLIC CITY CHURCH IN ZIMBABWE - OFFICIAL COMMUNIQUE
========================
Sangano reZion Apostolic City Church in Zimbabwe, Zaka District kwaBota, rakaita musangano wakakosha (Special District Extraordinary Meeting) musi wa08 May 2021 manheru paRudhanda. Musangano uyu wakaunganidza vana vose vaTitus Nyamupunga vanogara muZaka avo vanga vonamata vakaparadzana, rimwe boka richitungamirirwa naBaba Zakariah Makomo, rimwe richitungamirirwa naBaba Elisha Chikoore. Musangano uyu wakacherechedza zvinhu zvinotevera:
1. Kuti kereke yeZion Apostolic City Church in Zimbabwe inongova imwe chete pamwe chete neutungamiriri hwayo hwese hwakazotevera hunoti Lawrence Dhliwayo, Dickson Dumbu Bota, Limon Mashaka, Timothy Makova, Reuben Masara, Tinos Chimbwa, Isaiah Derera, Reuben Munyeruki, Naison Mahesi naFanuel Mugarajira semugadzirwe avakazenge vachiitwa nekufamba kwakazoita nguva(succession).
2. Kuti muna2002 paPaseka yepaEaster, pakaitika kuparadzana, zvakakonzera kuti rimwe boka rishumire riri paGunda Station Old Church Stand rimwe boka richindoshumirira paNew Church Stand iri paRudhanda Business Center.
3. Kuti zvisinei nemudzi wekuvava waiva wamuka muboka reZaka, chikonzero chaicho chekuramba vanhu vakaparadzana hachisisipo.
4. Kuti maStand eChurch maviri anoti Gunda Station Old Church Stand neRudhanda Business Center New Church Stand, ose maProperties eZion Apostolic City Church in Zimbabwe anotova mumagwaro eLocal Government.
5. Kuti nyika inofanira kuziva kuti tiri vana vaMwari nekuda kwerudo runofanira kuonekwa nguva dzose ruchigara ruri pakati pedu.
6. Kuti neMweya waMwari unogara matiri, hatigoni kuva nenyaya isingataurwi ichipera boka raMwari rikayananiswa nekutangazve kunamata pamwe chete semasiirwe arakaitwa naBishop Dickson Dumbu Bota.
Mukutambwa kwemashoko paMeeting iyi, vatendi vakashaiwa chikonzero chingaita kuti boka reZaka rinamate rakaparadzana richiti vamwe kuStand yekwaRudhanda, vamwe kuStand yepaGunda Station. Nekuda kwekukudza kukosha kwekuyanana nekunamata Kereke yeZion Apostolic City Church yakabatana, Meeting iyi yakaita zvisungo zvinotevera:
1. Kutanga nhasi (08 May 2021) Sangano reZion Apostolic City Church rava 1 uye richanamatira pamwe chete. Baba Elisha Chikoore, vachibatsirwa nekutevedzerwa naBaba Zakariah Makomo, vachange vachitungamirira kereke kuZaka.
2. Zaka District inocherechedza utungamiriri hwekereke yeZion Apostolic City Church in Zimbabwe nevatendi vose kuti ndeveKereke imwe chete, nemaBranches ayo ose ari kuChipinge, ari kuBikita, ari kuBuhera, ari kuMadhorobha ose muZimbabwe neSangano rekuSouth Africa.
3. Sangano kuZaka kwaBota richange rakamira sezvizvi by order yemabasa
® Mongameri Elisha Chikoore
® Mongameri Zachariah Makomo
® Mongameri Ainos Chikondo
® Mongameri Shinga Matundu
® Mongameri Aaron Pwere
® Mongameri Tachiona Matundu
® Mufundisi Clever Makara
® Mufundisi Festus Dumbu
® Mufundisi Piason Mhara
® Mufundisi Manyundo Mazuruse
Mufundisi Enock Mufushwa
® Mufundisi Haisa
® Mufundisi John Muchini
®Mufundisi Rudorwashe Dumbu
® Mufundisi Gumbwanda
®Muvhangeri Tawanda Matundu
® Muvhangeri Tafara Dumbu
®Muvhangeri Obert Mufushwa
® Muvhangeri Mapfumo Matundu
® Muchumairi Menson Dumbu.
VanaJefuro nevana vesangano varipowo muurongwa kunyange mazita avo asiiwa for the purposes of this communique.
4. Kutanga gore rino ra2021 zvichienda mberi, musangano waJune weZion Apostolic City Church uchange uri 1 uye uchange uchiitirwa paChurch Stand inenge yasharwa neDistrict reZaka.
Sangano reZaka rinoshuvira kuti vana vose vaTitus Nyamupunga vari kumativi mana enyika dai vatorawo mucherechedzo wechinhu chakanaka vakakoshesa kubatanidza boka senzira yekuti Zita raMwari rikudzwe uye dhiyabhorosi ashaiswe mukana. Zvose zviri muCommunique ino zvaiswa sekutenderanwa kwazvakaitwa muMeeting ya08 May 2021 uyezve kuburikidza nematumirwe akaitwa munyori nevakuru vekuno kuZaka.
Ropafadzwai murudo rwaIshe wedu Jesu Kristu.