Nziyo dzeChishona

Nziyo dzeChishona We provide Hymn lyrics: Shona hymn; may include Ndebele and English Hymns and songs too. We can also include pictures and videos, all for God's glory.

In the long and the short description; our aim is to glorify our Lord and Saviour Jesus Christ.

16/07/2014

Pam'soro Pakudenga MP4 (Sound and Lyrics)

16/07/2014

Pam'soro Pakudenga 3gp (sound & lyrics)

13/07/2014

Famba Mangwanangwana (sound and lyrics)

25/06/2014

ZANO CHIRO CHAKANAKA

Zano chiro chakanaka
Tese tinorida kwazvo,
Zano haritengwi, kwete,
Riri chipo chaJehovha.

Izwi rake rine zano
Kusimudza vanhu vese,
Ririsimba remarudzi,
Riri idi remakore.

Nge ro zano tine simba
Rekuita zvakanaka,
Asi rinouya basi
Kune avo vanomuda.

Soromoni wakarida,
Akarikumbira Mwari,
Ndizvo Mwari wakamupa
Zano, pfuma nerukudzo.

Apo tinoshaya zano
Ngatiuye kuna iye,
Uyo ane rakakwana
Kupa kune vanhu vese.

05/05/2014

Nditarire Nokufara_ Elder Tsuro (Short)

04/05/2014

Tsitsi Dzinondishamisa

1.
Tsitsi dzinondishamisa
Dzakandiponesa.
Ndakange ndisingaone
Zvino ndaoneswa.

2.
Tsitsi dzinondishamisa
Dzakandishingisa.
Ngetsitsi dzake
ndasukwa
Zvino ndaponeswa.

3.
Mudambudzo repanyika
Ndine Mugondeki.
Ndichazofamba kuenda
Kum’soro kudenga.

4. Ishe wakanditsidzira
Rufaro kudenga.
Jehova ndiye M’chingeti
Muupenyu hwepasi.

04/02/2014

Apo Toropito Yake Mwari

1.
Apo toropito yake Mwari inorirakwazvo,
Inotaura kune vese kuti, “Uyai”
Tese tinobvira kuenda iyohakusari munhu,
Nemazita edu achazodaidzwa.

CHORUS
Kuti ndodaidzwa ndiye,
Kuti ndodaidzwa ndiye,
Kuti ndodaidzwa ndiye,
Kuti ndodaidzwa ndiye, ndova’yo.

2.
Asi hatizivi musi uyo tichadanwa ndiwo,
Ndizvo ngatigadzirire zvino pano,
Tirindire uyo musi, tizonatsa kuenda iyo,
Nemazita edu achazodaidzwa.

3.
Ngatibate basa redu nemasimba misi yese,
Ngatitaure zvishamiso zvake zvese,
Tichiita zvakanaka kune vanhu vese vese,
Nemazita edu achazodaidzwa.

4Asi isu wemaKristu hatizotyi kuenda iyo,
Mwari ndiye Baba wedu wakanaka,
Jesu Kristu ndishamwari, ndiye anotonga vese,
Nemazita edu achazodaidzwa.

04/02/2014

Muchishona ingaimbwa sei (lyrics) ?

Mary's boy child Jesus Christ was born on
Christmas Day and man will live for
evermore because of
Christmas Day

Long time ago in Bethlehem
so the Holy Bible said;
Mary's Boy Child Jesus Christ was born on Christmas Day.

Hark now hear the angels
sing
A King was born today,
and man will live for
evermore because of
Christmas Day

Mary's Boy Child Jesus Christ was born on Christmas Day. While shepherds watched
their flocks by night
They see a bright
new shinig star
They hear a choir sing a
song
The music seemed to come
from afar.

Hark now hear the angels
sing a King was born today And man will live for
evermore because of
Christmas Day

hm hm ...

For a moment the world
was aglow
All the bells rang out there were tears of joy
And laughter people shouted let ev'ryone
know there is hope for all to find peace.

How Joseph and his wife
Mary
Came to Bethlehem
that night
They found no place to bear
her child
Not a single room
was in sight
And then they found a little
nook
In a stable all forlorn
And in a manger cold and
dark
Mary's little boy was born

Hark now hear the angels
sing a King was born today And man will live for
evermore
Because of Christmas Day

Mary's Boy Child Jesus Christ was born on Christmas Day. For a moment the world
was aglow ...

Oh my Lord you send your son to save us
oh my Lord
your very self you gave us
oh my Lord that sin may not enslave us and love may reign once more.
Oh my Lord when in the crib they found him oh my lord a golden halo crowned him oh my Lord they gathered all around
him to see him and adore.
Oh my Lord with the child's adoration oh my Lord there came great jubilation oh my Lord and full of admiration they realized what they
had (until the sun falls from
the sky)
Oh my Lord (well praise the
Lord) they had just begun to
doubt you oh my Lord (he is the truth
forever) what did they know about you.

Oh my Lord (so praise the
Lord) but they were lost without you they needed you so bad (his light is shinig on us)
Oh my Lord (oh my Lord so
praise the Lord) with the child's adoration Lord (oh my Lord he is a persontion).

There came great jubilation oh my Lord (so praise the
Lord) and full of admiration they realized what they
had (until the sun falls from
the sky) e just can't go wrong.

08/01/2014

Apo Jesu Anouya

1.
Apo Jesu anouya kotora varume,
Anotora vakanaka, avo vanomuda.

CHORUS
Vanhu vake vatsvene, vasine zvitema
Vanoenda kudenga kogara naJesu.

2.
Apo Jesu anouya kotora vakadzi,
Anotora vakanaka, avo vanomuda.

3.
Apo Jesu anouya kotora vacheche,
Anotora vakanaka, avo vanomuda.

4.
Vana vake pasi pano, uyanyi kwaari,
Anomuda zvirokwazvo ngerudo rukuru.

5.
Ngatiedze misi yese kufadza Mponisi,
Kuti tizotorwa ndiye kudenga kumsoro;

08/01/2014

Apo Ndatambudzika

1.
Apo Ndatambudzika
Nezvakaipa zvangu,
Nezvirunziro zvangu,
Ndizwenyi, Baba wangu

CHORUS
Ndicherechedzei, Baba we!
Ndicherechedzei, Baba we!
2.
O Baba Samasimba,
Ndipenyi simba renyu,
Ngekuti ndinoshaya
Kugara zvakanaka.

3.
Panguva yekuchema,
Nenguva yekutamba,
Nenguva dzeusiku,
Pabasa rangu rese.

4.
Parwendo rweupenyu,
Nditongei nguva dzese.
Mudenda rakaipa,

08/01/2014

Baba Wedu Wakatsidza

1.
Baba wedu wakatsidza,
"Ndinokutungamirira,"
Kuti usarasikeba
Parwendo kune denga.

CHORUS
Ndinokutungamirira,
Ndinokutungamirira,
Pakukwira kene denga,
Ndinokutungamirira.

2.
Apo unotambudzika,
Nekushaya zano zviya,
Unofadzwa nge'ya mazwi,
"Ndinokutungamirira."

3.
Kuti hama dzako dzafa,
Uchidzichemera kwazvo ,
Unafunga aya mazwi,
"Ndinokutungamirira."

4.
Apo unokomborerwa,
Mwoyo wako unofara,
Unodisa aya mazwi,
"Ndinokutungamirira.

5.
Magwanani ese ese,
Unokarakadza iye,
Nechitsidzo chakanaka,
"Ndinokutungamirira.

6.
Apo unobata basa,
Unafunga mazwi ake,
Uyo wakakutsidzira,
"Ndinokutungamirira.

7.
Apo unorara pasi,
Pausiku uri wega,
Unatenda aya mazwi,
"Ndinokutungamirira.

Address

AFM Empress, P. Bag 702
Kadoma

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when Nziyo dzeChishona posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Contact The Place Of Worship

Send a message to Nziyo dzeChishona:

Share