Loveworld Shona

Loveworld Shona Christian Church

Ndiwe Uripo Kugadzirisa Zvinhu ZvachoMuvhuro, 9 Kukadzi 2026,"Saka tinoziva kuti zvinhu zvose zvinobata pamwe chete. Zvi...
09/02/2026

Ndiwe Uripo Kugadzirisa Zvinhu Zvacho

Muvhuro, 9 Kukadzi 2026,

"Saka tinoziva kuti zvinhu zvose zvinobata pamwe chete. Zvichibatsirana. Kuti zvinhu zvevaya vanoda Mwari zvifambe zvakanaka. Ivo vaya vanovafarira. Vane basa ravakadanirwa naMwari" (Varoma 8 ndima 28).

Hapana dambudziko rinongovapo. Chinorigadzirisa chacho ndicho chinotanga chauya. Chinouya dambudziko racho risati ravapo. Iwe unofanira kurangarira izvi. Matambudziko anongovinga vanokwanisa kuagadzirisa. Izvi ndizvo zvandinogara ndichizivisa vanhu. Iwe ungava nesimba rekugadzirisa dambudziko. Dambudziko racho rinobva rauya kwauri iwe. Rinotouya richikutsvaka. Ndiko kusaka paine mamwe matambudziko anongovinga iwe woga. Imhaka yekuti ndiwe une simba rekuagadzirisa.

Saka pangava nematambudziko awakambosangana nawo. Mwari ndivo vakaronga kuti usangane nawo. Vakaronga kuti uakurire. Masimba ako achizowedzerwawo. Saka usatya matambudziko. Usatya miyedzo. Ndiyo inokusimudzira. Ichikuwedzera masimba. Izvi ndizvo zvatinovona muna Jemusi yekutanga ndima yepiri. Inoti, "Hama dzangu. Pamunenge muri kusangana nemiedzo yakasiyana siyana. Farai". Sei uchifanira kufara kudai? Nokuti unokunda chete.

Saka ungasangana nezvinotsvaka kukukanganisa. Iwe ingotaura uchiti, "Ishe vangu. Ndinokutendai. Izvi ndizvo zvandakazvarirwa izvi". Varoma yesere ndima yemakumi maviri nesere inoti, "Saka tinoziva kuti zvinhu zvose zvinobata pamwe chete. Zvichibatsirana. Kuti zvinhu zvevaya vanoda Mwari zvifambe zvakanaka. Ivo vaya vanovafarira. Vane basa ravakadanirwa naMwari". Saka iwe haugoni kukoneswa kuita zvaunoda. Haugoni kukoneswa kuwana zvaunoda. Ichi ndicho chokwadi. Tsamba yaJohane yekutanga chitsauko cheshanu ndima yechina inoti, "Nokuti chinhu chinozvarwa naMwari. Chose zvacho. Chinokunda nyika ino. Uye ruvimbo rwedu muna Mwari ndiro simba rinokunda nyika ino".

Chinhu chakazvarwa naMwari chinokunda nyika ino. Chinhu chacho angava iwe. Angava mashoko ako. Zvingava zvishuvo zvako. Angava mazano ako. Zvose zvinokunda nyika ino. Tsamba yaJohane yekutanga chitsauko chechina ndima yechina inoti, "Vana vadoko. Imi makazvarwa naMwari. Saka makakurira mweya yose iyi. Nokuti ari mamuri uyu. Ndiye mukuru. Akadarika uya. Ari munyika ino". Izvi zvinoreva kuti wakazvarwa naMwari. Kukunda kunotova muropa rako. Kubudirira kunotova muropa rako. Hazvigoni kuti ubatirirwe. Uri mukundi.

Nyika yakamirira iwe. Ndiwe uripo kugadzirisa matambudziko ayo. Wakazvarwa kuti ukunde. Wakazvarwa kuti utonge. Uripo kuti simba raMwari rivonekwe pauri. Varoma yesere ndima yegumi nepfumbamwe inoti, "Nokuti zvisikwa zvose zvinogara zvichitarisira. Zvakarindira. Zvichitsvaka kuti vanakomana vaMwari vauye. Vavonekwe". Iwe ndiwe mumwe wevanakomana vaMwari ava.

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Simba renyu rinovonekwa pandiri. Kururama kwenyu kunovonekwa pandiri. Shoko renyu riri kushanda mandiri. Muponesi Jesu vakakurira Satani. Vakamukurira vakandimiririra. Saka ndini ndava kutorwa sekuti ndakakunda Satani uyu. Ndinorarama semunhu anonzwisisa izvi. Ndinokurira zvinhu zvenyika ino. Ndinonzwisisa kuti zvinhu zvose zviripo kundibatsira. Ndakazvarwa nemi. Saka ndakakunda nyika ino. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Vafiripi 4 ndima 13
Joshua 1 ndima 9
Isaya 41 ndima 10
Varoma 8 ndima 37

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church

Uri Munhu AkakoshaMuvhuro, 26 Ndira 2026*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona...
26/01/2026

Uri Munhu Akakosha

Muvhuro, 26 Ndira 2026

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225 # Mwari vakuropafadze

"Asi imi muri rudzi rwakasanangurwa. Madzimambo. Vapiri. Rudzi rutsvene. Vanhu vaakazviwanira. Kuti vanokuvonai varumbidze Mwari. Ivo vakakutorai. Vakakubvisai murima. Vakakupinzai muchiedza chavo chinoshamisa" (1 Pita 2 ndima 9).

Iwe ungava wakazvarwa kechipiri. Izvi zvinoreva kuti wakakosha. Wava mambo. Wakashanduka rudzi. Wava weropa raMwari. Saka wasiyana nevanhu venyika ino. Aya haasi madimikira. Ndizvo zvawava chaizvo. Hareruya! Wava munhu werudzi rweVamwari. Saka wava kugona kuwanisavo vamwe maropafadzo aMwari. Izvi zvinokubatsira kunzwisisa Mariko yegumi netanhatu ndima yegumi nenomwe kusvika gumi nesere. Ishe Jesu ndivo vakataura mashoko aya. Vakati, "Zvinhu zvinotevera ndizvo zvichavonekwa pane vaya. Vanenge vandigamuchira. Vachadzinga mweya yakaipa. Vachaidzinga nezita rangu. Vachataura nendimi itsva. Vachabata nyoka. Vanganwa zvinhu zvinouraya. Asi hazvingavakuvadzi. Vachaporesa varwere. Vanovaporesa nokungovabata nemavoko avo".

Saka iwe wakasiyana nevanhu venyika ino. Unotogona kushandura vanhu rudzi. Uchivaita veropa raMwari. Uri chiropafadzo. Mwari vane zvavakambotaura kuna Abhurahama. Rangarira mashoko acho. Vakati, "Ndichakuropafadza. Ndigokuita chiropafadzo". Tinoverenga mashoko aya muna Genesi yegumi nembiri ndima yepiri. Asi mashoko aya haana kungotaurwa kuna Abhurahama chete. Aibatavo mwana waAbhurahama. Isu tisu mwana wacho. Izvi ndizvo zvatinovona muna Vagaratiya yetatu ndima yegumi netanhatu. Inoti, "Abhurahama. Nemwana wedzinza rake. Ndivo vakavimbiswa zvinhu izvi. ...".

Usazvivona semunhuwo zvake. Usazvivona semunhu anoshaiwa. Iwe uri mambo. Uri mupiri zvekare. Ishe Jesu vakakusarudza. Vakakutsaura kubva kunyika ino. Izvi ndizvo zvatinovona muna Johane yegumi neshanu ndima yegumi nepfumbamwe. Wakasiyana nevanhu venyika ino. Mwari vakakusanangura. Uri pfuma yavo inokosha. Rarama semunhu anoziva izvi. Saka chibva wataura uchiti, "Ini ndakakosha. Ndiri fuma yaMwari. Ndakaisvonaka. Ndava Mumwari". Mwari ngavakudzwe!

Namata Uchiti

Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makandisarudza. Mukanditsaura. Mukandiita fuma yenyu inokosha. Ndava mambo. Ndava munhu weropa renyu. Ndakaisvonaka. Ndava Mumwari. Ndiri chiropafadzo kuvanhu vandinosangana navo. Ndinosvitsa maropafadzo edenga kwavari. Ndinobatsira vakawanda kurarama hupenyu hwavakarongerwa naMwari. Ndinoshingaira kuita basa iri. Ndakashinga. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi

Vagaratiya 3 ndima 29 NKJV

Dheuteronomiyo 7 ndima 6 NIV

Vaefeso 2 ndima 10 AMPC

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:

Rhapsody of Realities (Shona)

Rinonyorwa na:

Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.

Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/

Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)

Chipo ChaMwari KuVanhu VoseChishanu, 23 Ndira 2026*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako...
23/01/2026

Chipo ChaMwari KuVanhu Vose

Chishanu, 23 Ndira 2026

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225 # Mwari vakuropafadze

"Ini ndichakumbira Baba. Vachakupai mumwe Mubatsiri. Ndiye achagara nemi nekusingaperi" (Johane 14 ndima 16).

Isu tinoti Mweya Mutsvene chipo. Ndicho chipo chakapiwa naMwari kuSangano reVatsvene. Asi chipo ichi hachina kungopiwa kuVatsvene chete. Chakapiwa kumunhu wose. Wanga uchizviziva here? Izvi ndizvo zvakataurwa naMwari. Tinoverenga mashoko avo muna Joere yepiri ndima yemakumi maviri nesere kusvika makumi maviri nepfumbamwe. Inoti, "Uye mushure maizvozvo, ndichadururira Mweya wangu pamusoro pavanhu vose. ... Kunyange pamusoro pavaranda vangu, zvose varume navakadzi, ndichadururira Mweya wangu mumazuva iwayo".

Pita akasimbisavo mashoko aya. Izvi ndizvo zvatinovona muna Mabasa yechipiri ndima yegumi netanhatu kusvika gumi nesere. Apa Mweya Mutsvene ava vakanga vachizodururwa. Ndima yemakumi matatu nesere kusvika makumi matatu nepfumbamwe yacho inoti, "... Mugopiwa Mweya Mutsvene. Chinova chipo chaMwari. Ndicho chipo chamakapiwa imi. Nevana venyu. Nevose vari kure. Avo vachadanwa naIshe. Vanova Mwari wedu". Uri kuvona here izvi? Mweya Mutsvene vakapiwa kuvanhu vose. Uye vakatodurirwa pavanhu VOSE.

Kuda iwe hausati wagamuchira Mweya Mutsvene ava. Ibva wavagamuchira ikozvino. Asi tanga waisa hupenyu hwako mumavoko aIshe. Namata Munamato weRuponeso. Unowanikwa kunoperera bhuku rino. Namata munamato uyu. Munamate nemoyo wako wose. Wobva wangotaura uchiti, "Ini ndinogamuchira Mweya Mutsvene. Ivo vava kugara mandiri kubva pazuva ranhasi".

Mweya Mutsvene havasi mhepo. Havasi simba. Havasi chinhu chaunongonzwa kufamba famba munyama yako. Ivo ndiMwari pachavo. Ndivo Mwari vanoshanda vari matiri. Ishe Jesu ndivo vakatitumira Mweya Mutsvene ava. Vakavatuma musi wavakakwira kudenga. Vakavatuma kuti vazogara matiri. Vatitungamirire. Vatisimbise. Vachiita kuti tigone kurarama hupenyu hweVamwari. Mweya Mutsvene ndivo vanoita kuti tigone kurarama hupenyu hweVamwari. Ndivo vanoita kuti shoko reRuponeso risangova mashoko chete. Asi kuti huve hupenyu hwatinorarama.

Mweya Mutsvene ndivo vanokubatsira kunzwisisa Muponesi. Ndivo vanokudzidzisa Shoko raMwari. Ndivo vanoita kuti urarame hupenyu hweVamwari. Ivo ndivo simba reVamwari. Mweya Mutsvene vanofanira kuva muhupenyu hwako. Izvozvo zvinozoita kuti ugone kugadzirisa zvinhu. Uchizorarama hupenyu hunodarika hwenyika ino. Ihwo hupenyu huya huri muna Muponesi. Mweya Mutsvene ndivo mubatsiri wako. Ndivo mudzidzisi wako. Ndivo musimbisi wako. Ndivo shamwari yako.

Saka vakoshese. Vabvumire kushanda muhupenyu hwako. Koshesa basa ravanoshanda mauri. Rikoshese kudarika zvimwe zvose. Dyidzana navo. Unodyidzana navo paunonyengetera. Paunonamata Mwari. Nepaunofungisisa Shoko raMwari. Nokudero mazano avo ndiwo anozokutungamirira. Simba ravo ndiro rinozokuchengeta. Hunhu hwavo huchizadza hupenyu hwako. Huchizovonekwa muzvinhu zvose zvaunoita.

Namata Uchiti

Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makandipa chipo chaMweya Mutsvene. Mweya Mutsvene ava ndivo mudzidzisi wangu. Ndivo mutungamiriri wangu. Ndivo vanonditaridza hupenyu hwenyika yenyu. Vachinditungamirira kurarama hupenyu hweVamwari. Ihwo hupenyu huya hwekururama. Ndinoshandisa mazano enyu pakurarama kwangu. Ndinoshandisa simba renyu pakurarama kwangu. Saka ndinokurira zvose zvandinosangana nazvo. Ndinogwinyiswa naMweya Mutsvene. Ndinotungamirirwa. Hupenyu hwangu huchigara huchivandudzwa navo. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi

Ruka 11 ndima 13

Mabasa 2 ndima 38 kusvika 39

Mabasa 2 ndima 16 kusvika 18

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:

Rhapsody of Realities (Shona)

Rinonyorwa na:

Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.

Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/

Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)

Unokurira Zvinokurwisa ZvoseChipiri, 20 Ndira 2026*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako...
20/01/2026

Unokurira Zvinokurwisa Zvose

Chipiri, 20 Ndira 2026

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225 # Mwari vakuropafadze

"Kana ukapera simba panguva dzokutambudzika, simba rako ishoma sei" (Zvirevo 24 ndima 10).

Isu tiri Vamwari. Tingarwiswa hedu. Asi simba redu hariperi. Tinokunda chete. Tinotonga. Tinokurira njodzi dzose. Jehovha ndivo simba rako. Saka simba rako harisi shoma. Izvi ndizvo zvatinovona mubhuku yechipiri yaSamueri chitsauko chemakumi maviri nembiri ndima yemakumi matatu nenhatu. Inoti, "NdiMwari anondishongedza nesimba uye anoruramisa nzira yangu".

Tsamba yekutanga yaJohane chitsauko chechina ndima yechina inoti, "Vana vadoko. Imi makazvarwa naMwari. Saka makakurira mweya yose iyi. Nokuti ari mamuri uyu. Ndiye mukuru. Akadarika uya. Ari munyika ino". Iwe wakazvarwa naMwari. Saka simba raMwari ndiro raunoshandisa pakurarama kwako. Izvi ndizvo zvatinovona mutsamba yechipiri kuVakorinde chitsauko chetatu ndima yeshanu. Inoti, "Tisingazviidzi nyanzvi isu pachedu. Zvekuti tingatozvikudza. Asi tinoshanda nehunyanzvi hwaMwari".

Saka hazvigoni kuti upererwe. Hazvigoni kuti ukurirwe. Hazvigoni kuti ukoneswe kuwana zvaunoda. Hazvigoni kuti ukoneswe kuita zvaunoda. Iwe wava muna Muponesi. Saka wakashanduka rudzi. Uye warurama saivo. Unofanira kunzwisisa izvi. Izvi zvinozoita kuti ushinge. Unozoshinga kunyangwe uri kurwiswa. Unozotsikira pasi zvose zvinokurwisa izvozvo. Zvinhu izvi ndizvo zvinotozokusimbisa.

Iwe ungava unoziva kuti wakarurama. Hapana chinhu chinozogona kukuvhundusira. Hapana munhu anozogona kukuvhundusira. Satani haazogoni kukuvhundusira. Hauzotyi kuti une mhosva. Hauzovhunduki vavengi. Unenge wava kunzwisisa kuti ndiwe wakamiririra Muponesi. Uye kuti wava kuzikanwa nezita ravo. Izvi zvinozoita kuti utsike nyoka. Nezvinyavada. Nemasimba ose emuvengi. Unenge wava kunzwisisa kuti zvinhu zvose izvi hazvigoni kukukuvadza.

Saka tonga zvirwere. Tonga mweya yakaipa. Tonga rufu. Namata wakashinga. Wakagutsikana kuti urikunzwikwa. Taura samambo. Simba reVamwari ngarivonekwe pahupenyu hwako. Hareruya!

Namata Uchiti

Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makandiita munhu akarurama. Mweya Mutsvene vakandiita munhu akashinga. Ndimi simba rangu. Saka ndinotonga zvinhu zvehupenyu huno. Ndinozvitonga ndichishandisa simba rekururama. Hapana chandinotya. Ndinoshandisa simba reVamwari pakurarama kwangu. Mashoko angu azere simba. Mabasa angu azere nyasha. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi

Varoma 8 ndima 35 kusvika 39

Varoma 5 ndima 17 AMPC

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:

Rhapsody of Realities (Shona)

Rinonyorwa na:

Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.

Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/

Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)

19/01/2026
Nzwisisa Kuti WakaruramaMuvhuro, 19 Ndira 2026*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chi...
19/01/2026

Nzwisisa Kuti Wakarurama

Muvhuro, 19 Ndira 2026

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225 # Mwari vakuropafadze

"Mukai! Muzive kuti makarurama! Mugorega kutadza. Nokuti vamwe venyu havazivi Mwari. Asi handisi kukupembedzai. Ndiri kuda kuti munyare" (1 Vakorinde 15 ndima 34).

Iwe wava munhu akarurama. Unofanira kunzwisisa izvozvo. Zvisizvo kururama kwacho hakuzogoni kukushandira. Saka unofanira kunzwisisa kuti wakachenurwa. Wakasukwa. Wakagamuchirwa naMwari. Iwe ungava munhu anoziva kuti akarurama. Hauzozvivoni semunhu uya wekare. Unozozvivona semunhu akarurama saMuponesi.

Hauzozvivoni semunhu ane mhosva yaakapara. Hapana chaunozotya. Izvi ndizvo zviri kutaurwa naPauro. Ari kuti "Mukai! Muzive kuti makarurama". Iwe hauchisiri mutadzi. Wava muna Muponesi Jesu. Saka wava chipuka chitsva. Zvinhu zvekare hauchisina. Zvauri zvose zvava zvitsva. Izvi ndizvo zvatinoziviswa mutsamba yechipiri kuVakorinde chitsauko cheshanu ndima yegumi nenomwe.

Ndiwo mafungiro aunofanira kuita. Hukama hwako naMwari hunozoshanduka. Unozotanga kuzvivona semunhu anotonga zvinhu zvehupenyu huno. Saka usataura uchiti, "Ini ndakangofanana nevanhu vose vose. Ndiri kungotsvakavo kufadza Mwari!" Kwete! Iwe wakasiyana nevanhu venyika ino. Uri humbowo hwekururama kwaMwari. Funga semunhu akarurama. Taura semunhu akarurama. Rarama semunhu akarurama. Ndiko kuti zvivonekwe kuti uri munhu akarurama.

Namata Uchiti

Baba vekudenga vandinoda. Ndinokutendai. Makaisa kururama kwenyu mumweya mangu. Ndava muna Muponesi. Saka ndakashanduka rudzi. Ndakaereswa. Ndava Mumwari. Ndakachenurwa. Ndinorarama ndakashinga. Ndakaitirwa nyasha naMuponesi Jesu. Saka ndinotonga zvinhu zvehupenyu huno. Ndinoshandisa simba raMweya Mutsvene pakurarama kwangu. Saka ndinokurira zvose zvandinosangana nazvo. Kururama kunovonekwa pandiri. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi

Varoma 8 ndima 1

2 Vakorinde 5 ndima 21

1 VaKorinte 1:30

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:

Rhapsody of Realities (Shona)

Rinonyorwa na:

Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.

Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/

Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)

Mweya Mutsvene Ndivo Simba ReMharidzo YeduChishanu, 16 Ndira 2026*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi ros...
16/01/2026

Mweya Mutsvene Ndivo Simba ReMharidzo Yedu

Chishanu, 16 Ndira 2026

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225 # Mwari vakuropafadze

"Asi muchawana simba. Muchariwana kana Mweya Mutsvene vauya pamusoro penyu. Mugogona kuva zvapupu zvangu. Mugondipupurira muJerusarema. MuJudhiya rose. MuSamariya. Kusvikira kumigumo yenyika" (Mabasa 1 ndima 8)

Shoko reRuponeso ndere chokwadi. Izvi ndizvo zvatakadzidza nezuro. Zvino isu tingaparidza shoko reRuponeso iri. Mweya Mutsvene ndivo vanoita kuti kuparidza kwedu uku kushandure vanhu. Wanga uchizviziva here? Saka tinofanira kuva naMweya Mutsvene. Ndiko kuti tigone kutaura saMwari. Mashoko edu achizogona kushandura vanhu. Zvisizvo mashoko edu anova asina simba. Mweya Mutsvene ndivo vanoita kuti tizive kuti Muponesi vari matiri pachokwadi. Ndivo vanoitavo kuti vanhu vagone kugamuchira Muponesi ava.

Mweya Mutsvene ndivo vanoita kuti tive nehukama naMwari. Zvichiita kuti tisangova vanhu vanongonamata sevanhu vose vose. Iwe ungava wakagamuchira Mweya Mutsvene ava. Une simba rawakapiwa musi uyu. Iri isimba rinoita kuti ugone kuita zvaiitwa naIshe Jesu. Wakabva wava munhu anofamba akatakura simba raMwari. Anogona kuita mabasa aMwari. Munhu anofanira kuva naMweya Mutsvene. Zvisizvo haangagoni kurarama hupenyu hweVamwari. Mweya Mutsvene ava ndivo Munyaradzi wako. Ndivo Chipangamazano vako. Ndivo Mubatsiri wako. Ndivo vanokunyengeterera. Ndivo Gweta rako. Ndivo Musimbisi wako. Ndivo vanokubatsira paunenge wapera simba.

Mweya Mutsvene ava vava mukati mako. Vachagara mauri nekusingaperi. Izvi ndizvo zvatinovona muna Johane yegumi nena ndima yegumi netanhatu. Ivo ndivo Mwari vaunofamba navo. Vanotokubatsira pachokwadi. Vanotokubatsira kudarika vanhu vose vaungafamba navo. Saka simbisa hukama hwako navo. Ndiko kuti ugone kushandisa mazano avo pakurarama kwako. Ndiko kuti simba ravo rivonekwe mauri. Vimba navo. Varege vatungamirire mafungiro ako. Ndivo vanofanira kukuitisa zvaunoita. Varege vatungamirire minamato yako. Varege vaise simba mumashoko aunotaura.

Saka iwe ungava naMweya Mutsvene. Hauzombofanani nevanhu venyika ino. Uye hapana chingazokukurira muhupenyu. Ivo ndivo vanokuita muparidzi akashinga. Ndivo vanokuita muparidzi anogona basa. Iye uya anogona kudzosa vanhu kuna Mwari. Verenga ndima yatavhura nayo zvekare. Mweya Mutsvene ava vanoita kuti ugone kukurira zvose zvaungasangana nazvo. Vachiita kuti simba reVamwari rivonekwe pauri. Ivo ndivo Baba veVamwari. Ndivo Mwari vanogara mukati mako. Ndivo vanopa simba kumharidzo yedu.

Namata Uchiti

Mweya Mutsvene vakaropafadzwa. Ndinokutendai. Imi mava kugara mandiri. Simba renyu ndiro rava kushanda muhupenyu hwangu. Ndimi munyaradzi wangu. Ndimi mudzidzisi wangu. Ndimi mutungamiriri wangu. Ndinobvuma kuti mushande muhupenyu hwangu. Nokudero ndinokurira zvose zvandinosangana nazvo. Ndinoita zvose nomazvo. Ndinotonga zvinhu zvenyika ino. Ini ndinemi. Saka ndinogona kuita zvinhu zvose. Ndinokunda nguva dzose. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi

Johane 14 ndima 16 kusvika 17

Zakariya 4 ndima 6

Mabasa 4 ndima 31

Mateo 28:19-20

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:

Rhapsody of Realities (Shona)

Rinonyorwa na:

Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.

Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/

Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)

Shoko ReRuponeso Ndere ChokwadiChina, 15 Ndira 2026*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chak...
15/01/2026

Shoko ReRuponeso Ndere Chokwadi

China, 15 Ndira 2026

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225 # Mwari vakuropafadze

"Nokuti takanga tisiri kutevera ngano. Idzo ngano dziya dzakarongerwa kunyengera. Takanga tiri kutokuzivisai pamusoro pesimba raIshe vedu. Jesu Muponesi. Pamwe nekudzoka kwavo. Uye takatovona nemeso edu kuti Jesu ava ndivo Ishe" (2 Pita 1 ndima 16).

Muponesi Jesu vane shoko ravakatiunzira. Iri ishoko reRuponeso. Shoko iri ndere chokwadi. Haasi manyepo. Hadzisi ngano. Ishe Jesu vakauya pachokwadi. Ichokwadi kuti vakafa. Vakavigwa. Vakamuka kuvakafa. Vakakwira kudenga. Idzi hadzisi ngano. Zvinhu zvakatoitika pachokwadi. Uye zvakakosha zvikuru. Kune vamwe vanhu. Vanhu ava vakatowanda. Vanofunga kuti Vatsvene vanhu vanongonamatawo sevamwe. Izvi hazvisi izvo.

Vatsvene havasi vanhu vanongonamatawo sevamwe. Ivo vachine miviri yenyika ino havo. Asi vakashanduka rudzi. Vava Vamwari. Isu tina Muponesi vatinoshumira. Ndivo zvekare vatinozivisa vanhu nezvavo. Muponesi ava vapenyu. Vanhu vanotogona kudyidzana naMuponesi ava. Muponesi ava vanotoita zvinhu zvinovonekwa nevanhu. Shoko reRuponesi hachisi chinhu chatinongozivisa vanhu. Zvarinotaura zvinotoitika pachokwadi. Mweya Mutsvene ndivo vakatumwa kutibatsira kutaridza izvi kuvanhu. Ivo vanotsigira Shoko iri. Vachiita minana pose patinoriparidza.

Shoko reRuponeso iri ndiro rakaunza hupenyu. Ndiro rakaita kuti vanhu vagone kusafa. Izvi ndizvo zvatinoziviswa mutsamba yechipiri kuna Timoti chitsauko chekutanga ndima yepfumbamwe kusvika yegumi. Inoti, "Ivo vakatiponesa. Vakatipa basa rinoera. Kwete nekuti takanga takanaka. Asi ndivo vakazvironga voga. Zvichibva panyasha dzavo. Idzo dzavakagara vatigadzirira muna Muponesi Jesu. Nyika isati yavambwa. Asi nyasha idzi dzakazouya. Dzakauya pakauya Muponesi wedu Jesu. Iye akatorera rufu simba. Akatiwanisa hupenyu. Akaitavo kuti tigone kusafa. Akaita izvi achishandisa shoko reruponeso rwake".

Ngapasava nechinhu chinoita kuti usagona kuvimba naMwari. Isu takashanduka rudzi. Tava Vamwari. Izvi ndizvo zvinotaridza kuti shoko reRuponeso ndere chokwadi. Saka ungaporesa varwere. Ungadzinga mweya yakaipa. Ungatendeusira munhu kuna Muponesi. Unenge uri kutotaridza vanhu kuti Ishe Jesu vapenyu. Uye kuti shoko reRuponeso isimba raMwari. Ndiro simba ravanoshandisa kuponesa vanhu. Vanoponeswa vacho ndevaya vanenge varigamuchira. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna Varoma yekutanga ndima yegumi netanhatu.

Nyika haisi kutsvaka imwe nzira yekunamata nayo. Inoda Ruponeso rwechokwadi. Iwe ndiwe une ruponeso urwu. Ndiwe uripo kuitaridza kuti shoko reRuponeso ndere chokwadi. Ndiwe uripo kuvataridza kuti Ishe Jesu variko. Uye kuti vanhu vanofanira kugamuchira Ishe Jesu ava. Ndiko kuti vashandurwe rudzi. Vaitwe vanhu veropa raMwari. Mwari ngavakudzwe.

Namata Uchiti

Baba vakaropafadzwa. Zvinofadza kuva chapupu chaMuponesi. Ivo Muponesi vaya vakamuka kuvakafa. Hupenyu hwangu hunotaridza kuti Jesu vapenyu. Ndinobatsira vanhu kuziva kuti shoko reRuponeso ndere chokwadi. Ndinokutendai. Makaita kuti ndirarame hupenyu hweVamwari. Simba reshoko reRuponeso richivonekwa pandiri. Rinovonekwa pandinounza vakawanda kukururama. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi

Mariko 16 ndima 20

Varoma 1 ndima 16

Mabasa 10 ndima 38

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:

Rhapsody of Realities (Shona)

Rinonyorwa na:

Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.

Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/

Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)

14/01/2026

WEDNESDAY 14TH ONLINE SERVICE

Shandisa Mashoko Ako Kutonga Nyika InoMuvhuro, 12 Ndira 2026*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* C...
12/01/2026

Shandisa Mashoko Ako Kutonga Nyika Ino

Muvhuro, 12 Ndira 2026

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225 # Mwari vakuropafadze

"Nokuti mashoko ako ndiwo anokupupurira. Ndiwo zvekare anokusungirira" (Matiyo 12 ndima 37).

Mashoko ane simba. Anotova zvinhu. Mashoko zvinhu zvemumweya. Ndiwo anoshandiswa kusika zvinhu. Mwari ndivo vakasika denga. Ndivo vakasika nyika ino. Vakashandisa mashoko kusika zvinhu zvose izvi. Iwe wakafanana naMwari ava. Saka unogonavo kusika zvinhu. Mashoko ako haasingori manzwi chete. Anotova midziyo yemweya. Ndiwo anoronga hupenyu hwako. Ndiwo anotonga zvinhu zvehupenyu hwako.

Hupenyu hwako hwakangoenzana nemashoko ako. Saka iwe ungataura zvinowirirana neShoko raMwari. Masimba eVamwari anozotanga kushanda. Masimba aya anozoita kuti ubudirire pane zvose zvaunoita. Anozokufumisa. Anozokukundisa. Asi kuda ungataura semunhu anotya. Kana anofungira Mwari. Kana akakurirwa. Unobva wapa muvengi mukana wekukukanganisa. Izvi ndizvo zvatinoziviswa neBhaibheri. Tinoverenga mashoko aro muna Zvirevo yegumi nesere ndima yemakumi maviri neimwe. Inoti, "Rurimi rune simba. Runogona kuuraya. Runogona kuraramisa".

Tsamba yekutanga yaPita chitsauko chetatu ndima yegumi inoti, "Nokuti munhu uya anoda hupenyu hwakanaka. Nekugara akafara mazuva ose. Ngaadzore rurimi rwake. Rusataura zvakaipa. Ngaadzorevo miromo yake. Isataura zvinonyengera". Saka usataura zvinopesana neShoko raMwari. Ndizvo zviri kutaurwa mundima iyi. Taura Shoko raMwari chete. Ndiro raunofanira kutaura nguva dzose. Usataura zviri kunzwikwa nemuviri wako wenyama.

Taura semunhu anovimba naMwari. Usataura semunhu anotya. Taura mashoko anoraramisa zvinhu. Usataura mashoko anouraya zvinhu. Taura semunhu anogara achikunda. Usataura semunhu anogara achikurirwa. Muromo wako ndiwo unoronga hupenyu hwako. Zvinhu zvako zvingava zvisiri kufamba zvakanaka. Iwe usatarisa izvozvo. Ingotaura semunhu ari kufambirwa zvakanaka nezvinhu. Taura zvawava muna Muponesi. Taura semunhu ane zvaakapiwa naMuponesi. Taura semunhu asina chaanokoniwa kuita.

Mashoko ako midziyo yepamweya. Ndiwo aunoshandisa kutonga. Saka shandisa mashoko ako kutonga nyika. Iwe uri mambo. Madzimambo anoshandisa mashoko awo kutonga. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna Muparidzi yesere ndima yechina. Inoti simba ramambo riri mumashoko ake. Madzishe anongoita zvekutaura chete. Anongodzika mitemo chete. Zvino Bhaibheri rinoti newevo ungadzika mitemo. Mitemo iyi inobva yatotanga kushanda. Tinoziviswa izvi muna Jobho yemakumi maviri nembiri ndima yemakumi maviri nesere. Shandisa muromo wako kudzika mitemo yakanakira hupenyu hwako. Dzika mitemo inokupa hutano hwakanaka. Dzika mitemo yakanakira mhuri yako. Dzika mitemo yakanakira ramangwana rako. Hareruya!

Pupura Uchiti

Mashoko angu azere simba. Anoraramisa zvinhu. Ndinotaura mazano aMwari. Ndinotaura semunhu anogara achikunda. Ndinotaura semunhu anogara achibudirira. Mashoko angu akatsigirwa nedenga. Saka anokurira zvinhu zvose. Ndinoshandisa rurimi rwangu kutonga zvinhu zvehupenyu hwangu. Ndichiunza zvinhu zvenyika yaMwari muhupenyu hwangu. Ndichikurira zvose zvandinosangana nazvo. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi

Mateo 12:35-37

Mariko 11 ndima 23

Vahebheru 13 ndima 5 kusvika 6

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:

Rhapsody of Realities (Shona)

Rinonyorwa na:

Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.

Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/

Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)

Address

Corner Bishop Gaul/Rekayi Tangwena Harare
Harare

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when Loveworld Shona posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Contact The Place Of Worship

Send a message to Loveworld Shona:

Share