09/08/2026
🧎🏽Jehovha Mwari wekumusoro kudenga, ndinouya pamberi pechigaro chenyasha, ndichidanidzira kwamuri muzita raJesu Kristu.
Ndinokumbira muchengete mhuri yose yeDMI—varume, vakadzi, vakomana nevasikana. Vapei kukunda nguva dzose. Vapei upenyu huzhinji, huchenjeri, nyasha, rugare, pfuma nekukudzwa zvinobva kwamuri. Vafambise munzira dzakarurama, muvadzivirire kubva mumisungo nemiedzo yemuvengi, uye muvazadze nesimba raMweya Mutsvene.
Baba, varwirei muhondo dzavanoziva nedzavasingazivi. Vachengetei mudzimba dzavo, mumabasa avo, muma business avo, muma marriages avo, muvana vavo, mukufamba kwavo nekudzoka kwavo. Hapana chombo chinovakirwa ivo chichabudirira muzita raJesu.
Ndinonamatirawo vose vakabvisa zvipo zvavo zvepaAltar yenyu. Ishe, gamuchirai zvipo zvavo sekuratidzwa kwekutenda, rudo nekuzvipira kwavo kwamuri. Rangarirai minamato yavo, misodzi yavo, kushanda kwavo nesimba, uye zvavari kutarisira kwamuri.
Muvazarurire mikova yakanaka. Mupe basa kune vanotsvaga basa. Simudzirai vari mumabasa. Mukudziridze ma business avo, muvape ma customers, ma clients, ma contracts, ma tenders, ma opportunities nema connections akanaka.
Jehovha, pavanotumira ma quotations, ma proposals nema applications avo, ngavawane favour. Pavanopinda muma meetings nema negotiations, vapei wisdom, confidence negrace. Vatungamirirei kune vanhu vakarurama vanogona kuvabatsira kufambira mberi.
Ndinonamatira ma business avo kuti asangorarama chete asi akure. Vapei ma ideas matsva, ma strategies akanaka, discipline, good management, ma loyal customers, ma profitable opportunities, ma reliable workers nema partnerships akanaka.
Apo ma business avo anga akamira, ngaafambe zvakare.
Apo ma customers anga ari mashoma, muvape ma customers akawanda.
Apo ma contracts anga achiramba, mikova ngaizaruke.
Apo ma tenders anga achivapfuura, muvape favour.
Apo pakange paine losses, Ishe vapei wisdom yekudzokera ku profitability.
Apo mari yange ichingopinda yobuda pasina chinobatika, vapei financial wisdom nekugona kuchengetedza nekushandisa zvakanaka.
Vadzivirirei kubva kuma bad deals, ma scams, fraud, theft, dishonest partners, bad debts nezvisarudzo zvinogona kuparadza ma business avo. Vapei discernment yekuziva mukana wakanaka nemukana wakaipa.
Jehovha, zarurai ma open doors asingagoni kuvharwa nemunhu. Vaisei pamberi pevanhu vanokwanisa kuona value yavo, kuvapa ma opportunities, ma contracts nekuvabatsira kukura.
Ngavave vanhu vanoshanda nesimba, vakatendeka, vane integrity, vanobhadhara zvavanofanira kubhadhara uye vanoita business nenzira inokudzai imi.
Mupe ma business owners capacity yekuwedzera mabasa, kuwedzera income uye nekugadzira employment kune vamwe.
Baba, muvarege vachifamba vachikwereta nguva dzose asi vapei nyasha dzekuvaka, kuchengetedza nekusiya nhaka yakanaka kuvana vavo.
Ndinonamatirawo muma marriages avo. Apo pakange paine kusawirirana, muise rugare. Apo pakange paine kupokana, muise kunzwisisana. Apo pakange paine kutonhora kwerudo, dzorerai rudo nekubatana. Chengetedzai mhuri dzavo, vana vavo, hukama hwavo uye zvose zvamakavapa.
Apo pakange paine kuvharika, Ishe zarurai nzira.
Apo pakange paine kunonoka, ipai acceleration.
Apo pakange paine rejection, ipai favour.
Apo pakange paine confusion, ipai direction.
Apo pakange paine kuchema, chinjai kuchema kwavo kuve mufaro.
Ngazvive pachena muupenyu hwavo kuti Mwari wedu mupenyu, anonzwa minamato uye anorangarira vanhu vake.
Zadzai mhuri yeDMI nemoto waMweya Mutsvene. Vapei simba rekunamata, simba rekutsanya, simba rekumira mukutenda, uye simba rekukunda zvose zvinorwisana nechinangwa chenyu pamusoro peupenyu hwavo.
Ndinovafukidza munyasha dzaJesu Kristu, uye ndinozivisa kuti havazofi vakadzokera shure. Vachafambira mberi, ma business avo achakura, mabasa avo achafamba zvakanaka, muma marriages avo muchava nerugare nekubatana, ma customers achawanda, ma contracts achauya, ma tenders achavhurika, ma opportunities achawedzera, mikova ichazaruka, uye vachapupura kunaka kwaJehovha munyika yavapenyu.
Muzita guru raJesu Kristu weNazareta ndinonamata.
AMEN! 🙏🏽🔥