Inforcentre-Hresouth

Inforcentre-Hresouth Contact information, map and directions, contact form, opening hours, services, ratings, photos, videos and announcements from Inforcentre-Hresouth, Religious organisation, Harare.

This is a platform created to publish information like notices, sharing our activities and the word of God from our district of Harare South in the Morotashi Apostolic Church.

15/03/2025

What’s your favourite hymn song

Nesuwo tinoda kuti kuda kwaMwari kuve kuriko kunoitwa nguva dzose. Ko iwe unodawo here? Say AMEN kana uchidawo kuti kuda...
21/12/2021

Nesuwo tinoda kuti kuda kwaMwari kuve kuriko kunoitwa nguva dzose. Ko iwe unodawo here? Say AMEN kana uchidawo kuti kuda kwaMwari kuitwe.

Tisazonyengerwa naDhiyabhori ipo pazororo rino. Chengetedzai kururama muchirangarira kutaura kwake Mwari nguva dzose. Mu...
15/12/2021

Tisazonyengerwa naDhiyabhori ipo pazororo rino. Chengetedzai kururama muchirangarira kutaura kwake Mwari nguva dzose. Musingazosvika pakuita hupombwe, kuba kana zvimwe zvose zvakaipa ipo pazororo apa kunyanya pakisimusi nepagoredzva. Asi sevaKristu tinyanye pakurumbidza Mwari, kunyengetera, kugovana navanoshaya uye kufara navose zvose zvichiitwa murudo kuti Mwari wedu agare achifara. Amen!

23/11/2021

"Shoko raKristu ngarigare mukati menyu riwande; nokuchenjera kwose mudzidzisane, nokurairana namapisarema, nenziyo, nezviimbo zvomweya, muimbire Mwari nenyasha mumoyo menyu;" Vakorose 3: 16

"vuye zvose zvamunoita, kana zviri zveshoko kana basa, itai zvose nezita raShe Jesu, muchivonga Mwari Baba naye", Vakorose 3: 17

Itirwai nyasha Amen!

28/09/2021

"Kana muchiziva kuti iye wakarurama, zivaiwo kuti mumwe nemumwe unoita zvakarurama wakaberekwa naye", 1 John 2: 29

Vanozviti vaKristu ngavarambe vachiita zvakanaka kuti naiyo nyika izive kuti chinosakisa vaite zvakanaka inyaya yeakavabereka. Maari hamuna zvivi nokudaro chese chaanobereka chinofanana naye. Kana vari vanoita zvakaipa havana kuberekwa naye. Amen!

24/08/2021

God is good all the time... Always learn to praise HIM. Hallelujah

29/07/2021

"Naizvozvo ndichagona kupindura unondishora; Nekuti ndinovimba neshoko renyu", Psalms 119: 42

Kushorwa kwemunhu arikuenda kunonamata asi asingaitirwe zvakanaka kuri too much ndava vamwe vake vaarikunamata navo varikuitirwa saka vanoshora vanenge vachingoti ko iwewe sei usingaitirwewo zvakanaka asi wakabata bata kani reurura. Ogotoshaya kuti chii chandanyanyotadza kana pandanyanya kusarira. Ipapo manje ndopaunotadza kupindura vanoshora...Asi sekureva kweshoko and nezita raJesu, nyasha idzi ngadzimbouya wo kwauri kuti uzokwanisa kuchapindura uchiti paya yaiva nguva chete. Amen

29/07/2021

"Ngoni dzenyu ngadziuye wo kwandiri, Jehovha, Iko kuponesa kwenyu, sezvinoreva shoko renyu", Psalms 119: 41

Ukaona panonzi wo zvinoreva kuti zvinosiitika kune vamwe asi this time ngazvimboitikawo kwauri. Vamwe vanoshandawo, vanororerwa, vanofara, vana vanopasa, vanoporeswa nenyasha dzaMwari idzodzi....This time ngazvimboitika wo kwauri...Amen

05/07/2021

"Ndakanga ndisinenguwo, mukandipfekedza; ndakanga ndichirwara, mukandifambira; ndakanga ndiri mutorongo mukauya kwandiri", Mat 25: 36

Rudo rwaMwari runoshamisa. Nerimwe zuva Mwari anotendera Satan kuti ataure naye kunyange wakanga wapanduka zvake(Job 1: 6-8). Zvichiburitsa pachena kuti nekuda kwerudo urwu Mwari anogona kutoshandisawo mbavha kana mhondi kuti iroteswe pamusoro pehupenyu hwako asi zvinoda maziso emweya kuti uzvinzwisise kuti sei Mwari achidaro. Ndosaka nyangwe nemukereke zvichiitika kuti vamwe vanhu vemweya mashoko avanopiwa makuru kwazvo kunyange vachiita mabasa erima kunze uko. Ingori bedzi nyaya yekuti Mwari rudo hazvirevi kuti vachona vaanoshandisa vachiita zvakaipa vangabva vatoti ndava Mwari zvaanotombotaura nesu anesu pakutadza kwedu kwete. Mwari rudo ,naizvozvo Satan kunyange ataura hake naMwari tinozonzwa bhuku yaZvakazarurwa yoti pakupedzisira Satan achakandwa mugomba remoto.

Nekuda kwerudo rwaMwari urwu, ndipo Jesu paanofananidzira kuti makandiona ndiri mutorongo mukandishanyira. Mutorongo munopinda mbavha, mhondi, nevamwe vanenge vapara mhosva. Rudo urwu runoshamisa kuti munhu kana aba anenge atadzira Mwari ,asi Mwari varikuti kutomushanyira ikoko zvisinei nekuti anditadzira watoratidza kuti unondida. Kureva kuti rudo rwaMwari harutarise kuti munhu akaita sei kana achingoda kupiwa rudo akafanira nekudaro. Uye rudo urwu rwakaita sekuti Mwari nguva yavanenge vasingafari nemunhu avatadzira, iwewe wakanomukanganisa Mwari vanotsamwira iwewe.

Tiri ipapo, makazvitarisisa munoona kuti pangonzi wakandishanyira ndiri mutorongo pasina kunzi munhu wacho anga akanditadzira here kana kwete. Kureva kuti tinongoshanyira vose. Uru rudo ndirwo rwatinofanira kuva naro kuti tionekwe zvechokwadi kuti tiri vana vaMwari.

rwaShe Jesu rukuru

30/06/2021

"Mumuromo mavo hamuna kuonekwa nhema, havana chavangapomerwa" Rev 14: 5

Kuti t**i nguwo yatasuka yachena hunge yachena yose zvayo pasisina kaspot kekunongedzera. Pakangoita kaspot tatova nechekunongedzera kana kupomera. Zvimwe chete nesuwo vatendi vanhasi zvizhinji unogona kuzvipedza wakabva pakuipa kwazvo asi pogosarira kamwe kekuti ndiko kachipomero kanozonongedzerwa.

Semuenzaniso munhu anogona kutouya kunaJesu akasiya kuba nemamwe mabasa ose akaipa asi dzimwe nguva kana ari mumwe ogopikira kuti kunyangwe zvakadii tete vaya handitombovajaidze nekuti vangatozoramba vachienderera. Kana ari murume ogototi kana zvikadii handiendese grocery kwanatezvara nekuti kweduwo pavaiva vapenyu wangu anga asingade kuti riende.

Zvino kana zvikadaro pane kari kusaririra tisina kubva pazviri zvose nekusuka zvamazvirokwazvo hatiwaniki pavanhu vari kutaurwa avo kuti havana chavanopomerwa. Zvekare hatisirisu tinenge tichitaurwa kuti mumuromo medu hamuna kuonekwa nhema nekuti nhema dzekuti tinomuziva Mwari dzinenge dzakatozara kana pachine zvimwe zvatisingade kubva pazviri nekuda kwezvikonzero zvakasiyana siyana.

pane zvakaipa zvose tichenese nguwo dzedu zvamazvirokwazvo tive vanhu vanobva panyika pasina chatinopomerwa.

Address

Harare

Telephone

+263772925540

Website

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when Inforcentre-Hresouth posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Share