Youth of True Voice Apostolic Faith Church

Youth of True Voice Apostolic Faith Church Teachings, praying and praise

06/09/2024

Author L T Kuwawoga (Mr Eagle)

Nohoreka Chirondahwema

Chitsauko 01

Nhanganyaya

Chengeto aive mukadzi mutsvuku uye aiyevedza kutarisa. Waiti ukamutarisa waipedzisira wamedza mate, iko kufamba aiita kudhanaira semunhu anorwara nehosha yemakumbo. Chengeto aive neshamwari yake yaaitamba nayo uye achiidisisa zvikuru. Shamwari iyi yainzi Ratidzo.

Ratidzo aive mukadzi mutema uye akachengeresa pameso zvikuru. Aiti kana achitaura aisapa mukana vamwe kutaura kusvikira apedza asi zvaizomupa kuzobata muromo nguva zhinji afukura hapwa. Ratidzo aive nejaya rake rimwe chete raimubatsira basa uye nekumutsvagira usavi hwekusevesa. Jaya raRatidzo rainzi Gwiba.

Chengeto aive nejaya rake rimwe chete rainzi Gondo. Vaviri ava vaigara musango rinoera, hapana aiziva muraramiro wavo uye vaviri ndivo vaiziva kuti vakabvepi uye nechikonzero chekwavakabva.

Zuva nezuva Gondo naGwiba vaigara vachipinda musango kunovhima uye vaiti vakabata mhuka vaichekerana zvakaenzana kunyange Gondo aive mukuru akanga asina hutsinye nemumwe wake. Rimwe zuva vaviri ava vachifamba musango rinoera vakasvika pane mumvuri wemuunze ndokugara pasi zvavo vachizorora. Gwiba akatora mukana wekubvunza Gondo kuti hama dzedu dzingavepi uye chikonzero nei? Amai vasingatibudire pachena. Gondo anobata musoro kwenguva achizvidya mumoyo kusvikira azunguza musoro. Gondo anotaura mashoko okunyaradza mumwe wake achiti, "Nerimwe zuva midzimu yedu ichativhurira gwara."

Chakanyanya k***adza Gondo ndechekuti nyaya iyi aigara achiibvunza mai vake asi vaimutuka uye vaisamupa mhinduro inogutsa.

Chengeto anosara achienda kumba kwaRatidzo sezvo paive pedyo. Semazuva ese vaviri vanogamuchirana neusvusvu hwezviyo. Chengeto anotarisa chiso chaRatidzo anoona kuti zvezuva iri hachina mufaro. Anobvunza pachikuru, "Nhai vaPhiri kwakanaka here? Zvamunotsvukisa maziso kunge rovambira yavererwa moto naGwiba mugomo reGuranenzara."

"Dai mati gomo reSvosvamoyo chairo nokuti....." Anodaro Ratidzo achitanga kuyeredza misodzi neshungu nokuti ndangariro dzinomubata zvine simba.

"Chinyararai aPhiri nokuti mukadaro vana vakasvika pano tinoshaya zvekuvaudza." Anodaro Chengeto achinyaradza mumwe wake.

Shungu dzaChengeto dzave kuda kuziva kuti chiii chauraya z**i? Nokuti harife roga. Chengeto anosandura nyaya otaura nemumwe wake zvetsvana yakabatwa mazuva mashoma apfuura.

Gondo anosimuka pasi pemuunze anzwa mutsindo achida kuziva kuti chaive chiii chaimhanya? Akazongonzwa runyararo akangoti zvimwe manzwira nzwira. Gondo akaudza Gwiba kuti vaisafanira kuenda kumba kunze kwakachena nokuti moyo wake waimirambira. Semazuva ese Gwiba aiterera mashoko aigarotaurwa nemumwe wake.

Vaviri vakasimuka vakananga kugomo raive chinhambwe nekwavaigara. Vari pakati tekuyeva nyika vanoerekana vasvika pagomo Zvivi. Raive gomo guru uye raive nemukwiro unorema. Gondo anotora tsvimbo yake oswedera mujinga maro uko Gwiba anoitawo zvimwezvo. Mumwe parutivi mumwe kune rumwe rutivi. Gwiba anotarisa Gondo anoona chiso chake chasanduka choita semunhu anoona zvinotyisa. Gondo anotora bakatwa ndokuriisa kune rimwe ruoko izvi zvose Gwiba aitevedzera. Vaviri vakakwira gomo kusvikira vaenda pamusoro paro asi hapana chavakasangana nacho.

Vaviri ava vave nhongonya pegomo Gondo anotanga kuringa ringa nyika yose anosekerera achiona zvaisaonekwa naGwiba. Gwiba anosekererawo pamwe chete naye. Gondo anodama Gwiba nezwi rizere neukashaya zvinove zvakamuvhundutsa kunzwa achidanwa zvakadaro. Gondo anotarisa Gwiba neziso dzvuku. Anomuudza nezve kudzidzisana tsiva uye kushandisa tsvimbo kana bakatwa. Gondo anobvisa mweya wetsitsi ndokutanga kudzidzisa Gwiba k***a. Vaviri vanorwisana kusvikira zuva rarereka zvaro. Dikita rinobuda richipera kudzamara ramira kubuda.

Gondo anotora tsvimbo yake nebakatwa odzika gomo Zvivi ukuwo Gwiba anotevera achiratidza kuneta. Vaviri vanofamba mutunhu pasina chavasangana nacho kudzamara vapinda munzvimbo yavaigaro rarama vari. Zuva inopinda muna mai varo vachangotanga kunotambira mhuka pedyo nemuzinda wavo. Vose vanoshamisika kuwana pasina chabatwa asi pazere matsimba emhuka.

Chengeto anoona kuti zuva radoka anomhanyira kumba kuti Gondo awane apedza kubika. Zvisinei Gondo anosvika amai vave kuisa mupambiro. Gondo anosweresa amai vake akananga kugota kwake. Ukuwo Gwiba anosvikoitawo zvimwe chete zvo.

https://whatsapp.com/channel/0029VaKb41r4tRruSl5ZMn42

Chitsauko 02

Loading...

Gondo anorota hope dzinotambudza kududzira.

By L T Kuwawoga (Mr Eagle)
+263775789361

https://whatsapp.com/channel/0029VaKb41r4tRruSl5ZMn42

NeChikwata ichi tinosvika kure. NeEagle Films Production tinokuvimbisai zvinofadza visit our YouTube channelFacebook Pag...
16/09/2023

NeChikwata ichi tinosvika kure. NeEagle Films Production tinokuvimbisai zvinofadza visit our
YouTube channel
page

28/08/2023

Ndakaita ongororo iyi, kana vanhu vakakura vachidzidziswa kunamata mashavi, hun'anga kana huroyi kuti uzonzi wavabvisa pazviri haisi nyore.

Kana Mwari agara pamusoro pako iwewe wega zvinotoda kushinga kusvikira wavabatsira. Kutambudzika kwavo kunokonzereswa nevazvakatenda havazvione asi pakauya munhu anovayeuchidza kana kuzivisa hukuru hwaMwari vanoramba.

Kana tichitenda kuzvifananidzo tichanzwirwa sei nyasha? Israel yakanzwirwa nyasha asi vakasangana neruponeso ndivo vakaberekerwa murenje. Ko iwe wakaberekerwa pai? Joshua anonzi pinda nevana muCanan nekuda kwekuberekerwa murenje.

Hama dzangu shoko raMwari rinoti David akaropafadzwa ari kumafuro ko iwe uri pai wakamirira ropafadzo yaMwari.

Nyasha dzaMwari ngadziwanzwe tiri munzira yake

Amen

30/04/2023

Youth Services practice

05/10/2022

How to find our YouTube Channel

28/09/2022
Maropafadzo aKunashe Zhuka 18 September 2022
21/09/2022

Maropafadzo aKunashe Zhuka 18 September 2022

10/09/2022

Welcome to our pages.
As a youth we have a meeting next month for the preparation of Youth Conference

30/08/2022

Address

Chegutu Phase 3
Chegutu

Telephone

+263719849948

Website

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when Youth of True Voice Apostolic Faith Church posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Share