29/04/2026
Praying for others
Abraham ainge asina mwana naSarah but anonamatira Abimelech nemukadzi wake navarandakadzi vake kuti vagokwanise kubereka (Genesis 20:17). Mumarriage maAbraham mainge musina mwana but he prayed for others kuti vaite vana. Our prayers need to come to such levels. Zviri easy kuti chinhu chausina uzvinamatire kuti uchiwane but we need to move kuenda palevel yekuti you pray for umwe munhu kuti awane chinhu chausinawo newe iwewe. Uri rovha but unotonamatira mamwe marovha kuti awane mabasa. Uri murwere but unotomatira vamwe varwere kuti vapore. Once watanga kuita izvi nemoyo unorevesa you will notice how things will start to change in your life. Abraham achipedza kunamatira vanhu ava, next chapter (Genesis 21) Isaac anobva aberekwa. Who knows, your testimony inogona iri kuseri kwekunamatira vamwe vanhu than kungozvinamatira iwewe
Ndinamatire ndigokunamatira hallelujah