04/07/2025
Dedicate them to Jesus .....Vapei kunaMwari.
And when she had weaned him, she took him up with her, with three bullocks, and one ephah of flour, and a bottle of wine, and brought him unto the house of the LORD in Shiloh: and the child was young.
1 Samuel 1:24
Vadikanwi Hanah anoti apfugama anamata ...agogodza pamasuo edenga sezvinotaura shoko raMwari parinoti Kumbirai munopihwa ...tsvagai munowana ...gogodzai munozaruriwa.Anoti apuhwa ropafadzo remwanamukomana unomupa zita Samuel ....Anoti arumura Samuel unomutora oenda naye kuimba yaMwari kunomupira kunaShe .Hanah unozadzikisa chivimbiso chake chaakaita panguva yaipfugama achikumbira ropafadzo remwana kubva kunaMwari....Vadikanwi ndoda muibate zvakanaka yandauya nayo ....Dedicate them to Jesus ...Vapirei kunaMwari sezvakaita Hanah ....Humwe huzungaigwa ...hutsotsi ...huguruvhani ...huhure nehunhunzvatunzva huzere muhupenyu hwevana venyu inyaya yekuti hamuna kuvapa kunaMwari ...Kupa mwana kunaMwari zvoreva kuti hupenyu hwake hwave nemutungamiri uye hwave nechiedza chinovhenekera .Tsoro yacho irikufira pakuti musi wamunozvara mwana chamunotanga kuita kumusungirira zvipande muchiuno zvinemishonga yamapuhwa kun"anga ...zvoreva kuti pamurikusungirira izvi pamwana murikumupa kuhupenyu hwerima.Haaaa vadikanwi first thing muchangobara daidzai vanhu vaMwari vazonamatira mwana ....Pakuita izvi varikumupa mumaoko emusiki.....Jesu ndiye mufudzi akanaka ....Mwana asina kuitwa dedicate to Jesus SaSamuel akafanana nemunda usina ruzhowa... .Manzwa kuchinzi achangorumura ndopaaakaenda naye kuimba yaMwari........Dedicate them vachiri vadiki.......pakuita izvi you are building srong foundation yehupenyu hwake hwose.
Yes mungazoda henyu kubata shamhu kurova nekuita sei after avemunhu mukuru ....haaaaaaa makairuza kare game yacho achiri mudiki pamakamumwaya mishonga yekumaporofita .Jesu ndiye nzira chokwadi nehupenyu...Kana mapa mwana wenyu kunaShe zvoreva kuti mhepo yenyasha yavekuvhuvhuta murwendo rweupenyu hwake .