United Methodist Church Antioch Hermanus

United Methodist Church Antioch Hermanus United methodist church

13/07/2025
22/05/2025

And he said unto me, Son of man, can these bones live? And I answered, O Lord GOD, thou knowest.
Ezekiel 37:3

Ezekiel anoti apinzwa mumupata wakazara nemapfupa akaoma ..kwete kuoma chete but kuti papata .....Mwari vanobvunza ...Ezikiel mapfupa aya angararama here ? Iye unoti Ishe ndimi munoziva .
Today my dear ndoda ubate mushe yandauya nayo kuzoshumira kulife yako iwewe urikuverenga this sermon ....Ezekiel akange akatarisa mapfupa ...achiona kuoma kwawo ...Eishy mudikanwi mapfupa akaoma ...inguva dzakaoma ..dzezvinhu nezvitiiko zvaurikusangana nazvo muhupenyu hwako ...Kurara savamwe unoda but zvaunofuga zvinonyorova nemisodzi usiku hwese uchingoti Zvehupenyu zvandinetsa ...Kufara savamwe unoda but hapafarike veduweee unenge wakangoti hurududu chero paitwe zvonakidza nekusekesa uchingoti eish manje ndichaitasei ...eishy manje ndichapabuda sei ...Mudikanwi Ezekiel anoti abcunzwa anoti Ishe ndimi munoziva ....Yavenguva nazvino yekuti upe muridzi basa rake .Ipa akakusika nguva yekudealer nedzakunetsa mulife mako kwemakore ...Enda pedyo nemuchinjiko ...surrender yourself uti Mwari ndimi munoziva kuti zvichapera sei ...ndimi munoziva kuti ndichapfuura seyi pamiteyo yavakateya munzira yelife yangu....Swedera nekutenda my dear ...Mwari ndiMwari vasingakundikane ....Mwari vandirikushumira kwauri ndiMwari wakasandura mvura dzaivava paMara dzikamwika ....He is the same God akange aina David panguva yaakasangana naGiant Goliath .He is Wamasimbaose ...Anozarura nzira pasina nzira .Ndiye Jehovha wesimba ..Vadzidzi vanoti varara husiku hwese vakakanda mambure ..vanomuka vasina kana chavabata ...Jesu vanoti vasvika nepo panobatwa hove zhinji mambure akadambuka ...Haaaa mudikanwi i know semunhu wenyama wakambozviita tsuro magen"a ukaenda kun"anga ukapihwa makwati nemvura dzemumhango but hazvina kubatsira ...Wakamboenda kwaprophet ukapihwa oil ukasungirirwa nechitambo muruoko but hazvina zvavakashanda ...Zvese waedza but hapana chirikupa help...Chingoti Ishe ndimi munoziva .

21/05/2025

Pharaoh's chariots and his host hath he cast into the sea: his chosen captains also are drowned in the Red sea.
Exodus 15:4

The LORD is a man of war: the LORD is his name.
Exodus 15:3

Ndiye Jehovha wesimba ...He is alive haakundikane ...Anozarura nzira pasina nzira .Mudikanwi just connect your life to Jesus ...ipa zvese zvehupenyu hwako hwese kwaari .Chandoda uzive ndechekuti Mwari havakundikane ...Mwari vanodzivirira ...Mwari vanochengeta .Yes kunemhepo dzemweya yetsvina yekudzinza kwenyu dzirikukutevera my dear dzisingade kuona uchienda to your promised land Canani nyika yehuchi nemukaka kunova kubudirira muhupenyu ...Haaaa ndauya today kuzoshumira kuhupenyu hweumwe munhu pano apa ...Wimba naJesu zvako zvese zvinobudirira hapana chinozvimisa ....Pharaoh nemabhiza ake ....nemasoja ake vakange varikutevera vaIsrael kurikuda kudzivisa kuti vasasvika kunyika yehuchi nemukaka ....but Mwari wemasimbaose akaratidza hukuru hwake pavana vake .Trust in Jesus my brother ..my sister .Pharaoh kumashure nemaCaptains ake gungwa mberi ...vaIsrael pakati ...Mudikanwi panehuvapo hwaMwari hapana chinokona ....Chinoparara ndechisingade kuona uchibudirira ...iwewe hupenyu hwako hauzikuzopararira paRed sea ...Red sea ririmuhupenyu hwako imhiko dzakaitwa nehama dzako kuti ufe uri rombe pahupenyu...My dear Iwe gara muprayer room ...Rega varangane ...rega vagare matare pamusoro pelife yako... Iwewe pray without ceasing ...Ziva izvi ...David anoti Anogadzira tafura pamberi pevadzivisi .....Varipo vavengi ichadyiwa tafura vachizviona varipo....Walk by faith not by sight .Gara paprayer...Simba rehove ririmumvura ..Simba remutendi riripamunamato.

17/03/2024

Job 1:13-19. THEME:Zvese zvichiitika usatsveta muchinjikwa pasi.

[13]And there was a day when his sons and his daughters were eating and drinking wine in their eldest brother's house:
[14]And there came a messenger unto Job, and said, The oxen were plowing, and the asses feeding beside them:
[15]And the Sabeans fell upon them, and took them away; yea, they have slain the servants with the edge of the sword; and I only am escaped alone to tell thee.
[16]While he was yet speaking, there came also another, and said, The fire of God is fallen from heaven, and hath burned up the sheep, and the servants, and consumed them; and I only am escaped alone to tell thee.
[17]While he was yet speaking, there came also another, and said, The Chaldeans made out three bands, and fell upon the camels, and have carried them away, yea, and slain the servants with the edge of the sword; and I only am escaped alone to tell thee.
[18]While he was yet speaking, there came also another, and said, Thy sons and thy daughters were eating and drinking wine in their eldest brother's house:
[19]And, behold, there came a great wind from the wilderness, and smote the four corners of the house, and it fell upon the young men, and they are dead; and I only am escaped alone to tell thee.
Mudikanwi today ndirikuda kushumira kuhupenyu hweumwe munhu arikuti haaaaa veduweee zvandiwandira ..zvandikomba ...Yangu nhamo yekukombwa nematambudziko yakafanana neyemudzanga wefodya unoti uku wakarumwa uku unopfuta .Rega ndikuudze my dear usatsveta kutenda pasi nekuti zveupenyu zvarema...Be like Job ..Zvese zvichiitika akaramba achingoti Ndinomira panaJesu ndiye d***o nheyo yangu ndipo ndichamira zvangu...Usarasa kutenda kumuchinjikwa mudikanwi ...Gara uchinamata ..Gara pakutenda ...Haaaa ndinoitirwa zvakanaka nemkadzi anonzi Hana ...Haana kutsveta muchinjiko pasi nekuti kwaita anaPenina vanyombi nevaseki...Job haana kutsveta muchinjiko pasi nekuti zvarema....Ndaramba vatendi vanoshora Mwari nekuti zvarema.

15/03/2024

Bible. Job 14:1-2
[1]Man that is born of a woman is of few days, and full of trouble.
[2]He cometh forth like a flower, and is cut down: he fleeth also as a shadow, and continueth not.

Today ndirikuda kushumira panyaya yemazuva mashoma panyika....Vadikanwi shoko rakajekesa mazuva atinawo panyika mashoma soo lets use mazuva iwayo zviri wise ...Ndichiti zviriwise ndirikureva kuti ngatigare hupenyu hunofadza Mwari nguwa dzese ...Ngatigare hupenyu hwekushandira Mwari nemoyo yedu yese nepfungwa dzedu dzese .Haaaa mudikanwi zviya zvekurarama chero zvazvaita hazvina chazvinokupa pamazuva mashoma awa kunze kwekuzoboshaisa mweya wako zororo...Iva munhu anopa rufaro nenyemwerero kuhama dzake ...Iva amai ..baba ..mukoma ..sister vanoita add value mucommunity yavanorarama ...Mumazuva mashoma awa batsira vnoshaya ...mumazuva mashoma awa ita take nherera dzisisina anotarisa ....Mumazuva mashoma awa ida vanhu kwete kuita zino irema ....Mumazuva mashoma awa itya Mwari not kurarama semombe yemashanga ...Siyana nekurarama life inenge Shiri inonzi hoto ..inoenda chero kwaenda mhepo....Rarama life inechirevo kumunhu wese .....Kwete kurarama life yekuti musi waunokwira bus kubva mulocation...location rwese runoti tafefeterwa veduweee... # Panyika tiripamatende...
# panyika hatisi papermanent resident # Panyika tiripabustop .Ngatiidze misi yose kufadza muponesi tizotorwa ndiye Jesu kuenda kumusoro....Vanhu vake vatsvene vasina zvitema ..ivo vanoenda kudenga .

Address

Living Waters Day Care Center Zithande Street Sandbaai Zwelihle Hermanus
Hermanus
7200

Telephone

+27745503431

Website

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when United Methodist Church Antioch Hermanus posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Share