09/02/2026
*Chitatu 2 Gunyana, September 2026*
*Vhiki 22 regore*
*Chiverengo chokutanga:*
_1 VaKorinde 3,1-9_
_Inzwai chiverengo chinobva mutsamba yokutanga yaPauro kuvaKorinde_
“Kana iniwo, hama dzangu, handina kukwanisa
kutaura kwamuri savanhu vana Mweya, asi
savanhu venyama uye savacheche muna Kristu.
Ndakakurerai nomukaka kwete nesadza, nokuti
makanga musati mokwanisana naro. Nyange
nazvino wose hamusati mokwanisana naro.
Chikonzero ndechokuti muchiri vanhu venyama,
nokuti kana pachine shanje nokukakavadzana
pakati penyu, hamusi vanhu venyama here,
muchizvibata savanhuwo zvavo?
Ko, kana munhu
achiti ndiri waPauro mumwe achiti ndiri waAporosi
hamusati muchingova vanhu chete here? 5
Ko, iye Aporosi chiiwo zvake? Pauro chinyi?
Varanda. Imi makawana chitendero chenyu
nemavari, sokupiwa kwakaitwa mumwe nomumwe
wavo.
Ini ndakadyara, Aporosi akadiridza, asi
Mwari ndiye akaita kuti zvikure.
Saka anodyara
naanodiridza hapana zvavari, asi Mwari ndiye
chete anoita kuti zvikure.
Anodyara naanodiridza
vakangoenzana. Mumwe nomumwe wavo
achagamuchira mubayiro wake sokushanda
kwaakaita, nokuti tiri vashandipamwe vaMwari.
Imi muri munda waMwari, imba yaMwari.”
*Shoko raTenzi.*
*Rwiyo rwokutsinhira:*
_Nziyo 33,12-13.18-21. (D - 12)_
*(D) - Vakakomborerwa vanhu vakasarudzwa kuva nhaka yaTenzi.*
12
Rwakakomborerwa rudzi rwakaita TENZI
Mwari warwo;
vanhu vaakasarudza kuva nhaka yake.
13
TENZI anotarisa pasi ari mudenga,
anoona vanhu vose.
*(D) - Vakakomborerwa vanhu vakasarudzwa kuva nhaka yaTenzi.*
18
Tarisai muone kuti ziso raTENZI riri pana
vanomutya, riri kune vane chitarisiro
kumwoyochena wake 19
kuti avanunure kurufu,
uye kuti avararamise panguva yenzara.
*(D) - Vakakomborerwa vanhu vakasarudzwa kuva nhaka yaTenzi.*
20
Tinotarisira muna TENZI,
ndiye rubatsiro rwedu nenhoo yedu.
21
Mwoyo yedu inofara naye
nokuti tinovimba nezita rake rinoera.
*(D) - Vakakomborerwa vanhu vakasarudzwa kuva nhaka yaTenzi.*
*Kupemberera Shoko Rakanaka:* _Ruka 4,18_
*Areruya, Areruya.* Mweya waTenzi uri
pandiri, kuti ndiparidze Shoko Rakanaka
kuvarombo. *Areruya.*
*Shoko Rakanaka:*
_Ruka 4,38-44_
_Inzwai Shoko Rakanaka rakanyorwa naRuka_
Jesu akazosimuka obva pasinagogu ndokundopinda mumba maSimoni. Vambuya vaSimoni
vakanga vachirwara kwazvo, muviri wavo uchipinda chando zvikuru. Vakavakumbirira kuna
Jesu.
Iye akandomira pedyo navo ndokutaurira
denda kuti ribve mavari. Denda ndokubva ravasiya.
Pakarepo vakabva vasimuka vakavashandira.
Kuzoti zuva rovira, vose vaiva navarwere vana
matenda akasiyanasiyana, vakauya navo kwaari, iye ndokuisa maoko ake pamusoro pomumwe
nomumwe wavo, akavaporesa.
Mweya yakaipa
yakabuda muvazhinji ichidaidzira ichiti, “Iwe,
ndiwe Mwanakomana waMwari.” Asi Jesu
akaikarira asingaibvumiri kutaura nokuti yaiziva
kuti iyeyu ndiye Kristu wacho.
Kuzoti kwaedza Jesu akabvako oenda kunzvimbo
isina vanhu. Uzhinji hwavanhu hwakamutsvaka.
Vakauya kwaari vachiedza kumudzivisa kuti asabve
kwavari.
Asi Jesu akati kwavari, “Ndinofanira
kuparidzawo shoko rakanaka roumambo hwaMwari kuna mamwe maguta, nokuti ndizvo zvandakatumirwa.”
Ndokubva aparidza mumasinagogu eJudhea.
*Shoko Rakanaka raTenzi.*